1Zvino nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumwe wavanyai vakuru vamambo, wakauya ana varume vane gumi naye kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa, vakadyapo zvokudya pamwechete paMizipa.
1Huan, hichi ahia, kha sagihna ah Elisha tapa Nethania tapa Ishmael, kumpi chi a mi, kumpipa upate laka khat, mi sawm piin Mizpah khua ah Ahikam tapa Gedalia kiangah a hong ua; huan, Mizpah khua ah an a ne khawm uh.
2Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania navarume vane gumi vaiva naye vakasimuka, vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya, iye wakange agadzwa namambo weBhabhironi ave mubati wenyika iyo.
2Huan, Nethania tapa Ishmael bel a mipi sawmte toh a ding ua, Shaphan tapa Ahikam tapa, Babulon kumpipan gam ukpipa dia a bawl Gedalia namsauin a that uhi.
3Ishimaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naye, naiye Gedharia paMizipa, navaKaradhea vakawanikwapo, vaiva varwi.
3Huan, a kianga Juda mi om tengteng, Mizpah khuaa Gedalia kianga omte leh Kaldai galkap mi om teite Ishmael a that lai hi.
4Zvino nezuva rechipiri rokuuraya kwake Gedharia, kusisina munhu wakazviziva,
4Huan, Gedalia a thah nung ni nih in hichi a honghia, kuamahin a theih ma un,
5vamwe varume vakasvikapo vachibva Shekemu neShiro neSamaria, varume vana makumi masere, ndebvu dzavo dzakaveurwa nenguvo dzavo dzakabvarurwa, vakanga vazvicheka-chekawo, vakabata mumaoko avo zvipiriso zvohupfu nezvinonhuhwira, kuti vazviise mumba maJehovha.
5Shekem akipan, Shilo akipan, Samaria akipanin mi sawmgiat, a khamul uh meta, a puansilhte uh keka, amau ki-atin, tanghou latte leh gimlimte tawiin TOUPA in ah lan dingin a hong uhi.
6Ipapo Ishimaeri mwanakomana waNetania wakabuda paMizipa kundovachingamidza, akafamba achingochema; zvino wakati achisangana navo, akati kavari, Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.
6Huan, Nethania tapa Ishmael bel Mizpah khua akipanin amau dawn dingin a pawtkhiaa, lam tawnin a kap kapa: huan, hichi ahia, amaute a muhin a kiang uah, Ahikam tapa Gedalia kiangah hongpai un, achia.
7Zvino vakati vachisvika pakati peguta, Ishimaeri mwanakomana waNetania akavauraya, ndokuvakanda mukati megomba, iye navarume vaakanga anavo.
7Huan, hichi a honghi a, khopi sing a tun uleh Nethania tapa Ishmael leh a mipiten amau a nathat ua, kokhuk ah a pai uh.
8Asi pakati pavo pakanga pana varume vane gumi vakati kuna Ishimaeri, Musatiuraya, nekuti tine zvimwe zvatakaviga kusango, zvinoti, gorosi nebhari nemafuta nehuchi. Naizvozvo akarega, akasavauraya pakati pehama dzavo.
8A lak ua misawmten bel, Honthat kei un, gamah buhte, buhmante, thaute, khuaite tampi ka sel ngalua, a cha ua. Huchiin amau a hawi ua, a unaute uh lakah a that telta kei hi.
9Zvino gomba iro makakandira Ishimaeri zvitunha zvavanhu vaakanga auraya, pamwechete naGedharia (ndiro rakanga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Bhaasha mambo waIsiraeri), Ishimaeri mwanakomana waNetania wakarizadza navakaurawa.
9Huan, kokhuk, Ishmaelin Gedelia toha a mi thahte luang a paihna bel kumpipa Asain Israel kumpipa Baash a kihtak jiakin a bawl ahi. Nethania tapa Ishmaelin huai luangtein a dimsak hi.
10Ipapo Ishimaeri akatapa vanhu vose vakanga vasara paMizipa, vakaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, ivo vakunda vamambo, navanhu vose vakanga vasara paMizipa; Ishimaeri mwanakomana waNetania wakavatapa, akabvapo achida kuenda kuvana vaAmoni.
10Huan, Ishmaelin Mizpah khuaa mi hinga omsun, kumpipa tanute, Ahikam tapa Gedalia kianga ngakmi heutu Nebuzaradanin a kepsak, Mizpah khuaa omlai tengteng toh salin a pi veka; Nethania tapa Ishmaelin huaite sal dia piin Amon mite juanin a pawt hi.
11Asi Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakati vachinzwa zvakaipa zvose zvakaitwa naIshimaeri mwanakomana waNetania,
11Ahihhangin, Kare tapa Johanan leh a kianga om sepaih pawl heutu tengtengin Nethania tapa Ishmael thil hoihlou hih tengteng ana jak un mi tengteng a pi khia ua,
12vakatora varume vose, vakandorwa naIshimaeri mwanakomana waNetania, vakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibhiyoni.
12Nethania tapa Ishmael sual dingin a kuan ua, tui tampi omna mun Gibeon ah ava mu uh.
13Zvino vanhu vose vaiva naIshimaeri vakati vachiona Johwanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo vaiva naye, vakafara.
13Huan, hichi ahia, Ishmael kiangah mi tengtengin Kare tapa Johanan leh a kianga sepaih heutu tengteng a va muh un a nakipak law mahmah uhi.
14Naizvozvo vanhu vose vakanga vatapwa naIshimaeri paMizipa vakatendeuka vakadzoka, vakaenda kuna Johwanani mwanakomana waKarea.
14Huchiin Ishmaelin Mizpah khua kipana sala a pi tengteng a kihei ua, a kiknawn ua, Kare tapa Johanan kiangah a pai diam uhi.
15Asi Ishimaeri mwanakomana waNetania wakatiza Johwanani ana varume vasere, akaenda kuvana vaAmoni
15Nethania tapa Ishmael bel mi giat toh Johanan akipan a tai khe geigei ua, Amon mite kiangah a pai ta uhi.
16Ipapo Johwanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatora vanhu vose vakanga vasara, vaakanga arwira kuna Ishimaeri mwanakomana waNetania paMizipa, ambouraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti, varume varwi navakadzi navana navaranda, vaakanga adzosa paGibhiyoni.
16Huan, Kare tapa Johanan leh a kianga sepaih pawl heutu tengtengin, Nethania tapa Ishmael in Ahikam tapa Gedalia a thah nunga Mizpah khua akipan Nethania tapa Ishmael laka Johananin a hutkhiaksa mi omsun tengteng, kidou mite, numeite, naupangte, michilgehte, Gibeon akipana a pi nawnte a pi veka.
17Vakabva, vakandogara paGerutikimhami, riri paBheterehemu, vachiti vagozoenda Egipita,
17Huan, a pawt ua, Kaldaite jiaka Aigupta gama tailut tumin Bethlehem kho chin ah Geruth Chimham ah a khawl uhi.Nethania tapa Ishmaelin, Ahikam tapa Gedalia, Babulon kumpipan huai gam ukpipa dia a bawl a thah jiakin amau lah a kihta mahmah ngal ua.
18nokuda kwavaKaradhea, nekuti vakanga vachivatya, Ishimaeri mwanakomana waNetania zvaakauraya Gedharia mwanakomana waAhikami, wakange aitwa mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.
18Nethania tapa Ishmaelin, Ahikam tapa Gedalia, Babulon kumpipan huai gam ukpipa dia a bawl a thah jiakin amau lah a kihta mahmah ngal ua.