1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
1Huan TOUPA thu ka kiang ah a hongtung a,
2Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yaMagogi, uporofite pamusoro pake,
2Mihing tapa, Magog gama mi, Rosh leh Meshek leh Tubal heutupen Gog masuan inla, a tungah thu gen inla.
3uti, zvanzi naIshe Jehovha, Tarira ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda waRoshi naMesheki naTubhari;
3TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ahi: Ngaiin, aw Gog, Rosh, Meshek leh Tubal heutu pen, ka hondou ahi:
4ndichakutsausa, nokukuisa zvikokovonho mushaya dzako; ndichakubudisa, iwe nehondo yako yose, mabhiza navatasvi vamabhiza, vose vakafuka nguvo dzose dzokurwa, boka guru vane nhovo huru nenhovo duku, vose vakabata minondo;
4Ka honlehngat sak dinga, na haijekah ngakuaiin ka honkuai dinga, ka honkhai khe ding; na sepaih hon tengteng, sakol leh a tungtuang mite, galvan buchinga kithuam tengteng, pawl thupi tak, lum lian leh lum neu zanga namsau tawi chiatte tohin.
5vaPerisia navaKushi navaPuti pamwechete navo, vose vane nhovo nengowani dzokurwa;
5Persia, Kush, Put te toh, a vek ua lum leh sik lukhu neite;
6naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarima kumativi okumusoro-soro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji avanhu anewe.
6Gomer leh a sepaih hon tengteng; Togarma inkote, mal tawpa mi leh a sepaih hon tengteng, na kianga mi tampipte toh leng.
7Gara wakazvigadzira, zvirokwazvo uzvigadzire, iwe namapoka ako ose akaungana kwauri, iwe uve mutungamiriri wavo.
7Kigalging inla, ahi, na naman in, nang leh na kianga om khawm, na kithuahpih tengteng toh; huan amau vengpa na hi in.
8Kana mazuva mazhinji apfuura, uchashanyirwa; pamakore okupedzisira uchapinda munyika yakarwirwa pamunondo, yakaunganidzwa ichibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsiraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa ichibva kumarudzi avanhu, vose vachagara zvakanaka.
8Ni tampi nung in sap khawm na hi dinga, kum nanungte ah namsau akipan hotkhiak, nam tampite lak akipan lak khawmte omna gam, Israel tang se gige sekte na hon sual ding; namte lak akipan pi khiaka, tua a vek ua lungmuang taka a omna gam uh.
9Ipapo iwe uchakwira, uchauya sedutu remhepo, uchava segore rinofukidza nyika iwe, namapoka ako ose, navanhu vazhinji vanewe.
9Huan na kuan tou dinga, huihpi bang maiin na hongtung dinga, meipiin gam a tuam moimoi bang mai na hi ding, nang leh na kianga sepaih hon tengteng leh na kianga mi tampite.
10Zvanzi naIshe Jehovha, Nezuva iro moyo wako uchapindwa nemirangariro, uchafunga zano rakaipa;
10Huan hichiin TOUPA PATHIANIN a chi ahi: Huai ni chiangin hichi ahi dinga, na lungsim ah thil a honglut dinga, thil hoihlou na suangtuah ding;
11uchiti, Ndichaenda kunyika ine misha isina kuvakirwa; ndichaenda kuna vane rugare, vagere zvakanaka, vose vagere vasina masvingo, vasina zvipfigiso kana masuwo;
11Huchiin, Kulh neilou khuate gam ka sim dinga, mi bit tak a om hiathiat, a vek ua kulh lou a teng, kulh kongkhak leh a kalhna sik neiloute ka sual ding, na chi sim ding.
12nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa; kuti utambanudzire ruoko rwako kuzorwa nenzvimbo dzakanga dzaparadzwa dzinogarwa zvino, nokurudzi rwakaunganidzwa kumarudzi avanhu, vakawana zvipfuwo nefuma, vagere pakati penyika:
12Gallak sum leh vante la ding leh mun sesa nung luah nawnmite leh namte lak a kipan pikhawmsa, gan hon leh vante haua, lei laizanga tengte tungah na khut lik na tum ding.
13Shebha neDhedhani navashambadziri veTarishishi, pamwechete neshumba duku dzose dzapo, vachati kwauri, Wauya kuzotora zvakapambwa here? Waunganidza boka rako kuzotora zvakatapwa kuti utore zvipfuwo nefuma, kuti utore zvakapambwa zvizhinji here?
13Sheba leh Dedan leh Tarshish sumsinmite leh a humpinelkai lunlai tengtengten na kiangah, Gallak la dingin na hong pai maw? honlok dinga na pawlte hon khawm na hi maw? dangkasik te, dangkaeng te, gan honte leh vante, thupitak suhsak a la mang ding na hi maw? a honchi ding uh, chiin.
14Naizvozvo, Mwanakomana womunhu, porofita uti kuna Gogi, zvanzi naIshe Jehovha, Zuva iro kana vanhu vangu vaIsiraeri vachigara zvakanaka, ko iwe haungazvizivi here?
14Huaijiak in, mihing tapa, thu gen inla, Gog kiang ah, TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ahi: Huai ni, ka mi Israelte bit tak a a om hun ding uh na theikei maw?
15Zvino iwe uchauya, uchibva kuugaro hwako kumativi okumusoro-soro, iwe navanhu vazhinji vanewe, vose vakatasva mabhiza, riri boka guru nehondo ine simba;
15Mal lam gam tawp pek, na mun a kipan in na hongpai dinga, nang leh na kiang a mi tampi sakol tung tuang chiat, pawl thupi mahmah, sepaih hon thupi tak mai.
16uchauya kuzorwa navanhu vangu vaIsiraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; zvino namazuva okupedzisira ndichakuuyisa kuti urwe nenyika yangu kuti marudzi andizive, kana ndaitwa mutsvene pakati pako, iwe Gogi, ivo vachizviona.
16Meipiin gam a tuam lunglung bang maiin ka mi Israelte tungah na hong pai ding; hichi ahi dinga, ni nanungteah ka gam dou dingin honpi dinga, namten a hon thei ding ua, Aw, Gog, a mitmuh ua nanga hihsiangthou a ka om hun chiangin.
17Zvanzi naIshe Jehovha, Ko ndiwe wandakareva nenguva yakare navaranda vangu vaporofita vaIsiraeri, vaiporofita namazuva iwayo vachiita makore mazhinji, kuti ndichakuuyisa kuzorwa navo here?
17Huan TOUPA PATHIANIN hichiin a chi ahi: tumlama ka nasempa Israel jawlnei, huai lai kum tampi sunga thu nagen sekten amaute sual dinga ka honpi ding thu a gensek uh pa na hi hia? chiin, a chi a.
18Zvino nezuva iro kana Gogi achiuya kuzorwa nenyika yaIsiraeri, hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
18Huan huai niin hichi ahi dinga, Israel gam sual dinga Gog a hongkuan hunin ka hehna ka nak khu khe lunglung dinga, chih TOUPA PATHIAN thu pawt ahi.
19nekuti ndakataura negodo rangu uye nomoto wehasha dzangu, ndichiti, Zvirokwazvo, nezuva iro kuzununguka kukuru kuchavapo panyika yaIsiraeri;
19Ka mullita ka thangpaih lai takin, Huai niin Israel gamah jin nakpi in a ling ngeingei ding;
20nokudaro kuti hove dzegungwa, neshiri dzokudenga, nemhuka dzesango, nezvinokambayira zvose zvinokambayira panyika, navanhu vose vari pasi pose, zvichazununguka pamberi pangu, namakomo achawiswa pasi, namawere achawira pasi, norusvingo rumwe norumwe ruchawira pasi.
20Huchiin tuipi ngate, tungleng vasate, gam sate, leitunga vak ganhing tengteng, leitunga mihing tengteng ka maah a ling ding ua, tangte niamsak in a om ding a, kawlte a chim dinga, kulh bang chih lei ah a puk ding, chi in ka gen hi.
21Ndichadana munondo uuye kuzorwa naye kumakomo angu ose, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; munondo womunhu mumwe nomumwe ucharwa nehama yake.
21Ka tang tengtengah amah sualna dingin namsau ka kan ding; mi chih in namsauin a unaupa a dou ding, chih TOUPA PATHIAN thu pawt ahi.
22Ndichamutonga nehosha yakaipa neropa; ndichanisa pamusoro pake, napamusoro pamapoka ake, napamusoro pamarudzi mazhinji avanhu vanaye, mvura inoturuka, nechimvuramabwe chikuru, nomoto nesarufa.
22Huan sisan pawt leh hipiin amah ka sual dinga; amah leh a sepaih honte leh a kianga mi tampite tungah vuahpi leh gial thupi leh mei katte ka zusak ding.Huan ka thupidan leh ka siangthoudan ka hihlang dinga, huan nam tampite mitmuh in ka kihihlang ding, huan, kei TOUPA ka hi chih a thei ding uh.
23Ini ndichazvikurisa, nokuzviita mutsvene, nokuzvizivisa pamberi pamarudzi mazhinji; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
23Huan ka thupidan leh ka siangthoudan ka hihlang dinga, huan nam tampite mitmuh in ka kihihlang ding, huan, kei TOUPA ka hi chih a thei ding uh.