Shona

Paite

Numbers

15

1Zvino Jehovha akataura naMozisi akati,
1Huan, TOUPAN Mosi a houpiha,
2Taura navana vaIsraeri, uti kwavari, Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai;
2Israel suante houpih inla, a kiang uah, Na omna ding uh gam kon piak na tun chiang ua,
3kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuhwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai;
3TOUPA kianga meia thillat, halmang thillat hiam, thuchiam tangtung dinga na kithoihna uhiam, noumau utthu a thillat hiam, na ankuanglui hunbi uh hiam, ganhon laka hiam, belam hon laka hiam TOUPA adinga gimlim bawl ding hiama na lat chiang un:
4zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta;
4TOUPA kianga thillat lanmi peuhin tangbuang thillat, tangbuang nelte epha mun sawma khena mun khat, sathau hin mun li akhena mun khata meka a lat ding ahi.
5unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe.
5Huan, dawnding thillat dia uain hin mun li akhena mun khat halmang thillat hiam, kithoihna hiama belamnou min kima na bawl ding uh ahi.
6Kana riri gondobwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta;
6Huan, belamtala tangbuang thillat, tangbuang nelte, epha mun sawma khena mun nih, sathau hin mun thuma khena mun khat mek na bawl ding uh ahi.
7unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
7Huan, dawnding thillat dia TOUPA adinga gimlim dinga uain hin mun thuma khena mun khat na lat ding uh ahi.
8Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha;
8Halmang thillat dinga hiam, thuchiam tangtun dinga kithoihna ding hiam, TOUPA kianga lemna thillat ding hiama bawngtal na hih chiang un:
9pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta.
9Bawngtal lat toh kitonin tangbuang thillat tangbuang nelte epha mun sawma khena mun thum sathau hin kimkhata mek na lat ding uh ahi.
10Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
10Huan, dawnding thillat dia uain hin kimkhat, TOUPA dinga gimlim meia thillat na lat ding uh ahi.
11Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondobwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe.
11Huchibangin bawngtal te, belamte, belamnou apa te, kelnou te a min kim ua hih ding ahi.
12Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.
12A tamdan uh dungjui jelin na bawl ding ua, a tamdan uh bangjelin na lan ding uhi.
13Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
13Huai gama piang tengtengin hichibang jelin TOUPA adia gimlim meia thillat a lat chiang un a hih ding uhi.
14Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imwi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo.
14Huan, nam dang mi na kiang ua tengsa him hiam, kuapeuh na kiang ua teng jeljel dingte hiamten leng TOUPA adinga gimlim meia thillat lan nuam peuhin na hih bangbang ua a hih sam ding uh ahi.
15Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imwi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha.
15Na suante u tan adinga mipite leh nam dang na kiang ua omte adin leng dan khat kia a om ding ahi; TOUPA maah nam dangte noumau bang geih ahi ding uh.
16Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imwi nomutorwa agere nemi.
16Nou ading leh na kiang ua nam dang omte adingin dan khat leh hindan kibang khat kia a om ding, chiin, chiin.
17Jehovha akataura naMozisi, akati,
17Huan, TOUPAN Mosi a houpiha,
18Taura navana vaIsiraeri uti kwavari kana muchisvika kunyika kwandinokuisai,
18Israel suante houpih inla, a kiang uah, Hichi ahi dinga, ka honpina ding gam na vatun ua,
19kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa.
19Huai gam tanghou na nek chiang un, TOUPA kiangah vei thillat na lan ding uh ahi.
20Pazvitsva zvoupfu bwenyu munofanira kuuya nechingwa chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo.
20Na tanghou mek masapen lak ua beu khat vei thillat dia na lat ding uh ahi: phuala vei thillat dia na vei bang un na vei ding uhi.
21Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu bwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.
21Na suante uh tanin na tanghou mek masapen uh TOUPA kianga vei thillat dinga na lat jel ding uh ahi.
22Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mozisi,
22Huan, hiai thupiak tengteng, TOUPAN Mosi kianga a gen, na zuih louh ua na bohsiat uleh,
23zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose,
23TOUPAN thu a piak tung akipana na suante uh tan adia Mosi zanga thu a piak tengteng,
24zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi.
24Hichi bang ahi dinga, omkhawmten theiloua a hihkhak uh ahihleh, omkhawm tengtengin halmang thillat TOUPA dinga gimlim dingin bawng tuai khat a lan ding ua, a dan ngeina bangin tangbuang thillat leh dawn ding thillat toh, khelhna kithoihna dingin keltal khat leng a lan tel ding uh ahi.
25mupristi anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakangamwirwe; nekuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo.
25Huan, siampuin Israel suante omkhawm tengteng adingin lemna a bawl dinga, ngaihdam ahi ding uh, hihkhak ahihjiak leh a thillat uh. TOUPA adia meia thillat leh a hihkhelh uh tanga khelhna kithoihna a lattak jiak un:
26Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakangamwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nekuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva.
26Israel suante omkhawm tengteng ngaihdam ahi ding ua, a lak ua nam dang omte leng; mipi tengtengin a hihkhak uh ahih jiakin.
27Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi.
27Huan, min theiloua thil a hihkhelh leh khelhna kithoihna dingin kelnu khat kum khata upa a lat ding ahi.
28Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu ,akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, . pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akangamwirwe.
28Thei loua TOUPA maa hihkhialmi adingin siampuin lemna a bawl ding hi; huchiin ngaihdam ahi ding,
29Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo.
29Thei loua hihkhialmi adin, Israel suante, huai gama piangte adin leh nam dangmi na lak ua omte dingin leng dan khat na neih ding uh ahi.
30Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
30Himahleh a kisaktheih jiaka hih ahihleh, huai gama piang hiam, nam dang hiam leng hileh TOUPA gensia ahi a: huai mi a chipihte laka kipan satkhiak ding ahi.
31Nekuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake. Munhu akadarika murayiro wesabata anourawa
31TOUPA thu a musita, a thupiak a bohsiat jiakin, huai mi satkhiak geih mai ding ahi, a thulimlouhna moh aman a po ding, chiin, chiin.
32Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achiunganidza tsotso nomusi wesabata.
32Israel suante gamdaia a om lai un mi khat khawlnia singpua a mu ua,
33Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mozisi naAroni, nokuungano yose.
33A singpuak mumiten Mosi leh Aron leh mipite kiangah a pi uh.
34Vakamuisa mutirongo, nekuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa.
34Bangchia hih ding ahia chih genkhiak nailouh ahih jiakin tanna in ah a khum uh.
35Jehovha akati kuna Mozisi, Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.
35Huan, TOUPAN Mosi kiangah, Huai mi hihlup ngeingei ding ahi, dainawl ah mipi tengtengin suanga a den ding uh ahi, a chi hi.
36Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.
36Huchiin TOUPAN Mosi thu a piak bangin mipi tengtengin dainawl ah a pi ua, suangin a denglumta uhi.
37Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,
37Huan, TOUPAN Mosi a houpiha,
38Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguvo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema.
38Israel suante kiangah, a suante uh tanpha a a puan mong ua a gei bawl ding leh, a mong teng geia a dum khak dingin chiin:
39Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda komoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu;
39Huai a mong na et ua, TOUPA thupiak tengteng na theihgige ua na zuihna ding un leh; kijuaka na om jel bang ua na lungtang uh deih leh na mit uh la lampeuh deiha na om louhna ding un:
40kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu.
40Ka thupiak tengteng na theihgige ua na zuih ua, na Pathian ua dinga na siangthou theihna ding un ahi.Na Pathian uh hi dinga Aigupta gam akipan nou honpikhepa TOUPA na pathian uh ka hi. Kei TOUPA na pathian uh ka hi, chiin.
41Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.
41Na Pathian uh hi dinga Aigupta gam akipan nou honpikhepa TOUPA na pathian uh ka hi. Kei TOUPA na pathian uh ka hi, chiin.