Shona

Paite

Revelation

13

1Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa ndikaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi; nepamusoro penyanga dzacho, korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.
1Huan tuipa piaunel tunga dingin, tuipa akipan gamsa khat, ki sawm leh lu sagih neia, a a kite tunga lallukhu sawm nei, a lu tungtea Pathian gensiatna om, hong paikhe tou tuh ka muta hi.
2Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba; zibukanana rikachipa simba raro, nechigaro charo cheushe, nesimba guru.
2Huan ka gamsa muh tuh gialbem a banga, a khe tuh vompi khe a banga, huan a kam tuh humpinelkai kam a banga: huan dragonin a thuneihna thupi leh a laltutphah leh a thilhihtheihna amah a peta hi.
3Zvino ndakazoona umwe wemisoro yacho wakange wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga raifanira kuuraya rakange rapora; nyika yose ikashamisika ichitevera chikara.
3Huan a lute laka khat tuh sihpih khop hial dia liam hileh kilawm in ka mu a; huan sihpih khop hial dia liam tuh hihdamin a omta a; huan leitung pumpiin huai gamsa tuh lamdang a sa ua, a jui uhi;
4Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara; vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kuita hondo nacho?
4huan dragon tuh a beta ua, gamsa kianga a thuneihna a piak jiakin; huchiin gamsa tuh a beta ua. Gamsa toh kibang kua ahia? Huan amah kidou pih thei kua ahia? chiin.
5Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwa kwachiri simba kuti chizviite mwedzi makumi mana nemiviri.
5Huan amah kiangah tuh thil thupite leh Pathian gensiatnate genna ding kam piakin a omta a; huan amah kiangah thuneihna piakin a oma, kha sawmli leh kha nih gamtang jel dingin.
6Ndokubva chashamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake netende rake naivo vanogara kudenga.
6Pathian gensiatna ding, a min gense ding leh a omna, huai vana tengte ngei gensiain akamkata hi.
7Zvino kwakapiwa kwachiri kuti chiite hondo nevatsvene, nekuvakunda; simba rikapiwawo kwachiri pamusoro perudzi rwose nerurimi nerudzi.
7Huan misiangthoute kidou pih ding leh amau zou dingin amah kiangah tuh phalna piakin a omta a: huan chi tengteng leh mite leh paute leh namte tunga thuneihna a kiangah piakin a omta hi.
8Uye vose vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakuvambwa kwenyika.
8Huan leitunga teng tengtengin amah a be ding ua, khovel om tunga kipata belamnou thahsa hinna laibua a min ua gelh louha om tengtengin.
9Kana munhu ane nzeve, ngaanzwe.
9Kuapeuh bil neiin, ja hen:
10Kana munhu achitapa, unoenda muutapwa, unouraya nemunondo unofanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.
10Kuapeuh sal pi tuh sala piin a om ding; kuapeuh namsaua that tuh namsaua thahin a om ding. Hiaiah misiangthoute kuhkalna leh ginna neidinga chialna a om hi.
11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira chichibva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, chikataura sezibukanana.
11Huan gamsa ding leitunga kipata hongpawt khe tou ka muta a; huan belamnou bangin ki nih a neia, dragon bangin thu a gen hi.
12Uye chakashandisa simba rose rechikara chekutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.
12Huan gamsa masapen thuneihna tengteng a mitmuhin a nei a. Huan leitung leh a sunga teng tengteng tuh gamsa masapen si khop hial dia liama hihdama om tuh be dingin a bawl hi.
13Chinoita zvishamiso zvikuru, zvekuti chinoburusira moto kubva kudenga panyika pamberi pevanhu.
13Huan mite mitmuhin van akipanin leitung mei bang ke suk thei khop dingin thillamdang pipi a hiha.
14Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezvishamiso zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kune vanogara panyika kuti vaitire mufananaidzo chikara chakange chine vanga remunondo chikararama.
14Huan gamsa mitmuha thillamdang hihtheihna piaka a omnain aman tuh leitunga tengte a khemta a; huai gamsa temsaua sat liam leh dam nawn lim bawl dingin amau, huai leia tengte a hilhta hi.
15Chikapiwa simba kuti chipe mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.
15Huan gamsa lim tuh a pau theihna ding leh, gamsa lim be nuam lou tengteng leng a thah sak theina dingin gamsa lim kiangah tuh nakna piak ahi.
16Chinokonzera vose, zvose vaduku nevakuru, vafumi nevarombo, vakasununguka nevakasungwa, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,
16Huan mi tengteng, a lian a neu, a jawng a pha, sikha leh sikha lou, a khut taklam uah hiam, a tal uah hiam chiamtehna tuh piakin a om sak chiata;
17uye kuti kusava neunogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye une mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.
17Huchia kuamahin huai chiamtehna hiam, gamsa min ngei hiam, a hih keileh a nambat hiam a neih keileh lei theilou, juak theilou a a omna dingin.Hiai ah pilna a kilang, kuapeuh theihsiamna neiin, gamsa nambat sim hen; mihing nambat ahi ngala; huan a nambat tuh zaguk leh sawmguk leh guk ahi.
18Hehwuno uchenjeri. Unonzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nekuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.
18Hiai ah pilna a kilang, kuapeuh theihsiamna neiin, gamsa nambat sim hen; mihing nambat ahi ngala; huan a nambat tuh zaguk leh sawmguk leh guk ahi.