1Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha.
1Manasi A lal pattungin kum sawm leh kum niha upa ahia; Jerusalem ah kum sawmnga leh kum nga a lal: a nu min Hephzi-bi ahi.
2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
2Huan, TOUPAN Israel suante maa a delhkhiaksa namten thil kihhuai tak a hih sekte uh bang, TOUPA mitmuhin thil hoih lou pipite a hihsek a.
3nekuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira.
3A pa Hezekiain a hihsiatsa mun sangte a dingsak nawna; Israel kumpipa Ahab hih bangin Baal maitamte a dingsaka, Asera te a bawla, vana om tengteng a biaa, a na uh a sem.
4Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.
4TOUPAN Jerusalem ah ka min ka omsak ding, a chihna TOUPA inah maitamte a bawla.
5Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha.
5TOUPA in huang sung intual nih ah vana om tengteng adin maitam a bawl.
6Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo.
6Huan, a tapa meiah a lutsaka, aisan te bang a chinga, bum te bang a hiha, dawi aisansiam jawlte leh bumsiamte a guaiguai hi: TOUPA mitmuhin thil hoih lou thupi mahmah a hehsak dingin a hih nak sek hi.
7Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri.
7Huan, TOUPAN David leh a tapa Solomon kianga, Hiai in leh Jerusalem khua, Israel chi tengteng laka ka telah ka min khantawnin ka omsak ding;
8Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjerachetekuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu.
8Thu ka piak tengteng leh ka sikha Mosiin dan a piak bang tengteng a pom peuh mah uleh a pi leh pu te uh ka piaksa gam akipan Israelte khete leng ka kalsuan khe sak nawn sam kei ding, ana chih khitsa inah Asera lim a bawl a koiha.
9Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
9Himahleh apom nuamkei ua; Toupan Israel suante maa a delhkhiaksa namte hih sang thama thupizaw thil hihkhial ding in Manasiin mite a khemkhem a:
10Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati,
10Huan, Toupan a sikha jawlneite zangin thu a gena;
11Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake.
11Juda kumpipa Manasiin hiai thil kihhuai takte a hih a, aman Amorte sang thamin a hih khial thupi hi, Judate a milimtea thil hihkhelhsak jiakin:
12Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga.
12Toupa, Israel Pathian in hi chi in achi: Ngai dih ua, Jerusalem leh Juda tungah a za peuhmahte bil langnih in khengzou khop thil hoih lou ka hontungsak sin hi.
13Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira.
13Samari tehna khau leh Ahab inko ulum khai Jerusalem tungah ka khung ding a: huan, min a kuang a nula, a kilumlet sak bang mai in Jerusalem ka nul ding hi.
14Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose;
14Huan, ka goutan om sun te ka pai khe ding a, a mel ma te uh khut ah ka pe ding:
15nekuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paEgipita kusvikira zuva ranhasi.
15Huchi in a pi-le-pu te uh Aigupta gama a hong pawt nung uh tuni pha a ka mit muh a thil hoih lou pipi ahih ua, hon heh sak jiakun a melma te uh tengteng mat ding leh gallak ding ahi ding uh, chi in a chi a.
16Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi.
16Toupa mitmuh a thilhoihlou tak hih a Judate thil hih khial sak a khelhna simlou in Manasi in poikhoihlou sisan nakpi tak in a suah lai a, Jerusalem dung leh vai a dim hi.
17Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
17Huchi in Manasi tanchin dang te, a thil hih teng teng, a thil hih khelh te Juda kumpipate lal lai thu gelh na bu ah a tuang ahi kei mo?
18Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.
18Huan, Manasi a pi-le-pute kiangah a ihmu a, Uzza huana amah in chin huan ah a vui ta uh; huchi in atapa Amon a sikin a lal ta hi.
19Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.
19Amon bel a lal pattungin kum sawmnih leh kum nih a upa ahi; Jerusalem ah kum nih a lal a; a nu min Mesulemeth, Jotba khua a Haruz tanu ahi.
20Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake.
20Huan, a pa Manasi hih bangmah TOUPA mitmuhin thil hoih lou tak ahih sek nak hi.
21Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata;
21A pa lampi tot tengteng a tawn teia, milim na a septe a sema, a be tei hi:
22akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha.
22Huchiin TOUPA, a pi leh pute Pathian a paisan a, TOUPA lampi a tawn kei.
23Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make.
23Huan, Amon sikhaten amah a guk sawm ua, kumpipa amah inah a hih lum uhi.
24Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josiya mambo panzvimbo yake.
24Himahleh huai gama miten kumpipa Amon guk sawmmite tengteng a hihlum thuk vek ua; huchiin huai gama miten a tapa Josia a sikin kumpipa dingin a bawl ta uhi.
25Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
25Huchiin Amon thilhih tanchin dangte Juda kumpipate lal lai thu gelhna bu ah a tuang ahi kei maw?Huan, Uzza huana amah hanah a vui ua: huan, a tapa Josia a sikin alal pan hi.
26Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josiya mwanakomana wake akamutevera paushe.
26Huan, Uzza huana amah hanah a vui ua: huan, a tapa Josia a sikin alal pan hi.