1Zvino izvo zvose zvakati zvapera, vaIsiraeri vose vakanga varipo, vakabuda kumaguta aJudha, vakaputsa shongwe, nokutema matanda okunamata nawo, vakaputsa matunhu akakwirira nearitari kwaJudha nokwaBhenjamini kose, nokwaEfuremu nokwaManase, kusvikira vazviparadza zvose. Ipapo vana vaIsiraeri vose vakadzokera kumaguta avo, mumwe nomumwe kuzvinhu zvake.
1Huan huai tengteng a hih khit un huaia Israel mi om tengtengin Juda gam tengteng leh Benjamin gam leh Ephraim leh Manasi gam suangphuhte a hihjan ua, Aserte a phuk ua, mun sangte leh maitamte a chipsak vek masiah uh Juda gam khuaah te a pai jel ua. Huan, Israel suante tengteng a gam uah amau khua lam chiatah a pai nawn uh.
2Hezekia akaraira mapoka avapristi navaRevhi pamapoka avo, munhu mumwe nomumwe pabasa rake vapristi navaRevhi vose, vakabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, kushumira nokuvonga, nokurumbidza mumasuwo emisasa yaJehovha.
2Huan, Hezekiain siampute leh Levite a pawl dan bang jel un mi chih siampute leh Leviten a tuah chiat ding un, halmang thillat leh lemna thillat lanmi ding te, nasemmin ding te, kipahthu genmi ding ding leh TOUPA omna kongpia ngakmi dingte pawl a bawlsak chiat hi.
3Akarairawo mugove wefuma yamambo wezvipiriso zvinopiswa, zvaiti: Wezvipiriso zvinopiswa mangwanani namadekwana, nezvipiriso zvinopiswa pamasabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa, sezvazvakanyorwa pamurayiro waJehovha.
3Huan, TOUPA DANa tuang bangbangin jingsang lam leh nitak lam halmang thillat ding te, khawlni leh kha thak leh hunbi nei ankuang ading te kumpipa tantuan ading gan a sep lai hi.
4Akarairawo vanhu veJerusaremu kupa vapristi navaRevhi mugove wavo, kuti ivo vasimbe pamurayiro waJehovha.
4Huan Jerusalema mipite TOUPA dana a kihihhatna ding un siampute leh Levite tantuan pe dingin thu a pe lai a.
5Zvino vakati vachangonzwa murayiro uyu, vana vaIsiraeri vakapa zvakawanda zvezvitsva, zvezviyo newaini, namafuta, nouchi, nemichero yose yeminda; uye chegumi chezvinhu zvose vakauya nazvo zviri zvizhinji.
5Huan, thupiak a dalhjak takin Israel suanten a buh te, uain te, thau te, khuaiju te, a lou ua thil suak masapente a hongpe ek ua; huan, a bangkim uh sawma khat leng a hongpe ek uhi.
6Navana vaIsiraeri navaJudha vakanga vagere pamaguta aJudha vakauyawo nezvegumi zvenzombe namakwai, nezvegumi zvezvinhu zvakatsaurwa zvakanga zvatsaurirwa Jehovha Mwari wavo, vakazviita mirwi.
6Huan, Israel suante leh Juda suante, Juda khuatea omten a bawng u leh belam uh sawma khat te, TOUPA a Pathian uh tantuam dia a piaksawn uh sawma khat te a honpia ua, a koih khawm ekok phet uhi.
7Vakatanga kuita mirwi pamwedzi wechitatu, vakapedza nomwedzi wechinomwe.
7Kha thumnaaha koih khawm pan ua, kha sagihnaah a koih khawm khin uh.
8Zvino Hezekia namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakavonga Jehovha navanhu vake vaIsiraeri.
8Huan, Hezekia leh a miliante un koihkhawm a muh uleh TOUPA leh a mi Israelte a phat uhi.
9Ipapo Hezekia akabvunza vapristi navaRevhi pamusoro pemirwi.
9Huchiin Hezekiain a thil koih khawm tungtang thu uh huai siampute leh Levite a donga.
10Azaria mupristi mukuru weimba yaZadhoki akamupindura, akati, Kubva nguva yavakatanga kuisa zvipo muimba yaJehovha, takadya, tikaguta, tikasarirwa nezvizhinji, nekuti Jehovha akaropafadza vanhu vake; zvasara ndizvo zvizhinji izvi.
10Huan, Zadok mi siampu heutu Azariain a dawnga, Miten TOUPA ina thilpiak a hontawi tung ua kipanin I ne ne jel ua, I deihkhop ua, a om ekok lai hi; TOUPAN mite vual a jawl jela, hiaia om ekok laiteng I khamval uh ei ve, a chi a.
11Ipapo Hezekia akaraira kuti vagadzire makamuri mumba maJehovha; vakaagadzira.
11Huchiin Hezekiain TOUPA inah dantante bawl dingin thu a piaa; huchiin a bawlta uh.
12Vakapinza zvipo, nomutowo wakatendeka, nezvegumi, nezvinhu zvakatsaurirwa Jehovha; Konania muRevhi akaitwa mutariri wazvo, uye Shimei munin'ina wake akanga ari wechipiri.
12Huan, thilpiakte sawma khat te, Pathian tuamte muanhuai takin a nawn lut ua: huan, a heutu uh Levi mi Konani ahi a, a unau Simei bel a om ahi.
13NaJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabhadhi, naErieri, nalsimakia, naMahati, naBhenaya, vaiva vatariri pasi paKonania naShimei munin'ina wake, vakanga vagadzwa namambo Hezekia naAzaria mutariri weimba yaMwari.
13Huan, Konani leh a unau Simei nuaiah kumpipa Hezekia leh Pathian ina heutu Azaria sehin endikmi Jehieal te, Azazi te, Nahath te, Asabel te, Jerimoth te, Jozabad te, Eliel te, Ismaki te, Mahath te, Benai te a om uhi.
14Kore mwanakomana waImina muRevhi, mutariri wesuwo rokumabvazuva, akanga ari mutariri wenhendo dzaingopiwa Mwari nokuzvidira, kuti agovere zvipo zvaJehovha nezvinhu zvitsvene kwazvo.
14Huan, Levi mi Imna tapa Kore, suahlam kongkhak ngakmi Pathian kianga lungsim ut thua thilpiak kempa leh TOUPA adia thilpiak kempa leh TOUPA adia thilpiak leh thil siangthou hawmpa ahi a.
15Pasi pake pakanga pana Edheni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta avapristi, pamabasa avo akatarwa, kuti vape hama dzavo namapoka, vakuru navaduku vose;
15Huan, a nuaiah Eden te, Miniamin te, Jesua te, Semai te, Amaria te, Sekani te, siampu khuaah nasep hunbi chiatah a unaute uh apawlpawla alian aneute kianga semmi a om ua:
16vasingaverengi varume vakanga vakanyorwa mazita avo, kubva pamakore matatu navanopfuura, Ani naani aipinda mumba maJehovha, kuzoita mabasa akadikamwa zuva rimwe nerimwe, pamabasa avo avakanga vapiwa namapoka avo;
16Khangthua sut pasal kum thum chiang tunglam, ni tenga TOUPA ina nasep kul nei a pawl dandan bang ua hoh sekte sim louin.
17navakanga vaverengwa pamazita avapristi nedzimba dzamadzibaba avo, navaRevhi vamakore makumi maviri navakapfuura, pamabasa avo namapoka avo;
17Huan, a inkuan uh pipute gelhnaa siampua seh te leh Levi mi kum sawmnih chiang tunglam a pawl dan bang jel ua nasemmi dia sehte;
18navakaverengwa namazita epwere dzavo dzose, navakadzi vavo, navanakomana vavo, navanasikana vavo, paungano yose; nekuti vakanga vazvinatsa noutsvene pamabasa avo akatarwa;
18Huan, pipute gelhnaa tuang a ta neute tengteng uh, a ji te uh, a tapa te uh, a inkuan tengteng uh; a sep bi ua siangthou taka a kihihsiangthou jiak un.
19navanakomana vaAroni vapristi vakanga vari kuminda yoruwa rwamaguta avo, paguta rimwe nerimwe kwaiva navarume vakanga vakanyorwa mazita avo, kuti vape varume vose pakati pavapristi migove yavo, navose vakaverengwa mazita avo pakati pavaRevhi.
19Huan, Aron suan, kho chih kho puaa om siampute leh Levite suante gelhnaa tuang peuhmahte tantuan pe ding mi sehtuam a om uh.
20Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
20Huan, huchibangin Juda gam tengtengah Hezekiain a hih a. TOUPA a Pathian mitmuhin hoih leh dik leh muanhuai thil a hih seka.Pathian ina nasep lam thuah te, dan lam thuah te, thupiak lam thuah te, a Pathian zon thu ahte a hih peuhmah ah a lungsim tengtengin ahiha, a lamzang tou jel hi.
21Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomoyo wake wose, akakunda.
21Pathian ina nasep lam thuah te, dan lam thuah te, thupiak lam thuah te, a Pathian zon thu ahte a hih peuhmah ah a lungsim tengtengin ahiha, a lamzang tou jel hi.