1Zvino negore rechinomwe, nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
1
در روزِ دهم از ماه پنجمِ سال هفتم تبعید ما، عدّهای از رهبران اسرائیل آمدند و مقابل من نشستند تا از خداوند راهنمایی بطلبند.
2Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
2
آنگاه خداوند این پیام را به من داد:
3Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
3
«ای انسان فانی، به رهبران اسرائیل چنین بگو: خداوند، متعال میفرماید: چرا شما آمدهاید از من راهنمایی میخواهید؟ به حیات خودم سوگند که هدایتی از من نخواهید یافت.
4Chivatonga, Mwanakomana womunhu, chivatonga! Chivazivisa zvinonyangadza zvamadzibaba avo;
4
«تو ای انسان فانی، آیا آماده هستی که ایشان را محکوم کنی؟ پس آنان را متوجّه گناهان اجدادشان بساز.
5uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakove ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeEgipita, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu, ndichiti, Ndini Jehovha Mwari wenyu;
5
آنچه به تو میگویم به ایشان بگو، هنگامیکه اسرائیل را برگزیدم و خود را به ایشان در سرزمین مصر آشکار ساختم، وعده دادم و گفتم من خداوند، خدای شما هستم.
6nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeEgipita ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba bwenyika dzose.
6
آن موقع بود که سوگند خوردم که ایشان را از مصر بیرون آورم و به سرزمینی که برای ایشان برگزیده بودم ببرم، سرزمینی که غنی و حاصلخیز است و بهترین سرزمینهاست.
7Ndikati kwavari, Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
7
به ایشان گفتم که بُتهای منفوری را که دوست میدارند، دور بیندازند و خود را با خدایان مصری آلوده نکنند، زیرا من خداوند، خدا هستم.
8Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza zvameso avo, havana kusiya zvifananidzo zveEgipita. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeEgipita.
8
امّا علیه من سرکشی کردند و به من گوش فرا ندادند، بُتهای نفرتانگیز خود و خدایان مصر را رها نکردند، آماده بودم که قدرت خشم مرا در مصر تجربه کنند.
9Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika
9
امّا بهخاطر حفظ حرمت نام خود آن کار را نکردم، زیرا در حضور قومی که در میان ایشان زندگی میکردند، اعلام داشتم که قوم اسرائیل را از مصر بیرون میآورم.
10Naizvozvo ndakavabudisa munyika ndikavaisa kurenje.
10
«پس آنها را از سرزمین مصر به بیابان آوردم.
11Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo.
11
فرامین خود را به ایشان دادم و قوانین خود را به ایشان آموختم که به هرکس از آنها پیروی کند، حیات بخشد.
12Ndakavapawo masabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene.
12
همچنین برگزاری روز سبت را نشانهٔ پیمان خود با ایشان ساختم تا به ایشان یاد آوری شود که من خداوند، ایشان را مقدّس ساختهام.
13Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru masabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
13
امّا قوم اسرائیل در بیابان علیه من سرکشی کردند. ایشان از قوانین من پیروی نکردند و احکام حیاتبخش مرا زیر پا نهادند و روز سبت را بیحرمت شمردند. آنگاه آماده بودم که خشم خود را در بیابان بر ایشان فرو ریزم و ایشان را نابود كنم.
14Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo.
14
امّا چنین نکردم تا در نظر اقوامی که دیدند اسرائیل را از مصر بیرون آوردم، نام من بیحرمت نشود.
15Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba bwenyika dzose;
15
امّا در بیابان سوگند یاد کردم که ایشان را به سرزمینی که به ایشان داده بودم، نیاورم؛ سرزمینی که غنی و حاصلخیز است و بهترین سرزمینهاست.
16nekuti vakaramba zvandakavarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura masabata angu; nekuti moyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo.
16
زیرا ایشان قوانین مرا نپذیرفتند و چون دلهایشان به دنبال بُتهایشان بود، از احکام من پیروی نکردند و سبت را بیحرمت کردند.
17Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje.
17
«امّا سپس بر ایشان رحم کردم و تصمیم گرفتم ایشان را آنجا در بیابان نکُشم.
18Ndikati kuvana vavo murenje, Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu.
18
در بیابان به فرزندانشان گفتم، از احکام و فرامین نیاکان خود پیروی نکنید و با بُتهای ایشان خود را آلوده نسازید.
19Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite;
19
من، خداوند خدایتان هستم. از احکام من پیروی کنید و با دقّت کامل دستورات مرا بجا آورید.
20masabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
20
روز سبت مرا که به یادبود پیمان من با شما تعیین شده است نگاه دارید تا بدانید که من، خداوند خدایتان هستم.
21Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura masabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
21
«امّا فرزندانشان علیه من سرکشی کردند. از فرامین من پیروی نکردند و قوانین مرا با دقّت انجام ندادند؛ قوانینی که اطاعت از آن به آنان زندگی میبخشد. ایشان روز سبت مرا بیحرمت ساختند. آنگاه اندیشیدم که خشم خود را بر ایشان فرو ریزم و همه را بکشم.
22Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu,kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo.
22
امّا دست نگاه داشتم تا در نظر ملّتهایی که دیدند ایشان را از مصر خارج میکنم، نام من بیحرمت نگردد.
23Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose;
23
همچنین در بیابان سوگند یاد کردم که در میان ملّتها و کشورها ایشان را پراکنده خواهم کرد.
24nekuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura masabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo.
24
زیرا آنها احکام مرا بجا نیاوردند، قوانین مرا رد کردند، روز سبت مرا بیحرمت ساختند و به بُتهای اجداد خود چشم دوختند.
25Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo;
25
«پس من هم احکام و قوانینی را به ایشان دادم که خوب و حیاتبخش نبودند.
26ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha.
26
ایشان را گذاشتم که با قربانی کردن فرزند اول خود برای بُتها، خود را آلوده سازند و به این ترتیب ایشان را جزا بدهم و بدانند که من خداوند هستم.
27Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.
27
«پس ای انسان فانی، از جانب من، خداوند متعال، به قوم اسرائیل بگو که وقتی اجدادشان را به سرزمینی که به نیاکانشان وعده داده بودم آوردم، در آنجا هم به من خیانت کردند و نام مرا بیحرمت ساختند، زیرا بر سر هر تپّه و زیر هر درخت سبز برای بُتها قربانی نمودند، بُخور سوزاندند و عطر و هدایای نوشیدنی آوردند و با این کار خود، آتش خشم مرا برافروختند.
28nekuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita bwema hwavo hunonhuhwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
28
به ایشان گفتم: این مکانهای بلند که به آنجا میروید، چیست؟» پس نام آن تا به امروز بامه خوانده میشود.
29Ipapo ndikati kwavari, Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko? Naizvozvo zita rayo rinonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.
29
بنابراین به قوم اسرائیل بگو: «خداوند متعال چنین میفرماید: آیا با پیروی از آیین نیاکانتان خود را آلوده خواهید ساخت؟ و با دنبال کردن بُتها خود را گمراه خواهید کرد؟
30Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here?
30
حتّی امروز همان هدایا را به بُتها تقدیم میکنید و با قربانی کردن فرزندانتان در آتش برای آنها خود را آلوده میسازید و هنوز شما اسرائیلیها میآیید تا ارادهٔ مرا بدانید؟ خداوند، خدا میفرماید: به حیات خود سوگند که به شما اجازه نخواهم داد که از من سؤال کنید.
31Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemwi here, imwi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
31
آنچه در اندیشهٔ شماست هرگز رخ نخواهد داد که مانند ملّتها و قبایل کشورهای دیگر شوید و چوب و سنگ را ستایش کنید.
32izvo zvinopinda mumirangariro yenyu hazvingatongoitiki chose, zvamunoti, Tinoda kufanana namamwe marudzi, navanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namabwe.
32
«من، خداوند متعال به حیات خود سوگند میخورم که با دست پُرقدرت و بازوی توانا و خشم سهمگین، بر شما سلطنت میکنم.
33Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvirokwazvo ndichava mambo wenyu nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa.
33
هنگامیکه شما را از کشورهایی که در آنها پراکنده شدهاید، گرد هم آورم، توان و خشم خود را به شما نشان خواهم داد.
34Ndichakubudisai pakati pamarudzi, nokukuwunganidzai kunyika kwamakanga makaparadzirwa, nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa;
34
شما را به بیابان ملّتها خواهم آورد و در آنجا با شما روبهرو میشوم و شما را داوری خواهم کرد.
35ndichakuisai kurenje ramarudzi avanhu, ndigokutongaipo, tichionana nameso.
35
اینک همانگونه که نیاکانتان را در صحرای سینا محکوم کردم، شما را نیز محکوم خواهم ساخت.
36Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeEgipita, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
36
«شما را از زیر عصا خواهم گذراند و مجبور خواهید شد که از پیمان من پیروی کنید.
37Ndichakuverengai netsvimbo yomufudzi, nokukuisai muchisungo chesungano;
37
کسانی را که سرکش و گناهکار هستند، از میان شما برمیدارم و از سرزمینی که اینک در آن زندگی میکنید، بیرون میآورم، امّا اجازه نخواهم داد تا به سرزمین اسرائیل بازگردند. آنگاه خواهید دانست که من خداوند هستم.»
38ndichabvisa pakati penyu vakandimukira simba navakandidarikira, ndichavabudisa panyika pavagere vari vatorwa, asi havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
38
خداوند، متعال میفرماید: «ای قوم اسرائیل، همهٔ شما بروید و بُتهای خود را خدمت کنید، امّا هشدار میدهم که پس از این باید از من پیروی کنید و با تقدیم هدایا به بُتها، نام مقدّس مرا بیحرمت نسازید.
39Kana murimi, imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha endai imwi mundoshumira mumwe nomumwe zvifananidzo zvake, asi pashure muchanditeerera; hamuchazomhuri zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
39
در آن سرزمین، بر کوه مقدّس من، یعنی کوه بلند اسرائیل، همهٔ شما مرا پرستش خواهید کرد. از ستایش شما راضی خواهم شد و قربانیها و هدایای مقدّس شما را خواهم پذیرفت.
40nekuti pagomo rangu dzvene, pagomo rakakwirira raIsiraeri, ndipo pandichashumirwa munyika neimba yose yaIsiraeri, ivo vose; ndipo pandichavagamuchira, ndipo pandichareva zvibayiro zvenyu, nezvitsva zvezvipo zvenyu, pamwechete nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
40
پس از آنکه شما را از کشورهایی که در آنها پراکنده شدهاید بیرون آوردم و گرد هم جمع کردم، قربانیهای سوختنی شما را خواهم پذیرفت و ملّتها خواهند دید که من مقدّس هستم.
41Ndichakugamuchirai sobwema hunonhuhwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
41
هنگامیکه شما را به اسرائیل، سرزمینی که به نیاکانتان وعده داده بودم، بازگردانم، آنگاه خواهید دانست که من خداوند هستم.
42Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuisai munyika yaIsiraeri, kunyika yandakasimudzira madzibaba enyu ruoko rwangu ndichiti ndichavapa iyo.
42
آنگاه تمام کارهای ناشایستی را که انجام دادهاید و باعث آلودگیتان شد، به یاد میآورید و بهخاطر همه پلیدیهایی که انجام دادید از خود بیزار میگردید.
43Zvino mucharangarirapo nzira dzenyu, nezvose zvamakaita, zvamakazvisvibisa nazvo; muchazvisema pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
43
خداوند، متعال میفرماید: ای قوم اسرائیل، هنگامیکه با شما بهخاطر نام خود عمل کنم و نه به سزای رفتارهای پلید و فاسد شما، آنگاه خواهید دانست که من خداوند، خدا هستم.»
44Zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu, ndisingaiti zvakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana zvakafanira zvakaora zvamakaita, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
44
خداوند به من فرمود:
45Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
45
«ای انسان فانی، به سوی جنوب بنگر و علیه آن سخن بگو و علیه جنگلهای جنوب نبوّت کن.
46Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi, udonhedze shoko rako kurutivi rwezasi, uporofite pamusoro pedondo romusango kurutivi rwezasi;
46
به جنگلهای جنوب بگو به آنچه خداوند، متعال میفرماید گوش فرا ده. ببین! آتشی برمیافروزم و همهٔ درختان تو را از تر و خشک خواهد سوزاند، هیچ چیزی نمیتواند آن را خاموش کند. آن آتش از جنوب به سوی شمال گسترش خواهد یافت و همه گرمای شعلههای آن را حس خواهند کرد.
47uti kudondo kurutivi rwezasi, Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
47
همه خواهند دانست که من، خداوند این آتش را افروختهام و خاموش نخواهد شد.»
آنگاه گفتم: «آه ای خداوند خدا، ایشان دربارهٔ من میگویند 'چرا او با رمز و راز سخن میگوید؟'»
48Vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndini ndakaubatidza; haungadzimwi.
48
آنگاه گفتم: «آه ای خداوند خدا، ایشان دربارهٔ من میگویند 'چرا او با رمز و راز سخن میگوید؟'»
49Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, Ko haazi mutauri wemifananidzo here?