Shona

Norwegian

Titus

1

1Pauro muranda waMwari, nemuapositori waJesu Kristu, zvichienderana nerutendo rwevasanangurwa vaMwari nekugamuchira chokwadi chiri pauMwari,
1Paulus, Guds tjener og Jesu Kristi apostel til å føre Guds utvalgte til tro og til å kjenne den sannhet som hører til gudsfrykt,
2patariro yeupenyu hwusingaperi, uhwo Mwari usingarevi nhema hwaakavimbisa, nhambo dzenguva dzisati dzavapo,
2i håp om evig liv, som Gud, han som ikke lyver, har lovt fra evige tider,
3asi panguva dzakafanira wakaratidza shoko rake kubudukidza nekuparidza kwakakumikidzwa kwandiri zvichienderana nemurairo waMwari Muponesi wedu,
3men nu i sin tid har han åpenbaret sitt ord i den forkynnelse som blev mig betrodd efter Guds, vår frelsers befaling
4kuna Tito, mwana wangu chaiye parutendo rwakafanana: Nyasha, tsitsi, rugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu Muponesi wedu.
4- til Titus, min ekte sønn i den felles tro; Nåde og fred fra Gud Fader og Kristus Jesus, vår frelser!
5Nekuda kwaizvozvi ndakakusiya paKrete, kuti ugadzirise zvinhu zvakasara, uye ugadze vakuru muguta roga roga, sezvandakakuraira;
5Derfor lot jeg dig bli efter på Kreta at du skulde sette det i rette skikk som ennu stod tilbake, og innsette eldste i hver by, således som jeg foreskrev dig,
6kana ani nani usina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, une vana vakatendeka, vasingapiwi mhosva yebongozozo, kana kusateerera.
6om nogen er ulastelig, én kvinnes mann, og har troende barn som ikke har ondt ord på sig for ryggesløshet eller er gjenstridige.
7Nekuti mutariri unofanira kuva usina chaangapomerwa semuchengeti weimba yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri fuma inonyangadza;
7For en tilsynsmann skal være ulastelig som en Guds husholder, ikke selvgod, ikke vredladen, ikke drikkfeldig, ikke voldsom, ikke lysten efter ussel vinning,
8asi unofarira kugamuchira vaenzi, unoda zvinhu zvakanaka, wakasvunura, wakarurama, mutsvene, unozvidzora,
8men gjestfri, glad i det gode, sindig, rettferdig, hellig, avholdende,
9unobatisisa shoko rakatendeka sezvaakadzidziswa, kuti agone kukurudzira nedzidziso mhenyu, nekupwisa vakakavari.
9en som holder fast ved det troverdige ord efter læren, forat han kan være i stand til både å formane ved den sunde lære og å tale til rette dem som sier imot.
10Nekuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo nevanyepedzeri, zvikuru avo vekudzingiswa,
10For der er mange gjenstridige, som farer med tomt snakk og dårer folks hu, helst de av omskjærelsen.
11miromo yavo inofanira kudzivirwa; vanopidigura dzimba dzose, vachidzidzisa zvinhu zvavasingafaniri nekuda kwefuma yakaipa.
11Disse skal en målbinde; for de nedriver hele hus ved å føre utilbørlig lære for ussel vinnings skyld.
12Mumwe wavo muporofita wekwavo, wakati: VaKrete vagara vari varevi venhema, zvikara zvakaipa, simbe dzinokara.
12En av dem, deres egen profet, har sagt: Kreterne er alltid løgnere, onde dyr, late buker.
13Uchapupu uhwu ndehwechokwadi. Nekuda kwechikonzero ichi uvatsiure zvikuru, kuti vagwinye parutendo.
13Dette vidnesbyrd er sant. Derfor skal du tale dem strengt til rette, forat de må bli sunde i troen,
14vasingateereri ngano dzevaJudha, nemirairo yevanhu vachizvifuratidza kuchokwadi.
14så de ikke gir sig av med jødiske eventyr og bud av mennesker som vender sig bort fra sannheten.
15Kuvatsvene zvinhu zvose zvitsvene; asi kune vakasvibiswa vasingatendi hakuna chitsvene, asi kunyange kufunga kwavo nehana zvakasvibiswa.
15Alt er rent for de rene; men for de urene og vantro er intet rent; både deres sinn og deres samvittighet er urene.
16Vanobvuma kuti vanoziva Mwari, asi pamabasa vanomuramba, zvavari vanyangadzi nevasingateereri, vasingabatsiri pabasa rose rakanaka.
16De sier at de kjenner Gud; men de fornekter ham med sine gjerninger, for de er vederstyggelige og ulydige og uduelige til all god gjerning.