Shona

Persian

1 Samuel

25

1Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani.
1 بعد از مدّتی سموئیل درگذشت و تمام قوم اسرائیل برای مراسم عزاداری جمع شدند. سپس او را در آرامگاه خانوادگی‌اش در رامه به خاک سپردند. سپس داوود به صحرای فاران رفت.
2Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nefuma yake paKarimeri; munhu uyu wakange ari mukuru kwazvo, wakange ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakange achiveura makwai ake paKarimeri.
2 در آنجا شخص ثروتمندی از خاندان کالیب در معون زندگی می‌کرد که دارای املاکی در کرمل بود. او سه هزار گوسفند و یک‌هزار بُز داشت. او در وقت پشم‌چینی در کرمل بود.
3Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakange akangwara, uye wakange akanaka kumeso; asi murume wakange ano moyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi.
3 نام او نابال بود و زنش ابیجایل نام داشت که زنی زیبا و دانا بود، ولی نابال مردی سنگدل و بد اخلاق بود. نابال در کرمل مشغول پشم‌چینی گوسفندانش بود.
4Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakange achiveura makwai ake.
4 در بیابان به داوود خبر دادند که نابال پشم گوسفندان خود را می‌چیند.
5Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu.
5 پس داوود ده‌ها نفر از جوانان همراه خود را به کرمل پیش او فرستاد
6Mugoti kuna iye agere pakati pefuma yake, Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo.
6 و گفت: «سلام مرا به او برسانید و بگویید: خداوند تو و خانواده‌ات را سلامت بدارد و اموالت را برکت دهد.
7Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri.
7 شنیدم که در آنجا برای پشم چینی آمده‌ای. زمانی که چوپانهایت در اینجا بودند ما به آنها آزاری نرساندیم و تا وقتی‌که در کرمل بودند هیچ چیزشان گُم نشد.
8Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nekuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.
8 از خادمانت بپرس و آنها به تو خواهند گفت. اینک تقاضا دارم به فرستادگان من احسان کنی، زیرا امروز روز عید است. پس هر چیزی می‌توانی به غلامانت و دوست عزیزت داوود بده.»
9Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo.
9 فرستادگان داوود رفتند و پیام او را به نابال رسانده منتظر جواب ماندند.
10Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo.
10 نابال پرسید: «داوود کیست؟ پسر یَسی چه کاره است؟ اکنون خیلی از غلامان از نزد اربابان خود فرار می‌کنند.
11Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?
11 آیا می‌خواهید که من نان و آبی را که برای پشم‌چینان خود تهیّه کرده‌ام و حیوانی را که برای خوراک آنها سربریده‌ام به شماها که معلوم نیست از کجا آمده‌اید، بدهم؟»
12Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose.
12 قاصدان داوود برگشتند و به او خبر دادند که نابال چه گفت.
13Dhavhidhi akati kuvanhu vake, Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake; mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi.
13 آنگاه داوود به همراهان خود گفت: «همگی شمشیر خود را به کمر ببندید.» همگی شمشیرهای خود را برداشتند و چهارصد نفرشان به دنبال داوود رفتند، امّا دویست نفرشان نزد اسبابها در همان‌جا ماندند.
14Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, Tarirai, Dhavhidhi wakange atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo.
14 یکی از خدمتکاران نابال به ابیجایل گفت: «داوود چند نفر را از بیابان فرستاد که سلام او را به آقای ما بگوید امّا او آنها را تحقیر کرد.
15Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango.
15 درحالی‌که آنها با ما خوب بودند و تا وقتی‌که در صحرا با آنها بودیم هیچ آزاری به ما نرسید و چیزی از ما گُم نشد.
16Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai.
16 روز و شب مثل دیواری از ما و گوسفندان ما محافظت می‌کردند.
17Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nekuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nekuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.
17 حالا بهتر است که هرچه زودتر فکری بکنی، چون ممکن است بلایی بر سر ارباب و خاندان او بیاید. آقای ما به حدّی بدسرشت است که کسی جرأت نمی‌کند با او کلمه‌ای حرف بزند.»
18Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amazambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro.
18 آنگاه ابیجایل فوراً برخاسته دویست نان، دو مشک شراب، پنج گوسفند بریان شده، پنج پیمانه غلّهٔ بریان، صد دسته قرص نان کشمشی و دویست قرص نان انجیر مهیّا کرده روی الاغها بار کرد
19Akati kumajaya ake, Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai. Asi haana kuudza murume wake Nabhari.
19 و به خادمان خود گفت: «شما قبل از من بروید و من به دنبال شما می‌آیم.» او در این مورد به شوهر خود چیزی نگفت.
20Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo.
20 ابیجایل درحالی‌که سوار الاغ بود و از تپّه پایین می‌رفت، داوود را دید که با همراهان خود به طرف او می‌آید و چند لحظه بعد نزد آنها رسید.
21Zvino Dhavhidhi wakange ati, Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarasika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka.
21 داوود با خود فکر می‌کرد که: «ما بیهوده از مال و دارایی این شخص در بیابان نگهبانی کردیم. وقت خود را تلف نمودیم و نگذاشتیم چیزی از اموال او گُم شود. امّا او در عوض خوبی، پاداش ما را به بدی داد.
22Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.
22 حالا قسم خورده‌ام که لعنت خدا بر من باد، اگر تا صبح یک مرد از مردان او را زنده بگذارم.»
23Zvino Abhigairi wakati achiona Dhavhidhi, akakurumidza kuburuka pambongoro yake, akawira pasi nechiso chake pamberi paDhavhidhi, akakotamira pasi.
23 وقتی چشم ابیجایل بر داوود افتاد، فوراً از الاغ خود پایین آمد روی به خاک افتاد و تعظیم کرد.
24Akawira patsoka dzake, akati, Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu, ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.
24 سپس به پاهایش افتاد و گفت: «تمام گناه و تقصیر را من به گردن می‌گیرم. امّا خواهش می‌کنم به سخنان کنیزتان گوش بدهید.
25Ndinokumbira kuti ishe wangu arege hake kurangarira munhu uyu wakaisvoipa, iye Nabhari; nekuti sezita rake ndizvo zvaakaitawo iye, zita rake ndiNabhari, naiye ibenzi; asi ini murandakadzi wenyu, handina kuona majaya ashe wangu amakatuma.
25 شما نباید از نابال که یک شخص احمقی است، دلخور باشید. او همان‌طور که از اسمش پیداست، آدم احمقی است. باور کنید که من فرستادگان شما را ندیدم.
26Naizvozvo zvino, ishe wangu, naJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, zvaari Jehovha wakakudzivisai kuteura ropa nokuzvitsiva noruoko rwenyu, naizvozvo zvino vavengi venyu navanotsvaka kuitira ishe wangu zvakaipa, ngavave saNabhari.
26 آقای من، اینک خداوند شما را از ریختن خون و گرفتن انتقام از دشمنانتان باز داشته است، به حیات خداوند قسم که همهٔ دشمنانتان مانند نابال ملعون خواهند شد.
27Zvino, ishe wangu, chipo ichi chamakavigirwa nomurandakadzi wenyu, ngachipiwe hacho majaya anotevera ishe wangu.
27 من این هدایا را برای شما و همراهانتان آورده‌ام
28Kangamwirai henyu kudarika komurandakadzi wenyu, nekuti zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nekuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha; zvakaipa hazvingawanikwi kwamuri mazuva enyu ose.
28 و آرزومندم که اگر آمدن کنیزتان به اینجا گستاخی باشد، او را ببخشید. و من ایمان دارم که خداوند شما و خاندان شما را به سلطنت خواهد رسانید، چون شما برای خداوند جنگ می‌کنید و تا زمانی که زنده هستید هیچ بدی بر شما واقع نخواهد شد.
29Kunyange munhu akasimuka kukudzingirirai, nokutsvaka kukuurayai, mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu, asi mweya yavavengi venyu uchaiposhera kure, ichiita seinobva muchikanda chechifuramabwe.
29 اگر کسی درپی آزار شما باشد و قصد کشتن شما را داشته باشد، خداوند شما را در پناه خود آن‌چنان حفظ می‌کند که کسی از گنج خود مراقبت می‌نماید. امّا جان دشمنانتان را مانند سنگ فلاخن از بدنشان دور می‌اندازد.
30Zvino kana Jehovha azoitira ishe wangu zvose zvakanaka zvaakanga ataura pamusoro penyu, akakugadzai mukava mambo waIsiraeri,
30 وقتی‌که خداوند همهٔ چیزهای خوبی را که وعده کرده است در حق شما انجام داد و شما را به مقام پادشاهی اسرائیل رساند،
31murege kuzvidemba pamusoro pechinhu ichi, uye ishe wangu arege kuzvidya moyo, nekuti makateura ropa risine mhosva, kana nekuti ishe wangu wakazvitsiva; zvino kana Jehovha achinge aitira ishe wangu zvakanaka, murangarirewo murandakadzi wenyu.
31 آنگاه به‌خاطر گرفتن انتقام از دشمنان و ریختن خون آنها پشیمان و ناآرام نباشید. پس بعد از آنکه خداوند احسان خود را در حق شما بجا آورد، این کنیزتان را به‌یاد بیاورید.»
32Dhavhidhi akati kuna Abhigairi, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni;
32 داوود گفت: «خداوند خدای اسرائیل متبارک باد که تو را امروز پیش من فرستاد.
33nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nekuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.
33 آفرین بر تو که با چنین حکمتی، مرا از ریختن خون و گرفتن انتقام باز داشتی!
34Zvirokwazvo, naJehovha Mwari waIsiraeri mupenyu, iye wakandidzivirira kuti ndirege kukuitira zvakaipa, dai usina kukurumidza kuuya kuzosangana neni, Nabhari zvirokwazvo haazaisarirwa mangwana kana koedza nomwana mumwe womukomana.
34 وگرنه به نام خداوند خدای اسرائیل که مرا نگذاشت به تو صدمه‌‌ای برسانم، قسم که اگر تو پیش من نمی‌آمدی، تا صبح یک نفر از مردان نابال را هم زنده نمی‌گذاشتم.»
35Naizvozvo Dhavhidhi akagamuchira paruoko rwake zvaakanga amuvigira, akati kwaari, Kwira hako norugare kumba kwako; tarira ndateerera inzwi rako, ndakunzwira tsitsi.
35 بعد داوود چیزهایی را که ابیجایل آورده بود گرفت و به او گفت: «به خانه‌ات برو و نگران نباش، آنچه را که خواستی بجا خواهم آورد.»
36Abhigairi akasvika kuna Nabhari, akamuwana ari kumutambo mumba make, wakange wakafanana nomutambo wamambo ; moyo waNabhari wakange wakafara mukati make, nekuti wakange abatwa kwazvo; naizvozvo haana kumuudza chinhu, kunyange chiduku kana chikuru, kusvikira mangwana koedza.
36 وقتی ابیجایل پیش نابال برگشت، دید که او جشن شاهانه‌ای در خانه برپا کرده و سرخوش و مست بود. ابیجایل تا صبح به او چیزی نگفت.
37Zvino fume mangwana, waini yakati yabva kuna Nabhari, mukadzi wake akamurondedzera mashoko iwayo, moyo wake ukafa mukati make, akaita sebwe.
37 وقتی صبح شد و مستی شراب از سرش پرید، زنش ماجرا را به او گفت. پس او ناگهان منقلب شد و بی‌حرکت افتاد.
38Mazuva anenge gumi akati apera, Jehovha akarova Nabhari, akafa.
38 پس از ده‌ روز خداوند جان او را گرفت.
39Zvino Dhavhidhi wakati anzwa kuti Nabhari wafa, akati, Jehovha ngaakudzwe wakanditsiva pakuzvidzwa kwangu naNabhari, akadzivirira muranda wake kuti arege kuita zvakaipa; zvakaipa zvaNabhari Jehovha wakazvidzosera pamusoro wake. Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kuna Abhigairi kukumbira kuti ave mukadzi wake.
39 وقتی داوود از مرگ نابال آگاه شد گفت: «خداوند متبارک باد که انتقام توهینی را که او به من کرد از او گرفت و نگذاشت که خطایی از من سرزند. خداوند سزای عمل بد او را به او داد.» بعد داوود برای ابیجایل پیغام فرستاد و پیشنهاد کرد که همسر او بشود.
40Zvino varanda vaDhavhidhi vakati vachisvika kuna Abhigairi paKarimeri, vakataura naye vakati, Dhavhidhi wakatitumira kwauri kuzokutora uve mukadzi wake.
40 فرستادگان داوود پیش ابیجایل به کرمل رفتند و به او گفتند: «داوود ما را فرستاد که تو را پیش او ببریم تا همسر او بشوی.»
41Ipapo akasimuka, akakotamira pasi nechiso chake, akati, Tarirai murandakadzi wenyu, ndiri murandakadzi unoshambidza tsoka dzashe wangu.
41 ابیجایل برخاست روی به خاک افتاد و گفت: «کنیزتان خدمتکاری‌ است که آماده است، پای خادمان آقای خود را بشوید.»
42Abhigairi akakurumidza, akasimuka, akatasva mbongoro, akaenda navasikana vake vashanu; akatevera nhume dzaDhavhidhi, akava mukadzi wake.
42 بعد فوراً برخاست و بر الاغ خود سوار شد و پنج ندیمهٔ خود را همراه گرفته، به دنبال فرستادگان داوود به راه افتاد و به این ترتیب همسر داوود شد.
43Dhavhidhi akawanawo Ahinowamu muJezereeri, ivo vose vaviri vakava vakadzi vake.
43 داوود با اخینوعم یزرعیلی هم ازدواج کرد و هر دو همسر او شدند. و شائول دختر خود میکال را که همسر داوود بود به فلطی پسر لایش که از ساکنان جلیم بود، داد.
44Zvino Sauro wakange akapa Pariti, mwanakomana waRaishi, waiva weGarimi, mukunda wake Mikari, mukadzi waDhavhidhi.
44 و شائول دختر خود میکال را که همسر داوود بود به فلطی پسر لایش که از ساکنان جلیم بود، داد.