Shona

Paite

1 Kings

15

1Zvino negore regumi namasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhija wakatanga kubata ushe hwaJudha.
1Nebat tapa kumpipa Jeroboam kum sawm leh kum giat a lal kumin Judate tungah Abijam a lal pana.
2Akabata ushe paJerusaremu makore matatu; zita ramai vake rakanga riri Maaka, mukunda waAbhusaromi.
2Jerusalem khuaah kum thum a lala: a nu min Maaka, Abisalom tanu ahi.
3Iye akafamba pazvivi zvose zvababa vake, zvavakamutangira kuita; moyo wake wakange usina kururama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, somoyo waDhavhidhi baba vake.
3A maa apan thil gilou a hih tengteng a hih teia: a pu David lungtang bangin a lungtang Toupa a Pathian lamah a hoih kim tei kei hi.
4Kunyange zvakadaro nokuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake akamupa mwenje paJerusaremu, akamumutsira mwanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusaremu;
4Himahleh David jiakin Toupa a Pathianin a nunga a tapa hongdin khiakna ding leh Jerusalem khua ding kipsak dingin Jerusalem khuaah khawnvak anei saka;
5nekuti Dhavhidk waiita zvakarurama pamberi paJehovha, haana kutsauka pachinhu chimwe chaakamuraira mazuva ose oupenyu hwake, asi pamhaka yaUriya muHiti chete.
5Hit mi Uria tungtang chih louhin Davidin Toupa mitmuha thil hoih a hih sek jiaka leh a dam sung tenga hih dinga thu a piak peuhmah a sel ngei het louh jiakin.
6Kurwa kwakanga kuripo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose oupenyu hwake.
6Rehoboam bel a damsung teng Jeroboam toh a kidou ngitnget ua.
7Zvino mamwe mabasa aAbhija, nezvose zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku raMakoronike amadzimambo aJudha? Kurwa kwakanga kuripo pakati paAbhija naJerobhoamu.
7Abijam tanchin dangte leh a thilhih tengteng Juda kumpipate lal lai thu gelhna buah atuang ka hia? Huan, Abijam leh Jeroboam a kidou sek uh.
8Abhija akavata namadzibaba ake, vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake akamutevera paushe.
8Huan, Abijam bel a pute kiangah a ihmua; huchiin David khopi ah a vui uh; huan, a sikin a tapa Asa a lalta hi.
9Negore ramakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Asa wakatanga kubata ushe paJudha.
9Israel kumpipa Jeroboam kum sawmnih a lal kumin Asa bel Judate tungah a lal pana.
10Akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana nerimwe, zita ramai vake rakanga riri Maaka mukunda waAbhusaromi.
10Huan, kum sawmli leh kum khat Jerusalem ah a lala: a nu min Maaka, Abisalom tanu ahi.
11Asa akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
11Huan, Asain a pu David bang mahin Toupa mitmuhin thil hoih a hih jel hi.
12Akabvisa vaSodhomi panyika, akabvisawo zvifananidzo zvose zvakaitwa namadzibaba ake.
12Huan, pasal kijuakte gama akipan a delhkhia, a puten milim a nabawlte tengteng uh a thelthang sak vek a.
13Akabvisawo Maaka mai vake pauhosi hwavo, nekuti vakanga vaitira matanda okunamata nawo chifananidzo chinonyangadza; Asa akaparadza chifananidzo chavo, akachipisa parukova Kidhironi.
13Huan, a nu Maaka leng, milim kihhuai mahmah Asehr a bawl sak jiakin, a kumpinu hih a tawpsaktaa; huan, Asain a milim bawl a satpuka, kidron luiah a hal hi.
14Asi matunhu akakwirira haana kubviswa; kunyange zvakadaro moyo waAsa wakange wakarurama kwazvo kuna Jehovha mazuva ake ose.
14Munsagte ahihleh a thelthang sak keia; himahleh Asa lungtang a damsung tengin Toupa lamah a hoih bukim hi.
15Akaisa mumba maJehovha nhumbi dzakanga dzatsaurwa nababa vake, nenhumbi dzaakanga atsaura iye amene, sirivha, nendarama, nemidziyo.
15Huan, a pan thil a nalatsate leh, a mah mahin analatsa, dangkachi te, dangkaeng te, tuiumbelsuan te Toupa inah a la lut hi.
16Zvino kurwa kwakanga kuripo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri mazuva avo ose.
16Huan, Asa leh Israel kumpipa Baasaa lal sung teng un a kidou gige uh.
17Bhaasha mambo waIsiraeri akakwira kundorwa naJudha, akavaka Rama, kuti arege kutendera munhu kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.
17Huan, Israel kumpipa Baasain Judate a vasuala, Juda kumpipa Asa kianga lut ding leh pawtkhe ding dalna dingin Rama khua a bawl hi.
18Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara pafuma yeimba yaJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeZiyoni, mambo weSiria wakange agere Dhamasiko, akati,
18Huchiin Asain Toupa in leh kumpipa ina gou om lai dangkachi leh dangkaeng tengteng a laa, a sikhate a piaa; huan, kumpipa Asain Damaska khuaa om Suria kumpipa Hezion ta Tabrimmon tapa Benhadad kiangah,
19Sungano iripo pakati pangu nemi, pakati pababa vangu nababa venyu;tarirai ndinokutumirai chipo chesirivha nendarama, endai muputse sungano yenyu naBhaasha mambo waIsiraeri, abve kwandiri.
19Kei leh nang kalah lehkapa leh na pa kalah thukhun a om: ngaiin, kipahman dingin dangkachi leh dangkaeng ka hon khak hi; chih leh, Israel kumpipa Baasain hontawpsanna dingin a kianga na thukhun suse mai dih, chiin a khaka.
20Bhenihadhadhi akateerera mambo Asa, akatuma vehondo dzake kundorwa namaguta aIsiraeri, akakunda Ijoni, neDhani, neAbheribhetimaaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNafitari.
20Huan, Benhadadin kumpipa Asa thu a napoma, huchiin Israel khuate sual dingin a sepaih heute a sawla, Ijon khua te, Dan khua te, Abel-bethmaaka khua te, Kinneroth bial tengteng, Napthali gam tengteng toh a suala.
21Zvino Bhaasha wakati achizvinzwa, akarega kuvaka Rama, akandogara Tiriza.
21Huan, hichi ahia, Baasa in huai thu ana jak takin Rama kho bawl a tawpa, Tirza khuaah a omta hi.
22Ipapo mambo Asa akakoka vaJudha vose, hakuna wakadarikwa, vakandotora mabwe eRama, namatanda aro, zvaakanga achivaka nazvo iye Bhaasha; mambo Asa akavaka nazvo Ghebha rokwaBhenjamini neMizipa.
22Huchiin kumpipa Asain Juda gam tengteng ah thu a thang sak vialvial a; kuamah awl mahmah a om kei uh: huchiin Baasain Rama kho bawlna ding a suang leh sing a zatte a nawn ua; huan, huaite zangin kumpipa Asa in Mizpa khua leh Benjamin gama Geba khua a bawl a.
23Zvino mamwe mabasa ose aAsa, nesimba rake rose, nezvose zvaakaita, namaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha? Asi panguva yokukwegura kwake wakange achinzwa makumbo.
23Asa tanchin dang tengteng te, a thilhih te hihdan tengteng te, a thilhih tengteng te, a kho bawlte Juda kumpipate lal lei thu gelhna bu ah a tuang kei maw? Ahihhangin a tek lamin a khe ah hi banghiam a honveita hi.
24Asa akavata namadzibaba ake, akavigwa kunamadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake, akamutevera paushe.
24Huan, a ihmu a, a pu David khopi ah a pute lakah a vui ua; huan, a tapa Jehosaphet a sikin a lal hi.
25Zvino Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri negore rechipiri raAsa mambo waJudha, akabata ushe hwaIsiraeri makore maviri.
25Huan, Jeroboam tapa Nadab Juda kumpipa Asa lal kum kum nihna ah Israelte tungah a lal pana, Israelte tungah kum nih a lal a.
26Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yababa vake, nomuzvivi zvake zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
26Toupa mitmuh in thil hoihlou tak a hih seka, apa lampi a tawna, Isreal te thilhih a khialsaka a hihkhelhna pentak aman leng ahih tei hi.
27Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira, Bhaasha akamuuraya paGibhetoni raiva ravaFirisitia; nekuti Nadhabhi navaIsiraeri vose vakanga vakomba Gibhetoni.
27Huan, Issakar inkuan te laka mi Ahija tapa Baasa in amah a guk sawma, Philistia te tan, Gebbethon khua ah Baasa in a thata; Nadab leh Israelte tengteng in Gebbethon khua a um lai uh ahi.
28Bhaasha akamuuraya negore retatu raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
28Juda kumpipa Asa lal kum thumna ah ahi Baasa in a thah a, asika a lal.
29Zvino wakati achangogara ushe, akauraya vose veimba yaJerobhoamu; haana kusiira Jerobhoamu mumwe wakange achafema, kusvikira amuparadza, sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
29Huan, hichi ahia, kumpipa ahihtakin a hihchimih matan Jeroboam inkote tengteng a that a; a hing peuhmah khat leng Jeroboam a hawi sak kei; Toupa Silo khua a mi a sikha Ahija zanga ana gensa bangin:
30nokuda kwezvivi zvaJerobhoamu, zvaakaita iye, nezvaakatadzisa Isiraeri nazvo, nokuda kokutambudza kwaakatambudza Jehovha Mwari waIsiraeri nako.
30Huai bel Israelte thil hihkhial saka ahih, Jeroboam khelhnate jiak leh Toupa, Israel te Pathian a hehsak jiak ahi.
31Zvino mamwe mabasa aNadhabhi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?
31Nadab tanchin dangte leh a thilhih tengteng Israel kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ka hia?
32Kurwa kwakanga kuripo nguva dzose pakati paAsa naBhaasha mambo waIsiraeri.
32Huan, Asa leh Israel kumpipa Baasa a lal sung teng un a kidou gige uh.
33Negore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija, wakatanga kubata ushe hwevaIsiraeri vose paTiriza, akabata makore makumi maviri namana.
33Juda kumpipa Asa lal kum thum na ah Ahija tapa Baasa Tirza khua ah Israel te tengteng tungah a lal pana, kum sawmnih leh kum li a lal hi.Toupa mitmuhin thilh hoihlou mahmah a hih seka, Jeroboam lampi zuih a jui tei a Israel te thil hihkhial saka a hih khelhna ahih tei hi.
34Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akafamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
34Toupa mitmuhin thilh hoihlou mahmah a hih seka, Jeroboam lampi zuih a jui tei a Israel te thil hihkhial saka a hih khelhna ahih tei hi.