Shona

Paite

Psalms

89

1Ndichaimba ndichireva tsitsi dzaJehovha nokusingaperi; Ndichaparidza nomuromo wangu kutendeka kwenyu kumarudzi namarudzi.
1TOUPA chitna thute tuh khantawnin lain ka sa dinga: ka kamin na ginomdan suan tengteng tanin ka theisak ding.
2nekuti ndakati: Tsitsi dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
2Chitna tuh khantawn adingin leptouhin a om dinga; na ginomna tuh vante ah ngei na hihkip ding, ka chita ahi.
3Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, Ndakapika kumuranda wangu Dhavhidhi, ndichiti,
3Ka mitel kiangah thu ka khunga, ka sikha David kiangah ka kichiamta a;
4Ndichamisa vana vako nokusingaperi, Nokuvaka chigaro chako choushe kusvikira kumarudzi namarudzi.
4Na suante khantawn adingin ka hihkip dinga, na laltutphah leng suan tengteng taninka lemtou ding, chiin. Selah.
5Kudenga-denga kucharumbidza zvishamiso zvenyu, Jehovha; Nokutendeka kwenyuwo paungano yavatsvene.
5TOUPA aw, vanten na thillamdang hih a phat ding uh; mi siangthoute kikhopna ah na ginomna leng a phat ding uhi.
6Nekuti ndianiko mudenga rose angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko pakati pavanakomana vaMwari akafanana naJehovha?
6Tung vandumte ah TOUPA toh kiteh thei ding kua a oma? Mi thilhihhhteitak tate laka TOUPA bang.
7Iye Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene, Anofanira kutyiwa kupfuura vose vanomupoteredza.
7Mi siangthoute kihou khawmna ah Pathian kihtakhuai tak, a kim khawnga mi tengteng sanga kihtakpen ding, kua ahia?
8Haiwa, Jehovha, Mwari wehondo, Ndianiko ane simba, akafanana nemi, Jehovha? Kutendeka kwenyu kunokukomberedzai.
8TOUPA sepaihte Pathian aw, A aw, nang banga mi hat kua a oma? Na ginomna na kimah a om ngala.
9Ndimi munobata kuzvikudza kwegungwa; Kana mafungu aro achisimuka, ndimi munowanyaradza.
9Nang tuipi kisaktheihna vai na hawma: a tuikihawt kisep laite uh na hihdai hi.
10Makaputsanya Rahabhi, somunhu akaurawa; Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
10Nang Rahab gal thah bangin na hihkham dimdema; nangmah galte tuh na ban tha hatin na keksakta hi.
11Kudenga-denga ndokwenyu, napasi ndopenyuwo; Nyika nezvose zvayo, ndimi makazviteya.
11Vante nangmaha ahi a, lei leng nangmaha ahi: khovel leh a sunga omteng nangmah muhkhiak ahi.
12Kumusoro nenyasi, ndimi makazvisika; Tabhori neHerimoni anofara nezita renyu.
12Sim leh mal nangmah siam ahia: Tabor leh Hermon na min jiak in a nuam hi.
13Munoruoko rune simba; Chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
13Nang ban thilhihtheitak na neia: na khut a hata, na khut taklam tuh pahtawiin a om hi.
14Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; tsitsi nechokwadi zvinokutungamirirai.
14Diktatna leh vaihawmna dik tuh na laltutphah kingakna ahi a: chitna leh thutak tuh n amaah a pai hi.
15Vakaropafadzwa vanhu vanoziva inzwi romufaro; Vanofamba, Jehovha, muchiedza chechiso chenyu.
15Husa kipahhuai ja, namten nuam a sa ua: TOUPA aw, amau tuh na mel vakah a vak uhi.
16Vanofara muzita renyu zuva rose; Vanosimudzwa nokururama kwenyu.
16Na min jiakin nitumin a nuam ua, diktatna jiakin pahtawiin a om uhi.
17Nekuti imwi muri kubwinya kwesimba ravo; Runyanga rwedu ruchasimudzwa netsitsi dzenyu.
17Nang ahatna uh thupina na ahi ngala: na deihsakna jiakin ka ki uh pahtawiin a om ding.
18Nekuti nhovo yedu ndeyaJehovha; Namambo wedu ndowoMutsvene waIsiraeri.
18Ka phaw uh TOUPA a ahi ngala: ka kumpipa uh Israelte Mi Siangthou ahi.
19Panguva iyo makataura navatsvene venyu pakuzviratidza kwenyu, Mukati, Ndakabatsira mhare; Ndakasimudza mumwe wakasanangurwa pakati pavanhu.
19Huai laiin na mi siangthoute kiangah kilaknain thu na gena, mi hattak khat tungah panpihna ka ngaa; mi khat mite laka tel khiak ka pahtawita hi, chiin.
20Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; Ndakamuzodza namafuta angu matsvene;
20Ka sikha David tuh ka mukheta a; ka thau siangthouin amah ka nilhtaa:
21Chanza changu chichasimbiswa naye; Ruoko rwanguvo ruchamusimbisa.
21Ka khut a kiangah hihkipin a om dinga; ka banin amah a hihhat dinga; ka banin amah a hihat ding hi.
22Muvengi haangamumanikidzi; Mwanakomana wezvakaipa haangamutambudzi.
22Melmain a lakah a phut kei ding; thulimlouhna tain leng a hihgim kei ding hi.
23Ndichaparadza vadzivisi vake pamberi pake, Ndicharova vanomuvenga.
23Amah galte a maah ka sat puk dinga, amah hote ka bawl ek ding.
24Asi kutendeka kwangu netsitsi dzangu zvichava naye; Runyanga rwake ruchasimudzwa nezita rangu.
24Amah kiangah bel ka ginomna leh ka chitna a om ding hi; ka min jiakin a ki tuh pahtawiin a om ding hi.
25Ndichaisawo ruoko rwake pamusoro pegungwa, Noruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.
25A khut tuh tuipi-ah ka nga sak dinga, a khut taklam tuh luipite ah.
26Iye achadana kwandiri, achiti, Ndimi baba vangu, Mwari wangu, nedombo rokuponeswa kwangu.
26Aman, Nang ka Pa, ka Pathian, ka kihotdamna suangpi na hi, chiin, honsam ding.
27Ndichamuitawo dangwe rangu, Mukuru wamadzimambo apasi.
27Huan, ken amah tuh ta masain ka siam dinga, leia kumpipate lakah tungnungpenin ka bawl ding hi.
28Ndichamuchengetera tsitsi dzangu nokusingaperi, Sungano yangu icharamba yakasimba kwaari.
28Ka chitna tuh khantawnin amah adingin ka kep hoih sak dinga, ka thukhun tuh a kiangah a om kip ding hi.
29Vana vake ndichavagarisawo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana namazuva okudenga.
29A chi suante tuh khantawnin ka omsak dinga, a laltutphah van om lai siahin ka omsak ding hi.
30Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, Vakasafamba nezvandakatonga;
30A taten ka dan a lehngatsan ua, ka vaihawmnate banga a om louh ua.
31Kana vakazvidza zvandakatema, Vakasachengeta mirau yangu;
31Ka thuseh a tatlekna a neih ua, ka thupiakte a kep hoih kei uleh.
32Ipapo ndichavaranga neshamhu pamusoro pokudarika kwavo, Uye nokurova pamusoro pokuipa kwavo.
32A tatleknate uh chiangin ka hongkan dinga, a thulimlouhnate uh jepin ka hongkan ding hi.
33Asi handingamutoreri unyoro hwangu chose, Kana kutendera kutendeka kwangu kuitiswa nhema.
33Himahleh, ka chitna tuin a kiang akipan ka laksak vek kei dinga, ka ginomna tuh juau a suak din leng ka phal sam kei ding.
34Sungano yangu handingaizvidzi, Kana kushandura chinhu chakabuda pamuromo wangu.
34Ka thukhun ka suse kei dinga, ka muka thupawt leng ka hihlamdang sam kei ding hi.
35Ndakapika kamwe chete neutsvene hwangu; Handingarevi nhema kuna Dhavhidhi;
35Khatvei ka siangthouna louin ka kichiama, David kiangah juau ka gen kei ding;
36Vana vake vachavapo nokusingaperi, Chigaro chake choushe chichafanana nezuva pamberi pangu.
36A chi suante tuh khantawnin a om ding ua, a laltutphah ka maah ni bangin a om ding hi.
37Chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, Sechapupu chakatendeka chiri kudenga.
37Kha bangin khantawn adingin hihkipin a om dinga, van duma theihpih ginom bangin, a chi a, Selah.
38Asi imwi makarasha nokuramba, Makatsamwira muzodzwa wenyu.
38Himahleh nang na khahkhiain na deih keia, na thau nilhpa tungah na hehta ahi,
39Makasema sungano yomuranda wenyu; Makazvidza korona yake mukaikandira pasi.
39Na sikha thukhun tuh na kiha: a lallukhu leia pai khe hialin na hihniamta hi.
40Makaputsa madziro ake ose; Makaita nhare dzake matongo.
40A huang tengteng na hihpuka; a kulh pite na hihse ta hi.
41Vose vanopfuura nenzira vanopamba nhumbi dzake; Wava chinhu chinosekwa navaanogara navo.
41Lampi a pai peuhmahin a thil a laksak jel uh.
42Makasimudza ruoko rworudyi rwavadzivisi vake; Makafadza vavengi vake vose.
42Amah doute khut taklam tuh na pahtawia; a melma tengteng na hihnuamsata hi,
43Zvirokwazvo, munodzosa munondo wake unopinza, Hamuna kumusimbisa pakurwa.
43Ahi, a namsau ma tuh na beng peka, amah tuh kisualna ah na ding kip sakta kei hi.
44Makagumisa kubwinya kwake, Makawisira pasi chigaro chake choushe.
44A vakna tuh na hihtawp saka, a laltutphah leiah na pai kheta hi.
45Makatapudza mazuva ohujaya hwake; Makamufukidza nokunyara.
45A tangvallai nite uh na hihtom saka; amah tuh zahlaknain na khuhta ngala. Selah.
46Jehovha, muchazvivanza nokusingaperi kusvikira rinhiko? Kutsamwa kwenyu kuchapisa somoto kusvikira rinhiko?
46TOUPA aw, bangtan ahia na buk nilouh ding? Bangtan ahia na hehna tuh mei banga a kuan ding?
47Haiwa, rangarirai kuti nguva yangu ipfupi kwazvo; Kuti makasikira vana vavanhu vose zvinhu zvisina maturo kwazvo!
47Aw, ka hun a tom dingdan theigige inla; mihing tate tengteng siam gina kei natel chia!
48Ndoupiko munhu angararama akasaona kufa, Angarwira mweya wake pasimba reSheori here?
48Kua mi ahia sih ni mel mulou ahinga, Sheol khut akipana a hinna humbit ding? Selah.
49Ishe, unyoro bwenyu hwakare huripiko, Hwamakapika kuna Dhavhidhi nokutendeka kwenyu here?
49TOUPA, nidanglaia na hehpihna, na ginomna David kianga kichiama na chiam, koia om a hita a?
50Rangarirai, Ishe, kushorwa kwavaranda venyu; Kuti ndinotakura muchipfuva changu kushora kwavanhu vazhinji;
50TOUPA, na sikhate a gensiatnauh theigige in; nam hat takte tengteng gensiatna ka angsunga ka thuak jeldan.
51Uko kwakashora vavengi venyu nako, Jehovha, Kwavakashora nako makwara omuzodzwa wenyu.
51TOUPA aw, nang hondoute gensiatna, na thaunilhpa khapte gensiatna mah,TOUPA tuh khantawnin phatin om hen. Amen, Amen.
52Jehovha ngaavongwe nokusingaperi. Ameni, zvirokwazvo, Ameni.
52TOUPA tuh khantawnin phatin om hen. Amen, Amen.