Shona

Paite

1 Samuel

12

1Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, Tarirai, ndakateerera manzwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo.
1Huan, Samuelin Israel mite tengteng kiangah, ngai dih ua, ka kianga na thugen tengteng uh ka pom hi, kumpipa ding lah ka honbawlsakta a.
2Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi.
2Tuin ngai dih ua, kumpipain na ma uh a kaia; kei jaw ka na tekin ka lu leng a kangta a: huan, ngaidih ua, ka tapate na kiang uah a om ua; ka valnou lai akipanin tutanin na ma uh ka pi.
3Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.
3Hiailaiah ka om: TOUPA ma leh a sathau nilhpa maah honsel un; kua bawngtal ahia ka suh ngei? Kua sabengtung ahia ka suh ngei? Kua ka khem ngeia? Kua ka simmoh ngei a? ka mit tosak dingin kua akipanin ahia golhna ka lak ngei? Ka hondin nawn vek ding, a chi a.
4Ivo vakati, Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.
4Huan, amau, non khem ngeikei, non simmoh ngei samkei, kuamah khut akipanin lak tuak louh leng na la ngeikei, a chi ua.
5Akati kwavari, Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri. Vakati, Ndiye chapupu.
5Huan, aman a kiang uah, ka khut ah bangmah kilawm lou na mu kei uh chih tuniin TOUPA na lak uah a theipa ahi, a sathaunilhpa a theipa ahi, a chi a. Huan, amau, Amah a theipa ahi, a chi ua.
6Zvino Samueri akati kuvanhu, Jehovha ndiye wakange agadza Mozisi naAroni, nokisimudza madzibaba enyu panyika yeEgipita.
6Huan, Samuelin mipi kiangah, Mosi leh Aron seppa leh Aigupta akipana na pipute uh pi khepa TOUPA ahi.
7Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemwi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imwi namadzibaba enyu.
7Huchiin ding kinken unla, TOUPA maah TOUPAN na tung uh leh na pipute uh tunga thil kizen taka a nahih sek dan ka honsut pih peuhmah ding.
8Nguva yakaenda Jakove Egipita, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Egipita, vakavagarisa pano.
8Aigupta gama Jakob a lut nungin, na pipute un TOUPA a sam ua, huchiin TOUPAN Mosi leh Aron a sawl a, amau na pipute uh Aigupta gam akipanin a pi khia ua, hiailai munah a omsak ua.
9Asi vakakangamwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo.
9Himahleh TOUPA a Pathian uh a mangngilh ua; huan, aman Hazor sepaih heutu Seser khut ah leh Philistia mite khut ah leh Moab kumpipa khut ah a khawnga, huan, amau a dou uh.
10Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, Takatadza, nekuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.
10Huan, TOUPA a sam ua, TOUPA I lehngatsana, Baal leh Astoroth na I sep jiakin I nakhialta uh: himahleh I melmate khuta kipan hon honkheta inla, huchiin na na ka sem ding uh, a chi ua.
11Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka.
11Huan, TOUPAN Jerubaal te Bendan te, Jepth te, Samuel te a sawl a, khatlam khatlama na melma uh mite khut akipan a hon honkhiaa, bit takin na om uh.
12Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, Kwete, tinofanira kubatwa nesuwo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakange ari mambo wenyu.
12Huan, Ammon suante kumpipa Nahas nou hondou dingin a hongkuan chih na theih tak un ka kiangah, ahi kei, kumpipan vai hon hawmsak hen, na chi ua; TOUPA Pathian lah na kumpipa uh ahi gige ngala.
13Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo.
13Huchiin na kumpipa tel uleh nget uh en dih uh; en dih uh, TOUPAN kumpipa a honbawlsakta hi.
14Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera inzwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imwi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu;
14TOUPA laudan na siam ua, a na na sep ua, a aw na ngaihkhiak ua, TOUPA thupiak na helsan kei ua, nou leh na tung ua vaihawm kumpipa toh TOUPA na Pathian uh juite na hih uleh a hoih dinga;
15asi kana musingateereri inzwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu.
15Ahihhangin TOUPA aw na ngaihkhiak kei ua, TOUPA thupiak na helsan uleh na pipute un TOUPA khut a thuak mah bang un nou leng na thuak ding uh.
16Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu.
16Huchiin ding kinken unla, TOUPAN na mitmuh ua thil thupi tak a hih ding na en un.
17Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imwi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.
17Tuniin buh a la uh ahi kei maw? van gingsak ding leh vuah zusak dingin TOUPA ka sam dinga, huchiin kumpipa na nget thu uah TOUPA mitmuh a thil na hihkhelh uh a thupidan na thei un na mu ding uh, a chi a.
18Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo.
18Huchiin Samuelin TOUPA a sama, TOUPAN huai niin van a ging saka, vuah a zusaka; huchiin mipiin TOUPA leh Samuel a kihta mahmah uh.
19Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nekuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.
19Huan, mipi tengtengin Samuel kiangah, ka sih louhna ding un TOUPA na Pathian kiangah na sikhate hon thumsakin, hiai thil hoihlou tak, kumpipa ka nanget uh, ka gitlouhna tengteng uh behlap ka na hita uh, a chi ua.
20Samueri akati kuvanhu, Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemoyo yenyu yose;
20Huan, Samuelin mipite kiangah, Lau kei un, hiai thil hoihlou tak hih jaw na hih ngeingut ua, himahleh TOUPA na zuih uh pialsan tuan kei unla, na lungtang tengteng un TOUPA na sem jaw uh;
21musatsauka, nekuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nekuti hazvina maturo.
21Kinepna ding bei bangmahlou leh nou hon honkhe theilou juiin pial kei un, bangmahlou hal ahi ngal ua.
22Nekuti Jehovha haangasii vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nekuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imwi vanhu vake.
22Amin thupi tak jiakin TOUPAN lah a mite a lehngatsan sin keia: noute amah mi dia bawl lah TOUPA kipah lamtak ahi ngala.
23Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imwi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama.
23Huai phet leng ahi keia, nou adia thum tawpa, TOUPA tunga khelh kei adingin ahi dek het kei hi; lampi hoih leh lampi dik ka hon kawkmuh zo jel ding hi.
24Asi ityai Jehovha, mumushumire nechokwadi nemoyo yenyu yose, nekuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai.
24TOUPA laudan siam photphot unla, na lungtang tengteng un chihtaktakin a na sem unla; nou dinga thil a hih thupidan ngaihtuah dih ve un.Himahleh gilou taka thil na hih lailai uleh na mangthang ding uh, nou leh na kumpipa uh, a chi a.
25Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imwi namambo wenyu.
25Himahleh gilou taka thil na hih lailai uleh na mangthang ding uh, nou leh na kumpipa uh, a chi a.