1Ipapo Eriashibhi mupristi mukuru akasimuka, nehama dzake vapristi, vakavaka suwo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri.
1Huchiin siampu lian Eliasib a unau siampute toh a thou ua, belam kongpi a bawl ua; a hihsiangthou ua, a kongkhakte a tung ua; Meah insang tanin ahihsianghtou ua, Hananel insang tanin.
2Kurutivi rwake kwakavakwa navarume veJeriko. Kurutivi rwavo kwakavakwa naZakuri mwanakomana waImiri.
2Huan amah zomin Jeriko miten a lam uh. Huan amau zomin Imri tapa Zakkurin a lam hi.
3suwo rehove rakavakwa navanakomana vaHasenaa; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
3Huan Hassena tapaten ngasa kongpi a hih ua; a inkamte akhung ua, a kongkhakte a tung ua, a kalhnate leh a kalhnatawnte.
4Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi. Kurutivi rwavo rwakagadzirwa naMeshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshezabheri. Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naZadhoki mwanakomana waBhaana.
4Amau zomin Uria tapa, Hakkoz tapa, Meremotin a bawl phaa. Huan amau zomin Mesullam Berekia tapa, Mesezabel tapain a bawlpha. Huan amau zomin Baana tapa Zadokin a bawlpha hi.
5Kurutivi rwavo kwakagadzirwa navaTekoi; asi vakuru pakati pavo havana kuisa mitsipa yavo pabasa rashe wavo.
5Huan amau zomin Teko miten a bawlpha ua; himahleh a miliante un a Toupa uh nasepna ah a nakpan nuam kei uhi.
6suwo rekare rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa matanda aro, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
6Huan kongpi lui pen Pasia tapa Joiada leh Besodeia tapa Mesullamin a bawlpha ua, a inkamte a khung ua, a kongkhakte a tung ua, a kalhnate leh, a kalhnatawnte.
7Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri korwizi.
7Huan amau zomin Gibeon mi Melatia leh Meronoth mi, Jadon, Gebeon mite, Mizpah mite, luipi khena ukpipa laltutphah toh kizomten a bawl hoih ua.
8Kurutivi rwake kwakagadzirwa naUzieri mwanakomana waHarihaya, vapfuri vendarama. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuhwira; ivo vakasimbisa Jerusaremu kusvikira parusvingo rwakafara.
8Huan amah zomin Harhai, dangkaengsekmite, tapa Uzzielin a bawl hoih a. Huan amah zomin gimlimbawlmite tapa Hananiain a bawl hoiha, kulhbang ja tanphain Jerusalem a bubitsak uhi.
9Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naRefaya mwanakomana waHuri, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu.
9Huan amaute zomin Jerusalem seh kim khata vaihawmpa, Hur tapa Rephaiain a bawlphaa.
10Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naJedhaya mwanakomana waHarumafi, pakatarisana neimba yake. Kurutivi rwake kwakagadzirwa naHatushi mwanakomana waHashabheneya.
10Huan amau zomin Harumaph tapa Jedaiain, amah in sun hialin a bawlphaa. Huan amah zomin Hasabnei tapa Hattusin a bawlpha a.
11Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahatimoabhi, vakagadzira rumwe rutivi, neshongwe yamavira.
11Malkija Harim tapa leh, Hasub Pahath-moab tapain a mun dang leh meipi insang a bawlpha uh.
12Kurutivi rwake kwakagadzirwa naSharumi mwanakomana waHaroheshi, mubati wehafu yenyika yeJerusaremu, iye navakunda vake.
12Amah zomin Jerusalem seh kimkhata vaihawmpa, Hallohes tapa Sallumin, amah leh a tanute toh, a bawlpha ua.
13suwo romupata rakagadzirwa naHanuni navakanga vagere Zanowa; ivo vakarivaka, vakatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, namakubhiti ane chiuru chimwe orusvingo kusvikira pasuwo ramarara.
13Guam kongpi pen Hanun leh, Zanoaha tengten a bawlpha ua, a lam ua, a kongkhakte a tung ua, a kalhnate leh, a kalhnatawnte leh, ekvum kongpi lama kulhbang tong sang khat toh.
14suwo ramarara rakagadzirwa naMarikiya mwanakomana waRekabhi, mubati wenyika yeBhetihakeremi; iye akarivaka, nokutimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro.
14Huchiin Beth-hakkerem seha vaihawmpa, Rekab tapa Malkijain ekvum kongpi a bawl hoiha; a lama, a kongkhakte, a kalhnate leh, a kalhnatawnte a tunga.
15suwo retsime rakagadzirwa naSharumi mwanakomana waKorihoze, mubati wenyika yeMizipa; iye akarivaka, akariisa denga, akatimika magonhi aro, nekiyi dzaro, namazariro aro, uye rusvingo rwedziva reShera pamunda wamambo, kusvikira pamatanho anoburuka achibva muguta raDhavhidhi.
15Huan Mizpah seha vaihawmpa, Kol-hoze tapa Sallumin tuikhuk kongpi a bawl hoiha; a lama, a vuka, kongkhakte, kalhnate, leh kalhnatawnte leh, kumpipa huan kianga Sela dil bang, David khopi akipana suk pai leichial tanin a bawl hi.
16Akamutevera pakugadzira akanga ari Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mubati wehafu yenyika yeBhetizuri, kusvikira pakatarisana namarinda aDhavhidhi, uye kusvikira padziva rakanga ravakwa, nokuimba yemagamba.
16Amah nungin Beth-zur seh kimkhata vaihawmpa, Azbuk tapa Nehemiain, David hante toh kimat mun leh, bawlsa dil chiang leh, mi hatte in chiang tanin a bawlphaa.
17Vakamutevera pakugadzira vakanga vari vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani, nokurutivi rwake kwakagadzirwa naHashabhia mubati wehafu yenyika yeKeira, panzvimbo yenyika yake.
17Amah nungin, Levi mite, Keilah seh kimkhata vaihawmpa Asabiain, amah seh a diing in a bawl hoiha. Levi mite, Bani tapa Rehum-ten a bawlpha ua. Amah zomin Keilah seh kimkhata vaihawmpa, Hasabiain, amah seha dingin a bawl hoiha.
18Hama dzavo ndidzo dzakamutevera pakugadzira, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mubati wehafu yenyika yeKeira.
18Amah nungin a unaute uh, Keilah seh kimkhata vaihawmpa, Henadad tapa Bavaiin a bawl hoiha,
19Kurutivi rwake Ezeri mwanakomana waJeshua, mubati weMizipa, akagadzira mumwe mupanda, pakatarisana neimba yenhumbi dzehondo, pakona yorusvingo.
19Huan amah zomin Mizpah vaihawmpa, Jesua tapa Ezerian, seh dang, kulhbang kawina taka galvan in tana pai touhna sunin a bawl hoiha.
20Bharuki mwanakomana waZabhai wakamutevera akagadzira nokushingaira mumwe mupanda, kubva pakona yorusvingo kusvikira pamukova weimba yaEriashibhi mupristi mukuru.
20Amah nungin Zabbai tapa Barukin seh dang, kulhbang kawina akipan siampu lian Eliasib in kongkhak chiang a bawl hoiha.
21Meremoti mwanakomana waUriya, mwanakomana waHakozi, akamutevera akagadzira mumwe mupanda, kubva pamukova weimba yaEriashibhi, kusvikira pakuguma kweimba yaEriashibhi.
21Amah nungin Hakkoz tapa Uria tapa Meremotin seh dang, Eliasib in kongkhak akipan Eliasib in tawpna chiang a bawlphaa.
22Vapristi, varume vebani, vakamutevera iye pakugadzira pakapoteredza imba yake.
22Amah nungin, phaijang mite, siamputen a bawlpha uh.
23Bhenjamini naHashubhi ndivo vakavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yavo. Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akavatevera pakugadzira parutivi rweimba yake.
23Amau nungin Benjamin leh Hasubin a in pha un a bawl hoih ua. Amau nungin Anania tapa Maaseia tapa Azariain amah in sikah a bawl hoiha.
24Bhinui mwanakomana waHenadhadhi akamutevera pakugadzira mumwe mupanda, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona yorusvingo, kundosvikazve pakona.
24Amah nungin Henadad tapa Binuiin seh dang, Azaria in akipan kulhbang kawina tan, leh a ning chiang, a bawl hoiha.
25Parari mwanakomana waUzai akagadzira pakatarisana nekona yorusvingo, neshongwe inobuda paimba yokumusoro yamambo, iri paruvazhe rwavarindi. Pedhaya mwanakomana waParoshi akamutevera.
25Uzai tapa Palalin kulhbang kawina sun chiang a bawl hoiha, kumpipa in tungnung jaw akipana hong ding khe tou insang, venna pisa kianga om toh.
26(Zvino vaNetinimi vaigara Oferi, kusvikira pakatarisana nesuwo remvura kurutivi rwamabvazuva rweshongwe yakabuda kunze.)
26Amah nungin Paros tapa Pedai leh tempul nasem Ophela tengteng suahlam pang tui kongpi leh insang lawkkhia jawn tan a bawlhoih uh.
27VaTekoi vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda pakatarisana neshongwe huru yakabuda kunze, kundosvikira parusvingo rweOferi.
27Amah khitin Teko miten seh dang, Ophel kulhbang chiang phaa, insang thupi dingkhe tou sunin a bawlpha ua.
28Vapristi vakagadzira pamusoro pesuwo ramabhiza, mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.
28Siamputen sakol kongpi tunglam, michihin amah intung sun chiatin a bawlpha ua.
29Zadhoki mwanakomana waImeri akavatevera pakugadzira pakatarisana neimba yake. Shemaya mwanakomana waShekania, murindi wesuwo rokumabvazuva, akamutevera pakugadzira.
29Amaute nungin Immer tapa Zadokin amah intung sun tou chiang a bawlphaa. Amah nungin suahlam kongpi ngakpa Sekania tapa Semaiin, a bawlphaa.
30Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni mwanakomana wechitanhatu waZarafi ndiye vakamutevera pakugadzira mumwe mupanda. Meshurami mwanakomana waBherekia, akamutevera pakugadzira pakatarisana neimba yake.
30Amah nungin Selemi tapa Hanani leh Hanun Zalaph tapa guknain seh dang a bawlpha uh. Amah nungin Berekia tapa Mesullamin a dantan tung jawn a bawlpha hi.
31Marikiya mumwe wavapfuri vendarama, wakamutevera pakugadzira kusvikira kudzimba dzavaNetinimi nedzavatengesi, pakatarisana nesuwo raHamifekadhi, kusvikira pakamuri yokumusoro iri paimba.
31Amah nungin dangkaengsekmite tapa Malkijain Nithinimte in leh, sumsinmite in chiang, Hammipkad kongpi jawn chiang leh, a ninga kahtouhna chiang a bawlpha hi.Huan a ninga kahtohna leh belam kongpi kikal dangkaengsekmite leh sumsinmiten a bawlpha uhi.
32Pakati peimba yokumusoro pakona nesuwo ramakwai, pakagadzirwa navapfuri vendarama navatengesi.
32Huan a ninga kahtohna leh belam kongpi kikal dangkaengsekmite leh sumsinmiten a bawlpha uhi.