Shona

Persian

Genesis

4

1Zvino Adhamu wakaziva Evha mukadzi wake; ndokutora mimba, akabereka Kaini, akati: Ndawana munhu kubva kuna Jehovha.
1 پس ‌از آن‌ آدم ‌با زنش ‌حوا همخواب ‌شد و او آبستن ‌شده‌ پسری زایید. حوا گفت‌: «خداوند پسری به من ‌بخشیده ‌است‌.» بنابراین ‌اسم ‌او را قائن‌ گذاشت‌.
2Zvino akaberekazve munin'ina wake Abhero. Uye Abhero waiva mufudzi wemakwai, Kaini waiva murimi wevhu.
2 حوا بار دیگر آبستن‌ شد و پسری زایید و اسم ‌او را هابیل‌ گذاشت‌. هابیل‌ چوپان‌ و قائن ‌كشاورز شد.
3Zvino pakupfuura kwenguva, zvakaitika kuti Kaini wakauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha.
3 پس‌ از مدّتی قائن‌ مقداری از محصول‌ خود را به ‌عنوان‌ هدیه ‌نزد خدا آورد.
4NaAbherowo akauisa zvemakwayana ake ematangwe nezvakakora zvawo. Je­hovha ndokugamuchira Abhero nechipi­riso chake;
4 هابیل‌ هم ‌اولین ‌برهٔ گلّهٔ خود را آورد و قربانی كرد و بهترین ‌قسمت ‌آن ‌را به ‌عنوان‌ هدیه‌ به‌ خدا تقدیم ‌نمود. خداوند از هابیل‌ و هدیهٔ او خشنود گشت‌،
5asi kuna Kaini nekuchipiriso chake haana kugamuchira. Zvino Kaini waka­tsamwa kwazvo, chiso chake chikau­nyana.
5 امّا قائن‌ و هدیهٔ او را قبول‌ نكرد. قائن‌ از این‌ بابت ‌خشمگین ‌شد و سر خود را به ‌زیر انداخت‌.
6Zvino Jehovha akati kuna Kaini, Watsamwirei? Chiso chako chakau­nyana nei?
6 خداوند به ‌قائن‌ فرمود: «چرا خشمگین ‌شدی و سر خود را به ‌زیر انداختی‌؟
7Kana uchiita zvakanaka, haugamuchiriki here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuhwa­ndira pamusuwo; nechishuwo chake chiri kwauri asi iwe uchatonga.
7 اگر رفتار تو خوب‌ بود، قربانی تو قبول‌ می‌شد. ولی اگر خوب‌ نباشد، گناه‌ نزدیک‌ در، در كمین‌ توست‌ و می‌خواهد بر تو مسلّط‌ گردد. امّا تو باید او را مغلوب‌ كنی‌.»
8Zvino Kaini wakataura nemunu­n'una wake Abhero; zvino zvakaitika vari kusango kuti Kaini wakamukira Abhero munin'ina wake, akamuuraya.
8 بعد، قائن ‌به ‌برادرش‌ هابیل ‌گفت‌: «بیا با هم‌ به‌ مزرعه ‌برویم‌.» وقتی در مزرعه ‌بودند، قائن ‌به ‌برادرش‌ حمله‌ كرد و او را كشت‌.
9Zvino Jehovha wakati kuna Kaini: Ari kupi Abhero munin'ina wako? Iye ndokuti: Handizivi, ndini muchengeti wemunin'ina wangu here?
9 خداوند از قائن‌ پرسید: «برادرت ‌هابیل‌ كجاست‌؟» او جواب ‌داد: «نمی‌دانم‌. مگر من ‌نگهبان‌ برادرم‌ هستم‌؟»
10Zvino wkati: Waitei? Inzwi reropa re­munin'ina wako rinodaidzira kwandiri richibva pasi.
10 خداوند فرمود: «چه‌كار كرده‌ای‌؟ خون‌ برادرت‌ از زمین‌ برای انتقام‌ نزد من‌ فریاد می‌كند.
11Zvino wapiwa rushambwa pa­nyika, iyo yakashamisa muromo wayo kugamuchira ropa remunin'ina wako pa­ruoko rwako;
11 الآن‌ در روی زمین‌، ملعون‌ شده‌ای و زمین‌ دهان ‌خود را باز كرده‌ تا خون‌ برادرت‌ را كه تو ریختی، بنوشد.
12kana uchirima ivhu, ha­ringakupi simba raro; uchava mutizi nemudzungairi panyika.
12 وقتی زراعت‌كنی‌، زمین ‌دیگر برای تو محصول ‌نخواهد آورد و تو در روی زمین‌ پریشان‌ و آواره‌ خواهی بود.»
13Zvino Kaini wakati kuna Jehovha: Kurangwa kwangu kukuru kupfuura kwandingatakura,.
13 قائن‌ به ‌خداوند عرض ‌كرد: «مجازات‌ من‌ بیشتر از آن است که بتوانم‌ آن‌ را تحمّل ‌كنم‌.
14Tarirai, mandidzinga nhasi pachiso chenyika ino, uye ndichavanziwa pamberi pechiso chenyu; ndichava mutizi nemudzungairi panyika; uye zvichaitika kuti ani naani anondiwana achandiuraya.
14 تو مرا از كار زمین ‌و از حضور خود بیرون‌ كرده‌ای‌. من ‌در جهان‌ آواره ‌و بی‌خانمان ‌خواهم‌ بود و هركه‌ مرا پیدا كند، مرا خواهد كشت‌.»
15Zvino Jehovha wakati kwaari: Naizvozvo ani naani anouraya Kaini achatsiviwa kanomwe. Jehovha ndokuisa mucherechedzo pana Kaini, zvimwe ani nani anozomuwana angamuuraya.
15 خداوند فرمود: «نه‌، اگر كسی تو را بكشد، هفت‌ برابر از او انتقام‌ گرفته ‌خواهد شد» پس‌ خداوند نشانه‌ای بر قائن‌ گذاشت‌ تا هركه‌ او را ببیند، او را نكشد.
16Zvino Kaini wakabva pamberi paJehovha, ndokunogara panyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.
16 قائن ‌از حضور خداوند رفت ‌و در سرزمینی به ‌نام ‌سرگردان‌ كه ‌در شرق‌ عدن‌ است‌، ساكن ‌شد.
17Zvino Kaini wakaziva mukadzi wake, akatora mimba, akabereka Enoki; ndokuvaka guta, akatumidza guta zita remwanako­mana wake Enoki.
17 قائن ‌و زنش‌ دارای پسری شدند و اسم ‌او را خنوخ‌ گذاشتند. قائن‌ شهری بنا كرد و آن را به‌ نام‌ پسرش‌، خنوخ‌، نامگذاری كرد.
18Enoki akabereke­rwa Iradhi; naIradhi akabereka Mehujaeri; naMehujaeri akabereka Metushaeri; naMetu­shaeri akabereka Rameki;
18 خنوخ‌ صاحب ‌پسری شد و اسم ‌او را عیراد گذاشت‌. عیراد، پدر محویائیل ‌بود. محویائیل‌ دارای پسری شد كه‌ اسم‌ او را متوشائیل‌ گذاشت‌. متوشائیل ‌پدر لمک بود.
19Zvino Rameki wakazvitorera vakadzi vaviri, nezita reumwe rainzi Adha, zita romumwe rainzi Zira.
19 لمک‌ دو زن‌ داشت‌ به‌ نام‌ عاده‌ و ظلّه‌.
20Zvino Adha wakabereka Jabhari; iye waiva baba veavo vanogara mumatende vane zvi­pfuwo.
20 عاده‌، یابال‌ را به دنیا آورد و یابال ‌جدّ چادرنشینان ‌و گلّه‌داران‌ بود.
21Zvino zita remunin'ina wake raiva Jubhari; iye waiva baba vevose vanori­dza udimbwa nenyere.
21 برادر او یوبال‌، جدّ نوازندگان‌ چنگ ‌و نی بود.
22Zirawo ndokubereka Tubharikaini, mupfuri wenhumbi dzose dzinocheka dzendarira nedare; nehanzvadzi yaTubha­rikaini waiva Naama.
22 ظلّه‌، توبل‌ قائن‌ را زایید كه‌ سازندهٔ هر نوع‌ اسباب‌ برنزی و آهنی بود و خواهر توبل‌ قائن‌، نعمه ‌بود.
23Zvino Rameki wakati kuvakadzi vake; Adha naZira, inzwai inzwi rangu, imwi vakadzi vaRameki, teererai nhaurwa yangu; nekuti ndauraya munhu anondikuvadza, Nejaya rinondipwanya;
23 لمک‌ به‌ زنان‌ خود گفت‌: «به‌ حرفهای من‌ گوش ‌كنید. من‌ مرد جوانی را كه ‌به ‌من‌ حمله‌ كرده‌ بود، كشتم‌.
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe; Zvirokwazvo Rameki kana makumi manomwe nenomwe.
24 اگر قرار است‌ کسی‌که‌ قائن‌ را بكشد، هفت‌ برابر از او انتقام‌ گرفته ‌شود، پس ‌کسی‌‌که ‌مرا بكشد، هفتاد و هفت ‌مرتبه‌ از او انتقام‌ گرفته ‌خواهد شد.»
25Zvino Adhamu akazivazve mukadzi wake, akabereka mwanakomana, akamu­tumidza zita rinonzi Seti; nekuti wakati, Mwari wandipa imwe mbeu pachinzvimbo chaAbhero, zvaakaurawa naKaini.
25 آدم و زنش‌ صاحب‌ پسر دیگری شدند. آدم‌ گفت‌: «خدا به‌ جای هابیل‌، پسری به‌ من‌ داده‌ است‌.» پس‌ اسم ‌او را شیث‌ گذاشت‌. شیث‌ دارای پسری شد كه‌ اسم‌ او را انوش ‌گذاشت‌. و از این‌ موقع‌ بود كه‌ مردم‌ پرستش ‌نام ‌خداوند را آغاز كردند.
26NaSeti wakaberekerwa mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Enosi. Ne­nguva iyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.
26 شیث‌ دارای پسری شد كه‌ اسم‌ او را انوش ‌گذاشت‌. و از این‌ موقع‌ بود كه‌ مردم‌ پرستش ‌نام ‌خداوند را آغاز كردند.