1Negore rechipiri ramambo Dhariusi, nomwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, richiti,
1
در روز اولِ ماهِ ششمِ سال دومِ سلطنت داریوش شاهنشاه، خداوند پیامی توسط حجّای نبی برای زروبابل پسر شالتیئیل حاکم یهودا و برای یهوشع پسر یهوصادق کاهن اعظم فرستاد.
2Jehovha wehondo unotaura, achiti, Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika, iyo nguva yokuvakwa kweimba yaJehovha.
2
خداوند متعال به حَجّای فرمود: «این مردم میگویند که اکنون وقت بازسازی خانهٔ خداوند نیست.»
3Ipapo shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti,
3
بعد خداوند این پیام را توسط حجّای نبی برای مردم فرستاد:
4Ko zvino inguva yamungagara imwi mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namatanda, imba ino riri dongo here?
4
«ای قوم من، چرا شما در خانههای زیبا زندگی میکنید درحالیکه معبد بزرگ ویران میباشد؟
5Zvino zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
5
به نتیجهٔ کارهایتان توجّه کنید:
6Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munomwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.
6
زیاد میکارید، ولی محصولِ کم برمیدارید. میخورید، امّا سیر نمیشوید. مینوشید و باز هم تشنگیتان رفع نمیگردد. لباس میپوشید، امّا گرم نمیشوید. مزد میگیرید امّا گویی آن را در جیبی که سوراخ است میگذارید.
7Zvanzi naJehovha wehondo, Cherekedzai zvamakaita.
7
خوب فکر کنید و ببینید که چرا چنین است؟
8Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha.
8
حالا به کوه بروید و چوب بیاورید و خانهٔ مرا بازسازی کنید تا من از دیدن آن خشنود شوم و محترم شمرده شوم.
9Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
9
«منتظر محصول فراوان بودید، ولی کم به دست آوردید و وقتیکه آن محصول کم را به خانه آوردید، من آن را برباد دادم. آیا میدانید چرا من این کار را کردم؟ بهخاطر اینکه خانهٔ من ویران مانده و شما مشغول ساختن خانههای خود هستید.
10Saka denga rakaramba nedova nemhaka yenyu, nenyika inoramba nezvibereko zvayo.
10
به همین سبب است که باران نمیبارد و از زمین چیزی نمیروید.
11Ndakadana kuwoma kuuye panyika, napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napane zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, napamabasa ose amaoko avanhu.
11
من خشکسالی را بر زمین، کوهها، مزارع، تاکستانها، باغهای زیتون، سایر محصولات و همچنین انسان و حیوان و تمام حاصل زحمت شما آوردم.»
12Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, navanhu vose vakanga vasara, vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, namashoko omuporofita Hagai, sezvaakanga atumwa naJehovha Mwari wavo; vanhu vakatya pamberi paJehovha.
12
آنگاه زروبابل و یهوشع و تمام کسانیکه از اسارت در بابل، برگشته بودند از خداوند ترسیدند و دستور خداوند خدای خود را، که توسط حجّای نبی فرستاده شده بود، اطاعت کردند.
13Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, wakataura navanhu sezvaakarairwa neshoko rakatumwa naJehovha, akati, ndinemwi ndizvo zvinotaura Jehovha.
13
خداوند پیام دیگری توسط حجّای برای مردم فرستاد و فرمود: «من همراه شما هستم.»
14Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati waJudha, nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nomweya wavanhu vose vakanga vasara, vakauya vakabata paimba yaJehovha wehondo, Mwari wavo,
14
خداوند متعال در زروبابل، حاکم یهودا، یهوشع، کاهن اعظم و در سایر مردم که از اسارت بازگشته بودند شوق و رغبتی ایجاد کرد تا در معبد بزرگ کار کنند.
پس در روز بیست و چهارمِ ماه ششمِ سال دومِ سلطنت داریوش، همگی جمع شدند و ساختن معبد بزرگ خداوند، خدایشان را آغاز نمودند.
15nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu, negore rechipiri ramambo Dhariusi.
15
پس در روز بیست و چهارمِ ماه ششمِ سال دومِ سلطنت داریوش، همگی جمع شدند و ساختن معبد بزرگ خداوند، خدایشان را آغاز نمودند.