Shona

Persian

1 Kings

10

1Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.
1 ملکهٔ سبا از شهرت سلیمان پادشاه باخبر شد و به اورشلیم سفر کرد تا با پرسش‌های دشوار، او را بیازماید.
2Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuhwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumoyo make.
2 ملکهٔ سبا با گروه بزرگی از همراهان و همچنین شترهایی با بار ادویه، جواهرات و مقدار زیادی طلا به اورشلیم آمد و هنگامی‌ که به نزد سلیمان آمد، هر آنچه در اندیشهٔ او بود با وی در میان نهاد.
3Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.
3 سلیمان به همهٔ پرسش‌های وی پاسخ داد. هیچ چیز از پادشاه پوشیده نبود که نتواند پاسخ دهد.
4Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka,
4 ملکهٔ سبا هنگامی‌که دانش سلیمان و کاخی را که ساخته بود،
5nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
5 خوراکهای سفره او، محل سکونت مقامات، سازماندهی درباریان کاخ و لباسهایشان، خدمتکارانی که در هنگام جشن او خدمت می‌کردند و قربانی‌هایی را که در معبد بزرگ تقدیم می‌کرد دید، شگفت‌زده شد.
6Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri rechokwadi.
6 او به سلیمان پادشاه گفت: «هرآنچه در سرزمین خود در مورد کارهای شما و دانش شما شنیده بودم، درست بود،
7Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
7 امّا تا من با چشمهای خود ندیدم، گزارشها را باور نداشتم؛ امّا من حتّی نیمی از آن را هم نشنیده بودم. دانش و ثروت شما بیش از آن است که به من گفته بودند.
8Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
8 خوشا به حال همسران شما! خوشا به حال خدمتگزاران شما که همیشه با شما هستند و خردمندی شما را می‌شنوند!
9Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.
9 خداوند خدای شما را ستایش می‌کنم که از تو خشنود بود و تو را بر تخت سلطنت اسرائیل نشانید و چون محبّت خدا نسبت به قوم اسرائیل ابدی است، تو را بر آنان پادشاه ساخت تا با عدل و انصاف بر آنها سلطنت نمایی.»
10Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuhwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.
10 ملکهٔ سبا هدایای خود را به سلیمان پادشاه تقدیم کرد، آنها عبارت بودند از: معادل پنج تُن طلا و سنگهای گرانبها و مقدار زیادی ادویه به اندازه‌ای که او هرگز دریافت نکرده بود.
11Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri.
11 (ناوگان حیرام نیز از سرزمین اوفیر طلا و جواهرات و مقدار زیادی چوب صندل آورد
12Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeramwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.
12 و پادشاه برای ستونهای معبد بزرگ، کاخ شاهی و ساختن چنگ و بربطِ نوازندگان از همان چوب صندل استفاده کرد و به آن اندازه چوب صندل تا آن روز در آنجا دیده نشده بود.)
13Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvefuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
13 سلیمان پادشاه، هرآنچه ملکهٔ سبا خواسته بود به او داد، به اضافهٔ هدایای که سلیمان با سخاوتمندی به او بخشید. آنگاه ملکهٔ سبا و همراهانش به سرزمین خود بازگشتند.
14Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
14 سلیمان پادشاه هرسال بیست و سه تن طلا دریافت می‌کرد.
15vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi vezvirungiso, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavhengana, nokuvabati venyika.
15 به اضافهٔ مالیاتی که توسط بازرگانان پرداخت می‌شد و سود معامله‌ها و خراجی که توسط پادشاهان عرب و فرمانداران بخش‌های اسرائیل پرداخت می‌شد.
16Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakapinda mashekeri ana mazana matatu endarama;
16 سلیمان دویست سپر بزرگ که با حدود هفت کیلو طلا روکش شده بود ساخت.
17akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa, ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
17 او همچنین سیصد سپر کوچكتر که با حدود دو کیلو طلا روکش شده بودند، ساخت و آنها را در تالار جنگل لبنان گذاشت.
18Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
18 او تخت با شکوهی از عاج ساخت و آن را با طلای ناب روکش کرد.
19Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakange wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro.
19 این تخت شش پلّه داشت و در پشت تخت مجسمه سر گوساله‌ای قرار داشت و در دو طرف تخت دسته‌ای بود که در کنار آنها دو مجسمهٔ شیر بود.
20Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe.
20 در دو طرف هریک از شش پلّه دو مجسمهٔ شیر ایستاده بودند. هرگز چنین تختی در هیچ سرزمینی ساخته نشده بود.
21Mikombe yose yokumwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
21 همهٔ جامهای نوشیدنی سلیمان از طلا بود و همهٔ ظروف تالار جنگل لبنان از طلای خالص بود و از نقره استفاده نشده بود، زیرا در زمان سلیمان با ارزش محسوب نمی‌شد.
22nekuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera.
22 سلیمان ناوگانی از کشتیهای اقیانوس‌پیما داشت که با کشتیهای حیرام حرکت می‌کردند. هر سه سال یک‌بار ناوگان او بازمی‌گشت و طلا، نقره، عاج، میمون و طاووس می‌آوردند.
23Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
23 سلیمان پادشاه، ثروتمندتر و دانشمندتر از همهٔ پادشاهان بود
24Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumoyo make.
24 و تمام مردم جهان خواستار آمدن و شنیدن دانش خدادادی او بودند.
25Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguvo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
25 همهٔ بازدید کنندگان هرسال برای او هدایایی مانند ظروف طلا و نقره، پارچه، اسلحه، ادویه، اسب و قاطر می‌آوردند.
26Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakange ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
26 سلیمان نیرویی شامل هزار و چهارصد ارّابه و دوازده هزار اسب داشت. تعدادی از آنها را در اورشلیم و بقیّه را در شهرهای دیگر مستقر کرده بود.
27Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semivonde yaiva pamapani.
27 در زمان پادشاهی سلیمان، نقره در اورشلیم مانند سنگ و چوب سرو مانند چنار دشتهای غربی فراوان بود.
28Mabhiza aSoromoni aakatenga akapinza munyika aibva Egipita, vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro.
28 مأموران سلیمان اسب را از مصر و قیلیقیه وارد می‌کردند. آنها ارّابه‌ها را از مصر به قیمت ششصد تکه نقره و هر اسب را به قیمت صد و پنجاه تکه به پادشاهان سوریه و حِتّی می‌فروختند.
29Ngoro imwe neimwe yaibva Egipita, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.
29 آنها ارّابه‌ها را از مصر به قیمت ششصد تکه نقره و هر اسب را به قیمت صد و پنجاه تکه به پادشاهان سوریه و حِتّی می‌فروختند.