Shona

Paite

Isaiah

62

1Nokuda kweZiyoni handingarambi ndinyerere, nokuda kweJerusaremu handingazorori, kusvikira kururama kwaro kuchibuda sechiedza, nokuponeswa kwaro somwenje unopfuta.
1A diktatna uh vakna banga suaha, amah hotdamna khawnvak kuang banga a suah ma siah, Zion jiakin ka dai nilouh kei dinga, Jerusalem jiakin ka om kinken kei ding.
2Marudzi avanhu achaona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; uchatumidzwa zita idzva, richarehwa nomuromo waJehovha.
2Huchiin na diktatna a mu ding ua, kumpipa tengtengin leng na thupina a mu ding uh: huan, min thak, Toupa kamin a sak dingin, a honsam ding uh.
3Iwe uchavawo korona yakanaka muruoko rwaJehovha, noukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.
3Toupa kuta kilawmna lallukhu leh i Pathian khuta thupina lukhu na hi ding.
4Hauchazonzi, Musiiwa; nenyika yako haichazonzi Dongo; asi iwe uchatumidzwa zita rinonzi Hefiziba, nenyika yako Bheura; nekuti Jehovha anokufarira, nenyika yako ichawanikwa.
4Lamdang, a hon chi nawnta kei ding uh; na gam leng, Hihsiat a chi nawn sam kei ding uh; Hephzibah, a hon chi zota ding ua, na gam leng Biulah, a chi ding uh: Toupa lah na tungah a kipak ngala, na gamin leng pasal a nei sin hi.
5nekuti jaya sezvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; uye muwani sezvaanofarira mukadzi wake, saizvozvo Mwari wako achakufarira.
5Tangvalin nungak ji dinga a nei jel bangin na tapaten jiin a hon nei ding uh: mou neimi mou tunga a kipah bangin, na Pathian na tungah a kipak ding hi.
6Ndakagadza nharirire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imwi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara,
6Jerusalem aw, na kulhtungah galvilmi ka vilsaka; sun leh janin chiklaimahin in a dai kei ding uh: nou Toupa theihpih dinga omte aw, om kinken hetkei un.
7uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
7Amah leng om kinken sak sam kei un, Jerusalem a hihkipa, leia phathuaia a bawl masiah.
8Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazomwi waini yako itsva, yawakatamburira;
8Toupan a khut taklam leh a ban hat tak lou-a kichiamin, Na buh nang hondoumite an dingin ka pe nawn kei hial dinga: gam dang miten na sep khiak uain a dawn nawn kei ding uh.
9asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachaimwa pamavanze eimba yangu tsvene.
9A buh laten a ne zo ding ua, Toupa a phat ding uh; a loumiten ka mun siangthou huang sung intualah a dawnta ding, chiin.
10Pindai, pindai napamusuwo, gadzirai nzira yavanhu; gadzirai, gadzirai mugwagwa, bvisai mabwe, simudzirai vanhu mureza.
10Pawt unla, kulh kongpite ah pawt un; mite dingin lampi bawl unla; sung vum unla, lamlian sung vum un; suangte tom siang unla; mite adingin chiamtehna tak khia un.
11Tarirai, Jehovha anoparidza shoko kusvikira kumugumo wenyika, achiti, Udzai mukunda weZiyoni, muti, Tarira, ruponeso rwako runouya; tarira, mubayiro wake anawo, zvaanoripira zviri pamberi pake.
11Ngai un, kawlmong phain hiciin a theisak ahi, Zion tanu kiangah hichiin gen un, Enin, nangmah hotdamna a hongtung sin; enin, a kipahman a kiangah a om hi, a ditna leng a maah a om hi.Huchiin amau, Mi siangthoute, Toupa tatte, a chi ding uh; nang jaw Zon khiak, Pai san louh khopi a hon chi ding uh, chiin, a chi a.
12Vachavatumidza zita rinonzi Vanhu vatsvene, Vakadzikunurwa naJehovha; newe uchatumidzwa zita rinonzi, Mutsvakwa, Guta risina kusiiwa.
12Huchiin amau, Mi siangthoute, Toupa tatte, a chi ding uh; nang jaw Zon khiak, Pai san louh khopi a hon chi ding uh, chiin, a chi a.