1Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, richiti,
1
کلام خداوند بر ییهُو، پسر حنانی علیه بعشا آمد که فرمود:
2Ndakakukudza ndikakubvisa paguruva, ndikakuita mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri; asi wakafamba nenzira yaJerobhoamu, wakatadzisa vanhu vangu vaIsiraeri, vakamutsa shungu dzangu nezvivi zvavo.
2
«چون من تو را از خاک برداشتم و رهبر مردم اسرائیل کردم و تو در راه یربعام گام برداشتی و قوم من اسرائیل را به گناه کشاندی، گناه ایشان مرا خشمگین کرده است.
3Tarira, ndichabvisa Bhaasha neimba yake chose; ndichaita imba yako sezvandakaita imba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati.
3
پس من همانگونه که با خاندان یربعام رفتار نمودم با تو و خاندان تو هم رفتار خواهم کرد.
4Ani nani weimba yaBhaasha unofira muguta, uchadyiwa nembwa; ani nani unofira kusango, uchadyiwa neshiri dzokudenga.
4
هرکس از خاندان تو در شهر بمیرد، سگها وی را خواهند خورد و آنانی که در بیابان بمیرند، طعمهٔ لاشخورها خواهند شد.»
5Mamwe mabasa aBhaasha, nezvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo alsiraeri?
5
بقیّهٔ کارهای بعشا و شجاعتهای او در کتاب تاریخ پادشاهان اسرائیل نوشته شده است.
6Bhaasha akavata namadzibaba ake, akavigwa paTiriza, Era mwanakomana wake, akamutevera paushe.
6
بعشا درگذشت و در شهر ترصه به خاک سپرده شد و پسرش، ایله جانشین او شد.
7Shoko raJehovha rikauyawo nomuromo womuporofita Jehu mwanakomana waHanani, pamusoro paBhaasha, napamusoro peimba yake, nokuda kwezvakaipa zvose zvaakaita pamberi paJehovha, akamutsa shungu dzake pamusoro pamabasa amaoko ake, akanga akafanana neeimba yaJerobhoamu, uye nekuti wakange amuparadza.
7
به سبب گناه بعشا علیه خداوند، پیام خداوند به ییهوی نبی، پسر حنانی علیه بعشا آمد. او خشم خداوند را برانگیخت نه تنها به دلیل کارهای پلید خود، که مانند یربعام پادشاه رفتار کرد و بلکه همچنین بهخاطر کشتار همهٔ خاندان یربعام.
8Negore ramakumi maviri namatanhatu raAsa mambo waJudha, Era mwanakomana waBhaasha, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paTiriza, akabata makore maviri.
8
در سال بیست و ششم پادشاهی آسا بر یهودا، ایله، پسر بعشا در ترصه پادشاه اسرائیل شد و دو سال سلطنت کرد.
9Ipapo muranda wake Zimiri, mukuru wehafu yengoro dzake, akamumukira, zvino iye wakange ari paTiriza, achimwa achibatwa mumba maAriza mutariri weimba yake paTiriza.
9
زَمرِی، یکی از افسران او که فرماندهٔ نیمی از ارّابههای پادشاه بود، علیه پادشاه توطئه چید. روزی ایله در ترصه، در خانهٔ ارصا که مسئول کاخ بود، مست شد.
10Zimiri akapinda, akamubaya, akamuuraya negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, akamutevera paushe.
10
زمری وارد خانه شد، ایله را زد و کشت و جانشین پادشاه گردید. این واقعه در بیست و هفتمین سال سلطنت آسا، پادشاه یهودا رخ داد.
11Zvino pakutanga kwake kubata ushe, achangogara pachigaro chake choushe, akauraya vose veimba yaBhaasha; haana kumusiira mwana mumwe womukomana, kana mumwe wehama dzake, kana mumwe weshamwari dzake.
11
به محض اینکه زمری پادشاه شد، همهٔ اعضای خانوادهٔ بعشا را کُشت و همهٔ مردان خویشاوند و دوستان او را نیز کشت.
12Naizvozvo Zimiri wakaparadza imba yose yaBhaasha, sezvakanga zvarehwa naJehovha, shoko iro raakataura pamusoro paBhaasha nomuporofita Jehu,
12
به این ترتیب، زمری تمام خاندان بعشا را طبق کلام خداوند که به ییهوی نبی فرموده بود هلاک کرد،
13nokuda kwezvivi zvose zvaBhaasha, nezvivi zvaEra mwanakomana wake, zvavakaita, nezvavakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri, nezvinhu zvavo zvisina maturo.
13
زیرا بعشا و پسرش، ایله بتپرستی کردند و اسرائیل را به گناه کشیدند و خشم خداوند خدای اسرائیل را برانگیختند.
14Mamwe mabasa aEra, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
14
بقیّهٔ رویدادهای سلطنت ایله در کتاب تاریخ پادشاهان اسرائیل نوشته شده است.
15Negore ramakumi maviri namanomwe raAsa mambo waJudha, Zimiri akabata ushe paTiriza mazuva manomwe. Zvino vanhu vakanga vari kumisasa, vachida kurwa navaGibhetoni raiva ravaFirisitia.
15
زمری در بیست و هفتمین سال سلطنت آسا، پادشاه یهودا، در ترصه پادشاه اسرائیل شد و هفت روز حکومت کرد. در این هنگام سپاه اسرائیل شهر جبتون را در فلسطین محاصره کرده بود.
16Zvino vanhu, vakanga vari kumisasa, vakanzwa, zvichinzi, Zimiri wamukira mambo akamuuraya; naizvozvo vaIsiraeri vose, vakanga vari kumisasa, vakagadza Omiri, mukuru wehondo, ave mambo waIsiraeri zuva iro.
16
هنگامیکه آنها شنیدند که زمری توطئه کرده و پادشاه را کشته است در همانجا فرماندهٔ خود عُمرِی را به پادشاهی اسرائیل برگزیدند.
17Ipapo Omiri akabva paGibhetoni, akaenda navaIsiraeri vose kuzokomba Tiriza.
17
عُمری با سپاه اسرائیل از جبتون به ترصه رفت و آن را محاصره کرد.
18Zvino Zimiri wakati achiona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamusoro pake, akafa;
18
هنگامیکه زمری دید که شهر تسخیر شده است. به قلعهٔ داخلی کاخ رفت و کاخ را به آتش کشید و در میان آتش مرد.
19nokuda kwezvivi zvake pakuita kwake zvakaipa pamberi paJehovha, achifamba nenzira yaJerobhoamu, nomuzvivi zvake zvaakaita, achitadzisa Isiraeri nazvo.
19
این رویداد بهخاطر گناه او علیه خداوند بود. او نیز مانند یربعام با گناهان خود و به گناه کشاندن قوم اسرائیل، خداوند را ناراحت کرد.
20Mamwe mabasa aZimiri, nokumukira kwake mambo, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
20
بقیّهٔ رویدادهای سلطنت زمری و توطئه او در کتاب تاریخ پادشاهان اسرائیل نوشته شده است.
21Zvino vanhu vaIsiraeri vakaparadzana, vakaita mapoka maviri; vamwe vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati, vachida kumuita mambo wavo, asi vamwe vakatevera Omiri.
21
میان مردم اسرائیل دوگانگی افتاد گروهی خواستار پادشاهی تِبنی، پسر جِینَت شدند و گروه دیگر از عُمری پیروی کردند.
22Asi vanhu, vakatevera Omiri, vakakunda vanhu vakatevera Tibhini mwanakomana waGinati; naizvozvo Tibhini akafa, Omiri akabata ushe.
22
امّا گروهی که طرفدار عُمری بودند بر مردمی که طرفدار تبنی، پسر جینت بودند، چیره گشتند. پس تبنی درگذشت و عمری پادشاه شد.
23Negore ramakumi matatu nerimwe raAsa mambo waJudha, Omiri akatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akabata makore anegumi namaviri; akabata ushe paTiriza makore matanhatu.
23
عُمری در سال سی و یکم سلطنت آسا، پادشاه یهودا، پادشاه شد و دوازده سال که شش سال آن در ترصه بود، پادشاهی کرد.
24Akatenga gomo reSamaria kuna Shemeri namatarenda maviri esirivha, akavaka pagomo, akatumidza zita reguta raakavaka Samaria, achitevedzera zita raShemeri, mwene wegomo.
24
عُمری تپّهٔ سامره را از شخصی به نام سامر به هفتاد کیلو نقره خرید و روی آن شهری ساخت و آن را به نام صاحبش، سامره نامید.
25Asi Omiri wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, akapfuura vose vakamutangira pakuita zvakaipa.
25
عُمری بیش از پیشینیان خود علیه خداوند گناه ورزید.
26Nekuti wakafamba nenzira yose yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, nomuzvivi zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, vakamutsa shungu dzaJehovha Mwari waIsiraeri nezvinhu zvavo zvakanga zvisina maturo.
26
در راه یربعام، پسر نباط گام برداشت و با گناه خود اسرائیل را به گناه کشید و با بُتهای خود خشم خداوند خدای اسرائیل را برانگیخت.
27Mamwe mabasa aOmiri, aakaita, nesimba rakaonekwa kwaari, hazvina kunyo rwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
27
بازماندهٔ رویدادهای پادشاهی عُمری و کارهای او در کتاب تاریخ پادشاهان اسرائیل نوشته شده است.
28Naizvozvo Omiri akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria, Ahabhi mwanakomana wake, akamutevera paushe.
28
عُمری در گذشت و در سامره به خاک سپرده شد و پسرش اخاب جانشین او گشت.
29Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJudha, Ahabhi mwanakomana waOmiri wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, Ahabhi mwanakomana waOmiri akabata ushe hwaIsiraeri paSamaria makore makumi maviri namaviri.
29
اخاب پسر عُمری در سال سی و هشتم سلطنت آسا، پادشاه یهودا، پادشاه اسرائیل شد و بیست و دو سال در سامره سلطنت کرد.
30Ahabhi mwanakomana waOmiri akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akakunda vose vakamutangira.
30
او بیش از پیشینیان خود علیه خداوند گناه ورزید.
31Chakanga chiri chinhu chiduku hacho kwaari kufamba muzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, asi wakawana Izebheri mukunda waEtibhaari, mambo wavaZidhoni, akandoshumira Bhaari, akanamata kwaari.
31
گویا گام برداشتن در راه گناهآلود یربعام، پسر نباط برایش کافی نبود که با ایزابل دختر اَتبَعل، پادشاه صیدون هم ازدواج کرد و بت بعل را خدمت و پرستش نمود.
32Akavakira Bhaari aritari muimba yaBhaari, yaakavaka paSamaria.
32
او پرستشگاه و قربانگاهی برای بعل در سامره ساخت.
33Ahabhi akaitawo matanda okunamata nawo, Ahabhi akawedzera kumutsa shungu dzaJehovha Mwari waI siraeri, kupfuura madzimambo ose akamutangira.
33
همچنین او الههٔ اشره را ساخت. او بیش از پادشاهان پیشین گناه کرد و خشم خداوند خدای اسرائیل را برانگیخت.
در زمان اخاب، مردی از بیتئیل به نام حیئیل شهر اریحا را بازسای کرد. همانطور که خداوند به وسیلهٔ یوشع پسر نون گفته بود، پایههای شهر را به قیمت جان پسر اولش ابیرام بنا نهاد و دروازهٔ شهر را به قیمت جان سُجُوب، کوچکترین فرزندش بنا کرد.
34Pamazuva ake Hieri muBheteri akavaka Jeriko; akafirwa nedangwe rake, Abhiramu, nguva yakaronga nheyo dzaro, uye akafirwa nomwanakomana wake worugotwe, Segubhi, panguva yaakamisa musuwo; sezvazvakarehwa naJehovha nomuromo waJoshua mwanakomana waNuni.
34
در زمان اخاب، مردی از بیتئیل به نام حیئیل شهر اریحا را بازسای کرد. همانطور که خداوند به وسیلهٔ یوشع پسر نون گفته بود، پایههای شهر را به قیمت جان پسر اولش ابیرام بنا نهاد و دروازهٔ شهر را به قیمت جان سُجُوب، کوچکترین فرزندش بنا کرد.