1Zvino zvakaitika kuti chaunga chakati chichimumbandidzira kuti vanzwe shoko raMwari, iye akamira parutivi rwegungwa reGenesareti;
1Huan, hichi ahia, mipiin Pathian thu a ngaihkhiak ua, amah a boh huthut lai un, amah tuh Gennesaret dil gei ah a dinga.
2akaona zvikepe zviviri zvimire parutivi rwegungwa; asi varedzi vakange vabuda mazviri vachisuka mimbure.
2Huan, dil geia long nih om a mua, himahleh nga manmite lah a pawt khia ua, a lente uh a sawp ua.
3Akapinda mune chimwe chezvikepe chaiva chaSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pavhu zvishoma. Ndokubva agara pasi, akadzidzisa zvaunga ari muchikepe.
3Huchiin, long khat Simon-a pen ah a tuanga, a kiangah luigei akipan neukha tolh lut sak deuh a ngena. Huan, a tu a, long akipanin mipite thu a hilhta.
4Zvino wakati amira kutaura, akati kuna Simoni: Pinda kwakadzika udzikise mimbure yenyu kuti ubate.
4Huan, thugen a tawpin, Simon kiangah, Li thuk lam naih unla, nga man dingin, na lente uh pai un, a chi a.
5Simoni akapindura, akati kwaari: Tenzi, tafondoka usiku hwose hwakazara, tikasabata chinhu, asi zvamadaro, ndichadzikisa mumbure.
5Huan, Simonin a kiangah, Heutupa, gimtakin jankhuain ka pang ua, bangmah ka man kei ua, himahleh na thuin lente ka pai nawn ding leh, a chi a, a dawnga.
6Vakati vaita izvozvi, vakakomba dutu rehove zhinji; mumbure wavo ukange wobvaruka.
6Huan, a paih uleh nga tampi tak a khuh ua, a lente uh tuh a kek iakkiaka.
7Vakaninira vamwe vavo vakange vari mune chimwe chikepe, kuti vauye vazovabatsira; vakauya vakazadza zvikepe zviri zviviri, zvekuti zvakatanga kunyura.
7Huan, long danga om a lawmte uh amau honghuh dingin a khutvan ua. Huan, a hongpai ua, long nih tum phialphialin a sung dim tuaktuak uh.
8Zvino Simoni Petro wakati achiona, akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: Ibvai kwandiri, Ishe, nekuti ndiri munhu mutadzi.
8Huan, Simon Peterin huai a muhin, Jesu khuk kiangah khupbohin, Toupa, honpai sanin, mikhial ka hi, a chi a.
9Nekuti kushamisika kwakange kwamubata, nevose vakange vanaye, nekubatwa kwehove dzavakange vabata;
9A nga mat u tuh amah leh a lawmten lamdang a sa mahmah ngal ua;
10saizvozvowo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva vadyidzani naSimoni. Jesu ndokuti kuna Simoni: Usatya, kubva zvino ucharedza vanhu.
10Simon pawlte mah Zebedai Tapa Jakob leh Johanin leng lamdanga sa mahmah sam uh. Huan, Jesun, Simon kiangah, Lau ken, tuban siah mihing na manta ding, a chi a.
11Zvino, vakati vaisa zvikepe kunyika, vakasiya zvose vakamutevera.
11Huan, a longte uh luigei ah a tolh galkai ua, bangkim pai sanin amah tuh a juita uh.
12Zvino zvakaitika, ari kune rimwe remaguta, tarira, murume azere maperembudzi; wakati achiona Jesu akawa nechiso, ndokumugombetedza, achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
12Huan, hichi ahia, khua khata a omlaiin ngai dih, mi khat phak bop a oma, aman Jesu a na mu a, khupbohin Toupa, na ut leh non hihsiangthou thei, a chi a, a ngen ngutngut a.
13Ndokubva atambanudza ruoko, akamubata, achiti: Ndinoda, chinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari.
13Huan, aman a sawka, a khoiha, Ka ut, nanasiangthoutain, a chi a. Huan, thakhatin a phak tuh a hongbei pah hi.
14Iye akamuraira kuti asaudza munhu; akati: Asi enda undozviratidza kumupristi, ubayire pakunatswa kwako, Mozisi sezvaakaraira, chive chapupu kwavari.
14Huan, a kiangah, Kuamah hilh ken, a hihhangin siampu kiangah vakiensak inla, na sianhonna ding Mosi seh bangin lan in, mite theihchetna dingin, a chi a.
15Asi shoko pamusoro pake rakanyanya kupararira; zvaunga zvikuru zvikaungana kuzonzwa, nekuporeswa naye pazvifo zvavo.
15Himahleh, a tanchin thu tuh a thang sansan a; mipi thupitak a thu za nuam leh a natnate uh hihdam utin a hongkikhawm kheukhou ua.
16Asi iye waienda kumarenje achinonyengetera.
16Himahleh, amah tuh gamdaiah a tuam pai a, a thum hi.
17Zvino zvakaitika nerimwe ramazuva, iye paakange achidzidzisa; zvino vaFarisi nevadzidzisi vemurairo vakange vagerepo, vaibva kumisha yese yeGarirea neJudhiya neJerusarema; nesimba raIshe rakange riripo kuvaporesa.
17Huan, hichi ahia, huai lain, ni khat tuh, thu a hilh a. Huan, akiangah Pharisaite leh dan siam te tuin a om ua, huaite tuh, Galili leh Judia gam kho teng akipana hongpai ahi ua; huan mi hihdamna dingin Toupa thilhihtheihna a kiangah a om.
18Uye tarira, varume vakange vakatakura munhu pauchanja wakange akafa mitezo; vakatsvaka kumupinza vaise pamberi pake.
18Huan, ngai dih, lupna toh mijaw khat a honjawng ua; a maa koih dingin jawn lut a tum ua.
19Zvino, vakati vachishaiwa pavangamupinza napo nekuda kwechaunga, vakakwira padenga peimba, vakamuburusira pasi pakati neuchanja hwake, nemumapfuriro pamberi paJesu.
19Huan, mipi jiakin jawn lutna dan a mu theikei ua, in tunga kipan, a lai takah, Jesu ma ah a lupna toh a khai khe suk ua.
20Iye wakati aona rutendo rwavo, akati kwaari: Munhu, zvivi zvako wazvikangamwirwa.
20Huan, a gindan uh a namuh in, a kiang ah, Mihing, na khelhnate ngaihdam a hita, a chi a.
21Zvino vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: Ndiani uyu unotaura kunyomba? Ndiani unogona kukangamwira zvivi, kunze kwaMwari oga?
21Huan, laigelh mite leh Pharisaiten, Pathian gensia hiai mi kua ahia? Pathian kia louin kuan ahia khelhnate ngaidam thei? chiin a ngaihtuah ua.
22Zvino Jesu paakaziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari: Munofungei mumoyo yenyu?
22Huchiin, Jesun a ngaihtuah uh a theia, a kiang uah, na lungtang uah bang na ngaihtuah ua?
23Chii chakareruka, kuti: Zvivi zvako wazviregererwa; kana kuti: Simuka, ufambe?
23Na khelhnate ngaihdam a hita, chih leh, Thou inla, khein paita in, chih, a koipen a gen nuam jaw a?
24Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu une simba panyika rekuregerera zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): Ndinoti kwauri: Simuka, utore uchanja hwako, uende kumba kwako.
24Abang abang hitaleh, khovelah Mihing Tapain khelhnate ngaihdam theihna a nei chih na theihna ding un a chi a, (Jaw kiangah) Thou inla, na lupna la inla, na in ah paiin, ka honchi, a chi a.
25Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora chaakange avete pachiri, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari.
25Huchiin, a mit muh un a thou paha, a lupna a la a, Pathian phat kawmkawmin a in ah a paita.
26Kuvhiringidzika kukabata vose, vakarumbidza Mwari, vakazadzwa nekutya, vachiti: Taona chisionekwe nhasi.
26Huan, a vek un lamdang a sa mahmah ua, Pathian a phat ua. Tuniin thillamdang pitak i mu hi, a chi ua, a lau mahmah uh.
27Zvino shure kwezvinhu izvi wakabuda, akaona muteresi, wainzi Revhi, agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere.
27Huan, huaite khitin a pawta, siahpiakna muna tu, siahkhonmi khat a min Levi a mu a; huan, a kiangah, Honjui in, a chi a.
28Ndokubva asiya zvose, akasimuka akamutevera.
28Huchiin, bangkim a paisana, a thou a, a juita.
29Revhi ndokumuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo chaunga chikuru chavateresi nevamwe vakange vagere navo pakudya.
29Huan, Leviin a in ah Jesu adingin ankuang thupitak a luia; huchiin, siahkhonmi midangte toh mi tampiin amau a umpih chiat ua.
30Asi vanyori vavo nevaFarisi vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti: Nemhaka yei muchidya nekunwa nevateresi nevatadzi?
30Huan, Pharisaite, a laigelhmite utoh a nungjuite tungah a phun ua, Bang dia siahkhonmite leh khialte kianga ne-a dawn na hi ua? a chi ua.
31Jesu achipindura akati kwavari: Vakagwinya havadi murapi, asi avo vanorwara.
31Huan, Jesun, a kiang uah, Mi damtheiten daktor a kiphamoh kei ua, mi damtheilouten a kiphamoh jaw uh.
32Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi vauye mukutendeuka.
32Mi diktatte sam dinga hongpai ka hi keia, mi khialte kisik dinga sam din hongpai ka hijaw, chi in a dawng hi.
33Zvino vakati kwaari: Nemhaka yei vadzidzi vaJohwani vachitsanya kazhinji, vachiita minyengetero, uye saizvozvo vevaFarisi, asi venyu vanodya nekunwa?
33Huan, amau a kiangah, Johan nungjuiten an a ngawl jel ua, a thum jel uh: Pharisai nungjuiten leng huchibang mahin a hih jel uh: himahleh, na nungjuiten a ne un a dawn gige uh, a chi ua.
34Asi wakati kwavari: Munogona kutsanyisa vana veimba yemuchato muwani achiri kwavari here?
34Jesun a kiang uah, Mou pimite kianga a pasal ding a om lai siah mou pimite na ngawl sak thei ngei ua hia?
35Asi mazuva achasvika, apo muwani achabviswa kwavari, ipapo vachatsanya nemazuva iwayo.
35Himahleh apasal ding amau akipana pimang nite a hongtung dinga, huai ni chiangin jaw a ngawl ding uh, a chi a.
36Akataurawo mufananidzo kwavari, akati: Hakuna munhu unoisa chigamba chemucheka mutsva panguvo sharu; kana zvakasadaro naichowo chitsva chinobvarura, nechigamba chemucheka mutsva hachipindirani nesharu.
36Huan, a kiang uah gentehna thu leng a gena: Kuamahin puan thak eu khiain puan lui a thuap ngei kei, thuap him taleh, a thakin a kaikek dia, a thak them leh a lui tuh a kituak tuan kei ding.
37Uye hakuna munhu unodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvakasadaro, waini itsva ichaparusa hombodo iyo ikateuka, uye hombodo dzikaparara.
37Huan, kuamahin uain thak savun uain thawl lui ah a thun ngei kei uh, thunta him le uleng, uain thakin savun thawlte a phukek dia, a bo dia, savun thawlte leng a se ding uh.
38Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva, zvichengetedzeke zviri zviviri.
38Uain thak tuh savun uain thawl thakah a thun zo ding uh ahi.Huan, kuamah, uain lui na dawn khinin leng, a thak a duh pah kei hi; a lui a hoihjaw, a chi ngala, a chi hi.
39Uye hakuna munhu unoti kana amwa waini sharu pakarepo akashuva itsva; nekuti unoti: Sharu iri nani.
39Huan, kuamah, uain lui na dawn khinin leng, a thak a duh pah kei hi; a lui a hoihjaw, a chi ngala, a chi hi.