Shona

Paite

Amos

4

1Inzwai shoko iri, imwi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imwi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, Uyai nezvokumwa timwe.
1Nou Basan mun bawngpi, Samari tang tunga om a, genthei simmoha, tasammite nuaisiaha, a toupate uh kiang a, Honla unla in dawn ding uh, chite aw, hiai thu za le uchin.
2Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
2TOUPA PATHIANIN amah singthouna louin a kichiama; Ngai dih ua, sik kuaikaa nou a honlakmanga, na lak ua om sun ngakuaia a honlak mang ni a hongtung ding.
3Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni, ndizvo zvinotaura Jehovha.
3Huan, vang khawngah na pai suak ding ua, mi chih tang takin a pai dung uh; Harmon munah nou leh nou na kipai ding ua, TOUPAN a chi.
4Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
4Bethel ah hong unla, talek un; Gilgal ah hong unla, tatlekna puangsak un; huan, na kithoihnate uh jingsang tengin honla unla, na sawm ua khatte uh ni hal jelin honla un;
5uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nekuti ndizvo zvinokufadzai, imwi vana vaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5Huan, silngou pang kipahthu gen kithouhna lan unla, amau deihdana lante hilh unla, phuang un; Aw Israel tate aw, hiai lah na deih ngal ua, TOUPA PATHIANIN a chi.
6Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
6Huan, ken leng na khopi tengteng uah ha sianna leh na mun tengteng uah taksapna ka hon piaa; huchiin leng ka kiangah na hongkik kei uh, TOUPAN a chi.
7Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mwedzi mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
7Huan, buh lak hun ding kha thum a hih laiin na tung ua vuah zu ding leng ka lena; khopi khat tunga ka zuksakin, khopi dang tungah ka zusak kei hi; mun khat tungah ka zusak seka, a zuk louhna mun a keu sek hi.
8Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundomwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
8Huchiiin khopi nih hiam, thum hiam khopi khat ah tui dawn dingin a vak ua, a tai kei uh: huchiiin leng ka kiangah na hongkik kei uh, TOUPAN a chi.
9Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Keuna leh apnain ka hongawta; na huante uh, na grep huante uh, na theipi kungte uh, na oliv sing lawmlawmte singnget lungin a nekhin vekta ahi: huchiin leng ka kiangah na hongkik kei uh, TOUPAN a chi a.
10Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Egipita; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
10Aigupta gam bangin na lak uah huihpi ka sawla: namsauin na tang valte uh ka thata, na sakolte uh ka pi mang khin hi; huan, na sepaih muh namsia uh na nak ua nam khopin ka omsak a: huchiin leng ka kiangah na hongkik kei uh, TOUPAn achi.
11Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imwi mukaita sechitsiga chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
11Sodom leh Gomorra khua Pathianin a chipsak lai bangin, na lak uah mi khenkhat ka hihchima, sing kang kak khiak bang na hi ua: huchiin leng ka kiangah na hongkik kei uh, TOUPAN a chi a.
12Saka ndichakuitirai izvi, imwi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imwi Isiraeri.
12Huaijiakin, Aw, Israel, na tungah hichibangin ka hih ding: na tunga hiai ka hih sin jiakin, Aw, Israel, na Pathian kituahpih dingin mansain omin.Ngaiin, tangte dingkhe saka, huih bawla, mihing kianga a ngaihtuahna bang ahia chih gen khiak saka, jingsang mial saka, lei mun sangte chilpa a min TOUPA, sepaihte Pathian lah ahi ngala.
13nekuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.
13Ngaiin, tangte dingkhe saka, huih bawla, mihing kianga a ngaihtuahna bang ahia chih gen khiak saka, jingsang mial saka, lei mun sangte chilpa a min TOUPA, sepaihte Pathian lah ahi ngala.