1Zvino ava ndivo vapristi navaRevhi vakaenda naZerubhabheri, mwanakomana waShearitieri, naJeshua: Seraya, naJeremiya, naEzira;
1Huan hiaite Sialtiel tapa Zerubbabel toh tontou siampute leh Levi mite ahi uh, Jesua, Serai, Jeremia, Ezra toh;
2naAmaria, naMaruki, naHatushi;
2Amaria, Malluk, Hattus;
3naShekania, naRehumi, naMeremoti;
3Sekania, Rehum, Meremot;
4naIdho, naGinetoi, naAbhiya;
4Iddo, Ginnethoi, Abija;
5naMijamini, naMaadhia, naBhiriga;
5Mijamin, Maadia, Bilgah;
6naShemaya, naJoyaribhi, naJedhaya;
6Semaia, Joiarib, Jedaia;
7naSaru, naAmoki, naHirikiya, naJedhaya. Ndivo vakanga vari vakuru vavapristi navehama dzavo pamazuva aJeshua.
7Sallu, Amok, Hilkia, Jedaia. Hiai te siampute lak leh a unaute uh laka Jesua damlai a pipente uh ahi.
8Uye navaRevhi ava: Jeshua, naBhinui, naKadhimieri, naSherebhia, naJudha, naMatania, iye nehama dzake ndivo vairaira vaimbi.
8Levi mite mah leng: Jesua, Binnui, kadmiel, Serebia, Juda, Mattania, kipahthugenna tunga om, amah leh a unaute.
9NaBhakibhukia, naUno, hama dzavo, vakanga vakatarisana navo pakurinda.
9Bakbukia leh Unno leng, a unaute utoh, amau delhin dan suangah a om uh.
10Jeshua akabereka Joyakimu, Joyakimu akabereka Eriashibhi, Eriashibhi akabereka Joyadha;
10Huan Jesuain Joiakim a suanga, Joiakimin Eliasib a suanga, Eliasibin Joiada a suanga,
11Joyadha akabereka Jonatani, Jonatani akabereka Jadhua.
11Joiadain Jonathan a suanga, Jonathanin Jaddua a suanga.
12Pamazuva aJoyakimu vapristi, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanga vari: wokwaSeraya, Meraya; wokwaJeremiya, Hananiya
12Huan Joiakim dam laiin siampute a om ua, pipute inkote lupente: Seraia laka, Meraia: Jeremia lakah, Hanania;
13wokwaEzira, Meshurami, wokwaAmaria, Jehohanani;
13Ezra lakah, Mesullam; Amaria lakah, Jehohanan;
14wokwaMaruki, Jonatani; wokwaShebhania, Josefa;
14Malluki lakah, Jonathan; Sebania lakah, Joseph;
15wokwaHarimi, Adhina; wokwaMerayoti, Herikai;
15Harim lakah, Adna; Meraioth lakah, Helkai;
16wokwa Idho, Zekariya; wokaGinetoni, Meshurami;
16Iddo lakah Zekaria; Ginnethon lakah, Mesullam;
17wokwaAbhia, Zikiri; wokwaMinyamini waMoadhia, Piritai
17Abija lakah, Zikri; Miniamin lakah, Piltai;
18wokwaBhiriga, Shamua; wokwaShemaya, Jehonatani,
18Bilgah lakah, Sammua; Semaia lakah, Jehonathan;
19wokwaJoyaribhi, Matenai; wokwaJedhaya, Uzi;
19Joiarib lakah Mattenai; Jedaia lakah, Uzzi;
20wokwaSarai, Karai; wokwaAmoki, Ebheri;
20Sallai lakah, Kallai; Amok lakah, Eber;
21wokwaHirikia Hashabhia; wokwaJedhaya, Netaneri.
21Hilkia lakah, Hasabia; Jedaia lakah, Nethanel.
22VaRevhi vakanyorwa mazita avakuru vedzimba dzamadzibaba pamazuva aEriashibhi, naJoyadha, naJohwanani, naJadhua; navapristiwo kusvikira pakubata ushe kwaDhariusi muPerisia.
22Eliasib, Joiada, Johanan, Jaddua damlaiin Levi mite, pipute inkote lupena gelh ahi uh: Persia mi Daria lal laia, siampute tohin.
23Vanakomana vaRevhi ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba, vakanyorwa pabhuku yaMakoronike, kusvikira pamazuva aJohwanani mwanakomana waEriashibhi.
23Levi tapate, pipute inkote lupente, Kronikil laibu ah, Eliasib tapa Johanan damlai tan hiala, gelh ahi.
24Vakuru vavaRevhi vakanga vari: Hashabhia, naSherebhia, naJeshua, mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo pakurumbidza nokuvonga, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari, vachiita madzoro pakuimba.
24Huan Levi mite hausate: Hasabia, Serebia, Jesua, Kadmiel tapa, amau delh a unaute uh, Pathian mi David thupiak dungjuiin, indan leh indan kisuin.
25Matania, naBhakibhukia, naObhadhiya, naMeshurami, naTarimoni, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova, vairinda pamatura pamasuwo.
25Mattania, Bakbukia, Obadia, Mesullam, Talmon, Akkub te kongpite sek-ina dantan kem kongkhakngakte ahi uh.
26Ndivo vakanga varipo pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki,. napamazuva aNehemiya mubati, nomupristi Ezira munyori.
26Hiaite Jesua tapa Joiakim, Jozadak tapa damlai, Nehemia ukpipa leh Ezra siampu laigelhmi damlaia om ahi uh.
27Zvino pakutsaurira kwavo Jehovha rusvingo rweJerusaremu, vakandotsvaka vaRevhi pose pavakanga vagere, vakauya navo Jerusaremu, kuti vatsaure nomufaro, nokuvonga nokuimba, nokuridza makandira nemitengeramwa nembira.
27Huan Jerusalem kulhbang latna adin a omna tengteng uah Levi mite a zong khia ua, kipahna toh, kipahthugenna leh, lasak, dakkhutbet, tumgingte leh kaihgingte toha Jerusalema amaute honpi dinga, kipahna bawl dingin.
28Vanakomana vavaimbi vakaungana pamwechete vachibva kumapani akapoteredza Jerusaremu, nokumisha yavaNetofati;
28Huan lasamite tapate a kikai khawm ua, Jerusalem kimvela phaijang akipan leh Netophat mite khotate akipanin;
29napaBhetigirigari, naparuwa rweGebha neAzimavheti; nekuti vaimbi vakanga vazvivakira misha pamativi ose eJerusaremu.
29Beth-gilgal akipanin leng, Geba leh Azmaveth loute akipanin: lasamiten lah Jerusalem kimvelin khotate a na bawlta ngal ua.
30Zvino vapristi navaRevhi vakazvinatsa, ndokunatsawo vanhu, namasuwo, norusvingo.
30Huchiin siampute leh Levi mite a kisiangsak ua: mite leh kongpite leh kulhbangte a siang sak uh.
31Ipapo ndakakwidza machinda avaJudha pamusoro porusvingo, ndikaraira mapoka makuru maviri vakavonga vachifamba vakaita mudungwe; vamwe vakafamba kurutivi rworudyi pamusoro porusvingo, vachienda kusuwo ramarara;
31Huchilaiin kulhbang tungah Juda lalte ka pi toua, kipahtugen leh a hona pai pawlpi nih ka sepa; huaiah pawl khat kulhbang tungah ekvum kongpi lamah a pai ua:
32shure kwavo kwakafamba Hosaya, nehafu yamachinda aJudha,
32Huan amau nungah Hosai leh, Juda lalte lak a kimkhat,
33naAzaria, naEzira, naMeshurami,
33Azaria, Ezra, Mesullam,
34naJudha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya,
34Juda, Benjamin, Semaia, Jeremia,
35navamwe vanakomana vavapristi vane hwamanda. Zekariya, mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
35Leh siampute tapate laka kuate hiam pengkulte toh: Zekaria Jonathan tapa, Semaia tapa, Mattaria, tapa, Mikaia tapa, Zakkur tapa, Asaph tapa;
36nehama dzake: Shemaya, naAzareri, naMirarai, naGirarai, naMaai, naNetaneri, naJudha, naHanani vane zvokuridza zvaDhavhidhi munhu waMwari; Ezira, munyori akanga ari pamberi pavo;
36A unaute, Simaia, Azarel, Milalai, Gilalai, Maai, Nethanel, Juda, Hanani Pathian mi David tumgingtheih te toh; huan a ma uah Ezra laigelhmi a oma:
37vakafamba napasuwo retsime, vakarurama, ndokukwira namatanho eguta raDhavhidhi, pamukwidzwa worusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikira pasuwo remvura, kumabvazuva.
37Tuikhuk kongpi kiangah, a ma jawn tak uah, David khopi dohkang ah a pai tou ua, kulhbang tou paina ah, David in tunglam ah, suahlampanga tui kongpi phain.
38Rimwe boka ravavongi rakandosangana navo, ini ndichivatevera, ndine hafu yavanhu pamusoro porusvingo, pamusoro peshongwe yamavira, kusvikira parusvingo rupamhi;
38Huan a lak ua pawl dang kipahthugente amaute tuak dingin a pai ua, kei amau nungah, kulhbang tunga, meipi insang tunglamah, kulhbang lian tanphain;
39napamusoro pesuwo raEfuremu, napasuwo rekare, napasuwo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yaHamea, kusvikira pasuwo ramakwai, vakamira pasuwo ravarindi.
39Huan Ephraim kongpi tungah, kongpi lui kiang, ngasa kongpi kianga, Hananel insang, Meah insang, belam kongpi tanphain: huan venna kongpi ah a ding kinken uh.
40Mapoka maviri avavongi vakamira saizvozvo paimba yaMwari, neni nehafu yavatariri,
40Huchiin Pathian in sunga kipahthugen bawl nihte leh kei, leh ka kianga vaihawmte laka a kimkhat a ding ua:
41navapristi Eriakimu, naMaaseya, naMiniamini, naMikaya, naErionenai, naZekariya, naHanania, vane hwamanda;
41Huan siampute, Eliakim, Maasei, Miniamin, Mikai, Elioenai, Zekaria, Hanania, pengkulte toh;
42naMaaseya, naShemaya, naEreazari, naUzi, naJehohanani, naMarikija, naErami, naEzeri. Vaimbi vakaimbisa kwazvo, vana Jezirahia mutariri wavo.
42Huan Maasei, Semai, Eleazar, Uzzi, Johohanan, Malkija, Elam leh Ezer. Huan lasamiten ngaihtakin, a heutupa uh Jezrahia toh la a sa ua.
43Vakabayira zvibayiro zvikuru nezuva iro, vakafara; nekuti Mwari akanga avafadza nomufaro mukuru; navakadziwo navana vakafara; naizvozvo mufaro weJerusaremu wakanzwika kure.
43Huan huai niin kithoihna thupite a lan ua, nuam a sa uhi; Pathianin lah nuamsakna thupi toh amau nuam a sasak ngala; huchiin numeite leh naupangte toh a kipak uhi: huchiin Jerusalem kipahna gamla pi tana leng jakin a om hi.
44Pazuva iro varume vakagadzwa kutarira makamuri efuma, nezvipiriso zvinotsaurwa, nezvitsva, nezvegumi, kuti vaunganidziremo migove yavapristi neyavaRevhi yakanga yakatarwa nomurau, kuti itorwe paruwa rwamaguta; nekuti vaJudha vakafarira vapristi navaRevhi vaishumira.
44Huan, huai niin thohlawm te, vei thillat te, hai thak masa pente, sawmakhatte koihkhawmna dantantea heutu, danin a seh banga, siampu leh Levite tantuan kho chihin a nahihzoh bang jel ua lakhawmmi dingte a sep ua; Judate bel nasemmi siampute leh Levite jiakin a kipak mahmah uhi.
45Ivo vakachengeta murayiro waMwari wavo, nomurayiro wokunatsa, navaimbi navarindi vemikovawo saizvozvo, sezvakanga zvarairwa naDhavhidhi naSoromoni, mwanakomana wake.
45Huan a Pathian uh indan leh siansakna indan a kem ua, huchibangin lasamite leh kongkhakngakmiten David leh, a tapa Solomon thupiak bangin a hihta uh.
46Nekuti pamazuva akare aDhavhidhi naAsafi, kwaiva nomukuru wavaimbi, nenziyo dzokurumbidza nokuvonga Mwari.
46David leh nidang laia Asaph dam laiin lasami heutupen leh Pathian kianga phatna leh kipahthugenna lasakte lah a om ngala.Huan Zerubbabel damlai leh Nehemia damlaiin Israel tengtengin, ni tenga a kul bangin lasamite leh kongkhakngakmite tantuan a pe jel uhi: huan Levi mite adingin a siangsak ua; huan Aron tapate adingin Levi miten a siangsak uhi.
47Zvino vaIsiraeri vose pamazuva aZerubhabheri, napamazuva aNehemiya, vaipa vaimbi navarindi vemikova migove yavo, yakadikamwa zuva rimwe nerimwe; ivo vaitsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.
47Huan Zerubbabel damlai leh Nehemia damlaiin Israel tengtengin, ni tenga a kul bangin lasamite leh kongkhakngakmite tantuan a pe jel uhi: huan Levi mite adingin a siangsak ua; huan Aron tapate adingin Levi miten a siangsak uhi.