Shona

Persian

Daniel

7

1Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanyeri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake, akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
1 در سال اول سلطنت بلشصر پادشاه بابل، دانیال بر بستر خود خوابی دید که آن را به این شکل نوشت:
2Dhanyeri akataura, akati, Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
2 در خواب دریای وسیعی دیدم که در اثر وزش باد از هر طرف متلاطم بود.
3Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana.
3 بعد چهار حیوان عجیب و عظیم از دریا بیرون آمدند که همه با هم فرق داشتند.
4Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu.
4 اولی شبیه شیر بود، امّا مانند عقاب بال داشت. درحالی‌که به آن نگاه می‌کردم، دیدم که بالهایش کنده شد، سپس بلند شد و مثل انسان روی دو پای خود ایستاد. سپس به این حیوان عقل انسان داده شد.
5Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, Simuka, upedze nyama zhinji.
5 حیوان دومی همانند خرس بود و روی پاهای خود ایستاده آمادهٔ حمله شد. در بین دندانهایش سه دنده دیدم و صدایی شنیدم که به آن حیوان می‌گفت: «برخیز و تا می‌توانی گوشت بخور!»
6Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba.
6 حیوان سومی به شکل پلنگ بود. او بر پشت خود چهار بال همچون بال پرنده داشت و دارای چهار سر بود. به این حیوان اختیار و قدرت فرمانروایی داده شد.
7Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna-vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.
7 بعد در خواب حیوان چهارم را دیدم که خیلی ترسناک و قوی بود. این حیوان با دندانهای بزرگ و آهنین، قربانیان خود را می‌درید و می‌خورد، سپس مابقی را در زیر پاهای خود لگدمال می‌کرد. این حیوان با سه حیوان دیگر فرق داشت و دارای ده شاخ بود.
8Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakange uchitaura zvinhu zvikuru.
8 درحالی‌که به شاخهایش نگاه می‌کردم، دیدم یک شاخ کوچک از بین شاخها پیدا شد و سه شاخ اول را از بیخ کند. این شاخ کوچک چشمانی مثل چشمان انسان داشت و از دهانش سخنان تکّبرآمیز جاری بود.
9Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguvo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.
9 آنگاه تختهایی را دیدم که در جاهای خود قرار داده شدند و «موجود ازلی» بر تخت خود جلوس کرد. لباس او همچون برف، سفید و موهای سرش مانند پشمِ خالص بود. از تخت او شعله‌های آتش برمی‌خاست و چرخهای آن، آتش سوزان بود.
10Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa.
10 رودی از آتش در برابر او جاری بود. هزاران نفر او را خدمت می‌کردند و میلیونها نفر در حضور او ایستاده بودند. آنگاه دفترها برای داوری گشوده شدند.
11Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe.
11 بعد آن حیوان چهارم را دیدم که کشته شد و جسدش در آتش سوخته گردید، زیرا شاخ کوچک این حیوان هنوز هم سخنان تکبّرآمیز می‌گفت.
12Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa.
12 قدرت سه حیوان دیگر از آنها گرفته شد امّا اجازه داشتند که تا مدّتی به زندگی خود ادامه بدهند.
13Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.
13 در خواب موجودی را دیدم که شبیه انسان بود. او بر ابرهای آسمان آمد و به حضور موجود ازلی رفت.
14Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
14 به او اختیار و جلال و قدرتِ سلطنت داده شد تا همهٔ اقوام از هر زبان و نژاد او را خدمت نمایند. قدرت او ابدی و سلطنتش بی‌زوال است.
15Kana ndirini Dhanyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa.
15 من دانیال، از دیدن آن رؤیاها گیج و مبهوت شدم.
16Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi.
16 پس نزد یکی از کسانی‌که پهلوی تخت نشسته بودند، رفتم و تفسیر آن رؤیا را از او پرسیدم. او چنین شرح داد:
17Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika.
17 «آن چهار حیوان بزرگ، چهار پادشاه هستند که بر زمین ظهور می‌کنند،
18Asi vatsvene veWekumusoro-soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi-peri.
18 امّا مقدّسین خدای متعال، قدرت سلطنت را تا ابد به دست خواهند گرفت.»
19Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendariraiyo yakanga yapedzanokuputsanya , nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
19 بعد دربارهٔ حیوان چهارم که ترسناک و دارای دندانهای آهنین و پنجه‌های برنزی بود و با سه حیوان دیگر فرق داشت و قربانیان خود را می‌درید و می‌خورد و زیر پا لگدمال می‌کرد، از او پرسیدم.
20uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo, norumwe runyanga rwakazobuda, dzimwe nyanga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyanga rwakanga runa meso nomuromo wakange uchitaura zvikuru, rwakanga rwakapfuura dzimwe shamwari dzarwo paukuru.
20 همچنین دربارهٔ آن ده شاخ و شاخ کوچکی که بعداً ظاهر شد و سه تا از آن ده شاخ که از بیخ کنده شدند، سؤال کردم. آن شاخ کوچک همان شاخی بود که چشم داشت و از دهانش سخنان تکّبرآمیز جاری بود و از شاخهای دیگر هولناک‌تر بود.
21Ndakatarira, ndikaona runyanga urwu ruchirwa navatsvene, nokuvakunda;
21 درحالی‌که نگاه می‌کردم دیدم که آن شاخ با مقدّسین خدا جنگید و بر آنها پیروز شد.
22kusvikira akakwegura pamazuva ake achisvika, vatsvene veWekumusoro-soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe.
22 آنگاه «موجود ازلی» آمد و داوری را شروع کرده از مقدّسین خدای متعال حمایت نمود و زمانی رسید که قدرت سلطنت را به آنها سپرد.
23Akati, Mhuka yechina bwuchava vushe bwechina panyika, bwuchasiyana noumwe ushe hwose, uchapedza nyika yose, nokuupwanya nokuuputsanya.
23 او برای من چنین شرح داد: «حیوان چهارم سلطنت چهارم بر زمین است. این سلطنت با سلطنت‌های دیگر فرق دارد. تمام دنیا را پاره‌پاره نموده، در زیر پاهای خود لگدمال می‌کند.
24Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
24 ده شاخ او ده پادشاه هستند که از همین سلطنت ظهور می‌کنند. بعد پادشاه دیگری به سلطنت می‌رسد که با سه پادشاه دیگر فرق دارد و آنها را شکست می‌دهد.
25Achataura mashoko okumhura Wekumusoro-soro, uchaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.
25 او برضد خدای متعال سخن می‌گوید، بر مقدّسین ظلم می‌کند و می‌کوشد که تمام قوانین و جشن‌های مذهبی را تغییر بدهد. مقدّسین خدا مدّت سه سال و نیم تحت تسلّط او خواهند بود.
26Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma.
26 سپس زمان داوری آغاز می‌گردد و سلطنت این پادشاه از او گرفته می‌شود و بکلّی از بین می‌رود.
27Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene veWekumusoro-soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokuteerera.
27 آنگاه قدرت و عظمت تمام سلطنت‌ها به مقدّسین خدای متعال سپرده می‌شود. سلطنت خدای متعال ابدی بوده، تمام پادشاهان جهان او را پرستش و از او اطاعت می‌کنند.» این بود خوابی که دیدم و وقتی بیدار شدم، بسیار پریشان بودم. از ترس رنگ از چهره‌ام پریده بود، ولی از خوابم به کسی چیزی نگفتم.
28Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanyeri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.
28 این بود خوابی که دیدم و وقتی بیدار شدم، بسیار پریشان بودم. از ترس رنگ از چهره‌ام پریده بود، ولی از خوابم به کسی چیزی نگفتم.