Shona

Paite

Leviticus

15

1Zvino Jehovha wakataura naMozisi naAroni akati,
1Huan, TOUPA'N Mosi leh Aron a houpih a,
2Taurai navana vaIsiraeri, muti kwavari, Kana murume ane zvimwe zvinoyerera, zvinobuda pamuviri wake, uchava usina kunaka nokuda kokuyerera kwake.
2Israel suante houpih unla, a kiang uah, Mi kua leng sa a thil a pawt leh a thil pawt ziak in a nin ahi.
3Ndiko kusanaka kokuyerera kwake: Kana muviri wake uchibudisa zvinoyerera, kana muviri warega hawo kubudisa zvinoyerera, ndiko kusanaka kokuyerera kwake.
3A thil pawt sung teng a nin ahi: a sa ah a pawt gige hiam, pawt tawpta hiam zong hileh, a nin himhim ahi.
4nhovo imwe neimwe yaanovata pamusoro payo ichava isina kunaka; nechinhu chimwe nechimwe chaanogara chichava chisina kunaka.
4Thil pawt mi lupna a lupna peuhmah a nin ding; huan, a tutna peuhmah leng a nin lai ding a.
5Ani naani unobata nhovo dzake, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
5Huan, kuapeuh a lupna khoih peuhmahte'n a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
6Munhu unogara pachinhu chakagarwa naiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
6Thil pawt mi tutna a tu peuhmahte'n a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
7Munhu unobata muviri waiye une zvinoyerera, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
7Kuapeuh thil pawt mi sa khoih peuhmah in a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
8Kana munhu une zvinoyerera akapfira mumwe wakanaka mate, iye ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
8Huan, thil pawt mi in mi ninlou chil a siat leh a puante a sawp ding a, a ksil ding ahi, nitak lam tan in a nin ding.
9Chigaro chipi nechipi chinogarwa nomunhu une zvinoyerera chichava chisina kunaka.
9Tuan na bangpeuh a leng thil pawtmi a tuan leh a nin ding.
10Ani naani unobata chinhu chakanga chiri pasi pake, uchava usina kunaka kusvikira madeko; kunyange wakatakura zvinhu izvo ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
10Kuapeuh a kingaihna sa nung thil khoih peuhmahte nitak lam tan in a nin ding uh; huan, huai thil la suan mi peuhmah in a puante uh a sawp ding uh, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uhi.
11Ani naani unobatwa nomunhu une zvinoyerera, kana asina kumboshamba maoko ake nemvura, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
11Huan, kuapeuh thil pawt mi in a khut sillou a a khoih peuhmah in a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
12Hari yevhu inobatwa nomunhu une zvinoyerera ngaiputswe; kana uri mudziyo wamatanda, mumwe nomumwe anofanira kusukurudzwa nemvura.
12Huan, thil pawt mi leibel khoihsa zaw suktap ding ahi; huan, sing vanzat tengteng silsiang vek ding ahi.
13Kana munhu une zvinoyerera akanatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe okuzvinatsa kwake, zvino asuke nguvo dzake, ndokushambidza muviri wake nemvura inoyerera, anake.
13Huan, thil pawt mi bel, a thil pawt hih siangthou a hih leh, a kisian sakna ding in ni sagih a kipe ding a, a puante a sawp ding a; huan, luitui ah a kisil ding a; huchi in a hong siangthou ta ding hi.
14Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva, auye pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana, ape mupristi idzedzo;
14Huan, a ni giat ni in vakhu kop khat hiam, palva noukop khat hiam tawi in TOUPA ma ah kihoupihna puan inn kongpi bul ah a hoh ding a, siampu a pe ding ahi:
15zvino mupristi anofanira kudzibayira, imwe chive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kwake.
15Huan, siampu in khelh thoihna ding in khat, haltum thillat ding in khat a len ding hi; huan, siampu in a thil pawt thu ah TOUPA ma ah kilepna a bawl sak ding.
16Kana mbeu yomurume upi noupi ikabuda kwaari, anofanira kushambidza muviri wake wose nemvura, agova usina kunaka kusvikira madeko.
16Kuapeuh kithuahna chi amah a kipan a pawt leh a pumpi in a kisil vek dia, nitak lam tan in a nin ding.
17nguvo ipi neipi, nedebwe ripi neripi, zvadonherwa nembeu, zvinofanira kusukwa nemvura, zvive zvisina kunaka kusvikira madeko.
17Huan, puansilh khawng, vun khawng kithuahna chi omna peuhmah sawp siang a silsiang vek ding ahi, nitak lam tan in a nin ding
18Mukadziwo wakavata nomurume nembeu, vose vari vaviri vanofanira kuzvishambidza nemvura, vave vasina kunaka kusvikira madeko.
18Huan, numei a luppih leleng a nih ua a kisil tuaktuak ding uh ahi, huan, nitak lam tan in a nin ding uh.
19Kana mukadzi ane zvinoyerera, zvinoyerera pamuviri wake riri ropa, uchava pakusanaka kwake mazuva manomwe; ani naani unomubata uchava usina kunaka kusvikira madeko.
19Numei in thil pawt a neih a, a sa a thil pawt bel si a hihleh ni sagih sung a nin ding; huan, kuapeuh amah khoih taphot nitak lam tan in a nin ding.
20Chinhu chipi nechipi chaanovata pamusoro pacho pakusanaka kwake chichava chisina kunaka, uye chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka.
20Huan, a nit sung a lupna peuhmah a nin ding a, a tutna peuhmah leng a nin lai ding hi.
21Ani naani unobata nhovo dzake anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
21Lupna khoih peuhte'n a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
22Ani naani unobata chinhu chipi nechipi chaanogara, anofanira kusuka nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
22Kuapuah a tutna khoih peuhmahte'n a puante uh a sawp ding ua, a kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
23Kana akabata chinhu chiri panhovo, kana chinhu chipi nechipi chaanogara, uchava usina kunaka kusvikira madeko.
23Lupna a thil om hiam, a tutna a thil om hiam khoih peuhmahte nitak lam tan in a nin ding uh.
24Uye murume upi noupi kana akavata naye achiri pakusanaka kwake, uchava usina kunaka mazuva manomwe; nhovo dzose dzaanovata pamusoro padzo dzichava dzisina kunaka.
24Kuapeuh in a luppih ua, a nitna a ban uleh ni sagih a nin ding ua; a lupna peuh uh lupna a nin ding hi.
25Kana mukadzi anokuyerera kweropa rake mazuva mazhinji panguva isati iri yokuva kwake kumwedzi, uye kana ane zvinoyerera kudarika nguva yokuva kwake kumwedzi, mazuva ose okuyerera kokusanaka kwake anofanira kuita sezvaanoita pamazuva okuva kwake kumwedzi. Wava usina kunaka.
25Huan, numei a nit hun ngeina hilou a ni sawtkuam tak a si a pawt hiam, a nitdan ngeina sang a sawt a si a pawt hiam a hihleh, a nitna dan ngeina sung a a om zel bang in si pawtmi a nit sung teng in a om tei ding hi; a nin ahi.
26nhovo ipi neipi yaanovata pamusoro payo mazuva ose okuyerera kwake ichava kwaari senhovo yokuva kwake kumwedzi; chinhu chipi nechipi chaanogara chichava chisina kunaka, sapanguva yokusanaka kokuva kwake kumwedzi.
26A si pawt sung teng a lupna a lupna taphot a nitdan ngeina hun lai a a lupna bang ahi ding a; a tutna peuhmah a nitdan ngeina hun lai a a nit bang in a nin ding.
27Ani naani unobata zvinhu izvo uchava usina kunaka, ngaasuke nguvo dzake, azvishambidze nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko.
27Kuapeuh huai thil khoih peuhmahte a nin ding ua, a puante uh a sawp ding ua, kisil ding uh ahi, nitak lam tan in a nin ding uh.
28Asi kana anatswa pakuyerera kwake, anofanira kuzvitarira mazuva manomwe; kana iwo apera uchava wakanaka.
28Himahleh a si pawt pen hih siangthou a hihleh, ni sagih a kipe ding a, huai nung in a hong siangthou ta ding.
29Nomusi worusere anofanira kutora njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, auye nadzo kumupristi, kumukova wetende rokusangana.
29Huan, a ni giat ni in vakhu kop khat hiam, vapal nou kop khat hiam a tawi ding a, kihoupihna puan inn kongpi bul ah siampu a hong pe ding ahi.
30Zvino mupristi anofanira kuuraya imwe, chive chipiriso chezvivi, imwe chive chipiriso chinopiswa; mupristi amuyananisire pamberi paJehovha pamusoro pokuyerera kokusanaka kwake.
30Huan, siampu in khelh thoihna ding in khat, haltum thillat ding in khat a lan ding ahi; huchi in siampu in si pawt mi a nitna thu ah TOUPA ma ah kilepna a bawl sak ding ahi
31Saizvozvo munofanira kuparadzanisa vana vaIsiraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.
31Hichi bang in Israel suante a nitna ua kipan na hih tuam ding uh ahi, a lak ua ka biakbuk a hih buah khak chiang ua leng a nitna ziak ua a sih louhna ding un.
32Ndiwo murayiro womunhu une zvinoyerera, nounobudisa mbeu yake, akazova usina kunaka nazvo;
32Hiai bel thil pawt mite leh nit loh a kithuahna chi pawt mite a dia dan ahi;A nitna ziak a china nu bang, thil pawt nei mipa bang, numei-pasal, numei a nit lai ua luppihte a ding leng, chi in.
33nounorwara nokuva kwake kumwedzi, nounezvinoyerera, kana ari murume, kana ari mukadzi, nowounovata naiye usina kunaka.
33A nitna ziak a china nu bang, thil pawt nei mipa bang, numei-pasal, numei a nit lai ua luppihte a ding leng, chi in.