Shona

Paite

2 Samuel

8

1Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakarwa navaFirisitia akavakunda; Dhavhidhi akatorera vaFirisitia chikuriri chomuzinda wavo.
1Huan, huai nung in hichi ahi a David in Philistia mite a sual a, a zou a: huchi in David in Philistia mite thu neihna bulpi pen a laksak hi.
2Akakunda Moabhuwo, akavayera nerwonzi, ambovavatisa pasi; akayera rwonzi ruviri vaifanira kuurawa, uye rwonzi rwakazara vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.
2Huan, Moab mite a sual a, lei ah a lumsak a, tehna khau in a teh a; vual nih bel hihlup ding in a teh a, vual khat bel a tawn a hing a hawi ding in a teh a. Huchi in Moab mite bel David sikhate a hong hita ua, siah a pia uhi.
3Dhavhidhi akakundawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZhobha, pakuenda kwake kundotora ushe hwake paRwizi.
3David in Lui a a gam la nawn ding a a hoh kawm in Zoba kumpipa Rehob tapa Hadadezer leng a sual a.
4Dhavhidhi akamutorera vatasvi vamabhiza vane chiuru chimwe namazana manomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.
4Huchi in David in a sakol tung tuangmi sangkhat leh za sagih leh sepaih singnih a matsak a: huchi in kangtalai kai sakol tengteng a tha uh a tah sak a, kangtalai za kai ding bel a hawi hi.
5Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
5Huan, Damaska a Suria mite Zoba kumpipa Hadadezer hon ding a kuante David in Suria mite lak a mi singnih leh sangnih a that a.
6Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
6Huchi in David in Suria gam a Damaska ah sepaih a koih a; huan Suria mite David sikhate a honghita ua, siah a liau uhi. Huan, TOUPAN David a hohna peuh a zousak zel hi.
7Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadhadhezeri, akadziisa Jerusaremu.
7Huan, David in Hadadezer pawlte dangka-eng lumte a laksak a, Jerusalem ah a paipih a.
8Mambo Dhavhidhi akatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta napaBherotai, aiva maguta aHadhadhezeri.
8Huan, Hadadezer khua Beta a kipan, Berothai a kipan in David in dak tampi a la hi.
9Zvino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Dhavhidhi wakange aparadza hondo yose yaHadhadhezeri,
9Huan, Hamath kumpipa Toi in Hadadezer sepaih tengteng David in a zou chih a zak in,
10Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamusoro pokurwa kwake naHadhadhezeri wairwa naToi. Joramu akauya nemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira.
10Hadadezer a sual a a zoh ziak a chibai buk ding leh vualzawl ding in Toi in a tapa Joram David kiang ah a sawl a: Hadadezer in lah Toi a nakidoupih khin ngal a. Huchi in Joram in dangka belte, dangka-eng belte leh dal belte a hon la hi:
11Neyiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakanga akunda;
11Huaite gam dang a zoh tengteng a dangka chi leh dangka-eng a latte toh kumpipa David in TOUPA kiang ah a lan lai hi:
12kuvaSiria, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki, nezvakanga zvatapwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZobha.
12Suriate a bang, Moabte a bang, Amon suante a bang, Philistiate a bang, Amalekte a bang, Zoba kumpipa Rehob tapa Hadadezer a kipan a a gallakte.
13Dhavhidhi akakurumbira kwazvo nguva yaakadzoka pakuuraya vaSiria paMupata woMunyu, vaiva varume vane zviuru zvine gumi nezvisere.
13Huan, David Chi guam ah, Suria mi singkhat leh sanggiat va sual pailam a min a na thang taa.
14Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; wakaisa mapoka avarwi paEdhomu yose, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
14Huan, Edom ah sepaih a koih a; Edom gam mun chih ah sepaih a koih ngennguan a, huchi in Edom mi tengteng David sikha a hong hita uh. Huchi in TOUPAN David bel a paina peuh ah a zousak zel hi.
15Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; Dhavhidhi akatonga vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.
15Huchi in David in Israel mi tengteng tungah vai a hawm a; huan, David in a mite tengteng tungah diktat tak in vai a hawm hi.
16Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
16Huan, Zerui tapa Joab sepaih heutu pen ahi a; huan, Ahilud tapa Jehosaphat bel tanchin gelhpa ahi a;
17Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiatari, vaiva vapristi, naSeraya waiva munyori.
17Huan, Ahitub tapa Zadok leh Abiathar tapa Ahimelek bel siampu ahi uh; huan, Serai bel laigelhmi ahi;Huan, Jehoiada tapa Benai bel Keret mi leh Pelet mite heutu ahi; huan, David tapate siampu ahi uh.
18Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapristi.
18Huan, Jehoiada tapa Benai bel Keret mi leh Pelet mite heutu ahi; huan, David tapate siampu ahi uh.