Shona

Persian

2 Samuel

3

1Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba.
1 جنگ بین خانوادهٔ شائول و خاندان داوود، زمان درازی ادامه داشت. نیروهای شائول روز به روز ضعیفتر می‌شدند و قدرت داوود رو به افزایش بود.
2Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni, mwanakomana waAhinowami muJezereeri;
2 شش پسر داوود در حبرون به دنیا آمدند، اولین آنها اَمنون که مادرش اخینوعم یزرعیلی بود.
3wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKarimeri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;
3 پسر دوم او کیلاب بود که ابیجایل، بیوهٔ نابال کرملی به دنیا آورد. سومی ابشالوم پسر معکه، دختر تلمای پادشاه جشور،
4wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari,
4 چهارمی ادونیا پسر حجیت، پنجمی شفطیا پسر ابیطال
5wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.
5 و ششمی یترعام پسر عجله بود.
6Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro.
6 در مدّتی که جنگ بین نیروهای داوود و نیروهای سلطنتی شائول ادامه داشت، اَبنیر یکی از قدرتمندترین پیروان خانوادهٔ شائول گردید.
7Zvino Sauro wakange anomurongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, Wapindireiko kumurongo wababa vangu?
7 شائول همسر صیغه‌ای به نام رصفه داشت که دختر ایه بود. ایشبوشت، اَبنیر را متّهم ساخته گفت: «چرا با صیغهٔ پدرم همبستر شدی؟»
8Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanin'ina vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.
8 اَبنیر از این حرف او بسیار خشمگین شد و گفت: «مگر من سگ هستم که با من چنین رفتار می‌کنی؟ با وجود تمام خوبی‌هایی که من در حق پدرت و برادران و دوستان او کردم و نگذاشتم که دست داوود به تو برسد، تو امروز برعکس، مرا به‌خاطر این زن، گناهکار می‌سازی.
9Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari;
9 پس حالا با تمام قدرت خود می‌کوشم که سلطنت را از تو بگیرم و طبق وعدهٔ خداوند، سرزمین را از دان تا بئرشبع به داوود تسلیم کنم.»
10achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
10 ایشبوشت از ترس خاموش ماند و نتوانست جوابی به اَبنیر بدهد.
11Akasagona kupindura Abhineri kunyange shoko rimwe, nekuti wakange achimutya.
11 آنگاه اَبنیر پیامی به این شرح به داوود فرستاده گفت: «آیا می‌دانی که این سرزمین مال کیست؟ اگر با من پیمان ببندی، من به تو کمک می‌کنم و اختیار تمام سرزمین اسرائیل را به دست تو می‌سپارم.»
12Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, Nyika iyi ndeyaniko? Akati, Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.
12 داوود پاسخ داد: «بسیار خوب، من به شرطی با تو پیمان می‌بندم که همسرم میکال، دختر شائول را با خود نزد من بیاوری.»
13Akati, Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu.
13 بعد داوود به ایشبوشت پیام فرستاده گفت: «زن من میکال را که به قیمت صد قلفهٔ فلسطینی خریده‌ام برایم بفرست.»
14Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakanyenga nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana.
14 پس ایشبوشت او را از شوهرش، فلطیئیل پسر لایش پس گرفت.
15Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi.
15 شوهرش گریه‌کنان تا به بحوریم به دنبال او رفت. بعد اَبنیر به فلطیئیل گفت: «برگرد و به خانه‌ات برو.» او ناچار به خانهٔ خود برگشت.
16Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, Enda udzoke; iye akadzoka hake.
16 اَبنیر به رهبران اسرائیل پیشنهاد کرد و به آنها خاطرنشان نمود که از مدّتها قبل می‌خواستند داوود بر آنها سلطنت کند،
17Abhineri akarangana navakuru vaIsiraeri akati, Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu.
17 حالا وقت آن است که خواستهٔ خود را عملی کنند، زیرا خداوند فرمود: «به وسیلهٔ بنده‌ام داوود، قوم اسرائیل را از دست فلسطینیان و همهٔ دشمنان ایشان نجات می‌دهم.»
18Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nekuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi, akati, Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu vaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose.
18 سپس اَبنیر بعد از مذاکره با رهبران طایفهٔ بنیامین، به حبرون پیش داوود رفت تا از نتیجهٔ مذاکرات خود با قوم اسرائیل و طایفهٔ بنیامین، به او گزارش بدهد.
19Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini.
19 اَبنیر با بیست نفر از جنگجویان خود به حبرون رسید و داوود برای آنها مهمانی داد.
20Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo.
20 اَبنیر به داوود گفت: «من می‌خواهم بروم و تمام قوم اسرائیل را جمع کنم و به حضور سرورم، پادشاه بیاورم تا پیمانی با شما ببندند و شما به آرزوی دیرینهٔ خود برسید و بر آنها حکومت کنید.» پس داوود به او اجازه داد و او را به سلامت روانه کرد.
21Abhineri akati kuna Dhavhidhi, Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu. Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.
21 بعد از آنکه اَبنیر رفت، یوآب و بعضی از افراد داوود از یک حمله برگشتند و غنیمت فراوانی را که گرفته بودند با خود آوردند.
22Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakange asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nekuti wakange amuendisa, akaenda hake norugare.
22 چون یوآب شنید که اَبنیر به ملاقات پادشاه آمده بود و پادشاه به او اجازه داد که بی‌خطر برود،
23Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare.
23 با عجله پیش داوود رفت و گفت: «چرا این کار را کردی؟ اَبنیر پیش تو آمد و تو هم به او اجازه دادی که برود.
24ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakange asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?
24 تو خوب می‌دانستی که او برای جاسوسی آمده بود تا از همهٔ حرکات و کارهایت باخبر شود.»
25Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakange auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita.
25 وقتی یوآب از پیش داوود رفت، فوراً چند نفر را به دنبال اَبنیر فرستاد و او را از کنار چشمهٔ سیره بازآوردند ولی داوود از این کار آگاه نبود.
26Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakange asingazvizivi.
26 به مجرّدی که اَبنیر به حبرون رسید، یوآب او را از دروازهٔ شهر به بهانهٔ مذاکرهٔ خصوصی به گوشه‌ای برد و در آنجا به انتقام خون برادر خود عسائیل، شکم او را درید و او را به قتل رساند.
27Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati pesuwo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunin'ina wake Ashaheri.
27 هنگامی‌که داوود از ماجرا باخبر شد گفت: «من و سلطنت من در ریختن خون اَبنیر در حضور خداوند گناهی نداریم. یوآب و خاندان او مقصّرند.
28Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri;
28 از خدا می‌خواهم که همه‌شان به عفونت و جذام مبتلا شوند، از پا بیفتند و با دَم شمشیر یا از قحطی بمیرند.»
29ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.
29 به این ترتیب یوآب و برادرش ابیشای، اَبنیر را کشتند، زیرا برادر ایشان، عسائیل را در جنگ جبعون به قتل رسانده بود.
30Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunin'ina wake vakauraya Abhineri, nekuti wakange auraya munin'ina wavo Ashaheri pakurwa paGibhiyoni.
30 داوود به یوآب و تمام کسانی‌که با او بودند گفت: «لباس خود را پاره کنید و پلاس بپوشید و برای اَبنیر سوگواری کنید.» داوود پادشاه در پی جنازهٔ او رفت.
31Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri. Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.
31 بعد اَبنیر را در حبرون به خاک سپردند و پادشاه با آواز بلند بر سر قبر او گریه کرد و همهٔ مردم نیز گریستند.
32Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema.
32 آنگاه پادشاه این سوگنامه را برای اَبنیر خواند: «آیا لازم بود که اَبنیر مانند نادانان بمیرد؟
33Mambo akachema Abhineri, akati, Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?
33 دستهای تو بسته و پاهایت در زنجیر نبودند. تو به دست فرومایگان کشته شدی.» و مردم دوباره برای اَبنیر گریه کردند.
34Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa komunhu pamberi pavana vezvakaipa. Vanhu vose vakamuchemazve.
34 چون داوود در روز دفن اَبنیر چیزی نخورده بود، مردم از او خواهش کردند که غذا بخورد، امّا داوود سوگند یاد کرد که تا غروب آفتاب به چیزی لب نزند.
35Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.
35 مردم احساسات نیک او را مانند دیگر کارهای خوب او تقدیر کردند.
36Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nekuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose.
36 آنگاه دانستند که پادشاه در کشتن اَبنیر دخالتی نداشته است.
37Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakange asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe.
37 پادشاه به مأموران خود گفت: «می‌دانید که امروز یک رهبر و یک شخصیّت بزرگ اسرائیل کشته شد. با اینکه من، پادشاه برگزیدهٔ خداوندم ولی ضعیف هستم و این مردان یعنی پسران صرویه از من تواناترند. خداوند مردم شریر را به جزای کارهایشان برساند.»
38Zvino mambo akati kuvaranda vake, Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
38 با اینکه من، پادشاه برگزیدهٔ خداوندم ولی ضعیف هستم و این مردان یعنی پسران صرویه از من تواناترند. خداوند مردم شریر را به جزای کارهایشان برساند.»
39Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake.