Shona

Persian

Judges

20

1Zvino vana vaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, pamwechete nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.
1 آنگاه تمام قوم اسرائیل از دان تا بئرشبع به همراه اهالی جلعاد، به حضور خداوند در مصفه جمع شدند.
2Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
2 تعداد آنها با سپاهی متشکّل از پیاده و شمشیرزن و رهبرانشان چهارصد هزار نفر بود که در آنجا به حضور خداوند حاضر بودند.
3(Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti vaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana vaIsiraeri vakati, Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?
3 خبر اجتماع قوم اسرائیل بزودی به سرزمین بنیامین رسید. مردان اسرائیل پرسیدند: «به ما بگو که این کار زشت چگونه اتّفاق افتاد؟»
4Zvino muRevhi, murume womukadzi wakange aurawa, akapindura, akati, Ndakanga ndasvika paGibhiya ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tavatepo.
4 مرد لاوی که صیغه او به قتل رسیده بود، جواب داد: «من با صیغه‌ام به جبعه بنیامین رفتم که شب را در آنجا بگذرانیم.
5Varume veGibhiya vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
5 مردم جبعه به مخالفت من برخاستند. هنگام شب، خانه‌ای را که من در آن بودم، محاصره کردند و می‌خواستند که مرا بکشند. صیغهٔ مرا بی‌عصمت کردند و در حقیقت او را کشتند.
6Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nekuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
6 من جسد صیغه‌ام را قطعه‌قطعه کردم و آن قطعات را به سراسر سرزمین اسرائیل فرستادم، زیرا مردم جبعه کار بسیار زشت و ناروایی در مقابل قوم اسرائیل کردند.
7Tarirai, imwi vana vaIsiraeri, imwi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano.
7 اکنون شما مردم اسرائیل، در این باره فکر کنید و چاره‌ای بیندشید.»
8Ipapo vanhu vose vakasimuka nomoyo mumwe, vakati, Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
8 تمام ارتش با یک دل و یک زبان گفتند: «تا مردم جبعه را به سزای کارشان نرسانیم، هیچ‌کدام از ما به چادر یا خانهٔ خود برنمی‌گردیم. تصمیم ما این است که طبق قرعه، یک دهم لشکر را انتخاب کرده تا آذوقه و لوازم جنگی برای ما برسانند. بقیّهٔ ما می‌رویم و جبعه را به‌خاطر آن کار زشت مردمش از بین می‌بریم.»
9Asi tichaitira vanhu veGibhiya chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
9 به این ترتیب تمام قوم اسرائیل برای انجام این کار متّحد شدند.
10Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avalsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhiya ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.
10 آنها پیامی برای طایفهٔ بنیامین فرستاده گفتند: «این چه‌کار زشتی است که از شما سر زده است؟
11Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakaungana paguta vano moyo mumwe.
11 پس اکنون آن مردان پست و شریر را که در جبعه هستند به دست ما تسلیم کنید تا آنها را به قتل برسانیم.» امّا مردم بنیامین به تقاضای برادران اسرائیلی خود گوش ندادند،
12Zvino marudzi avalsiraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vakati, Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
12 بلکه برعکس آنها همگی در بیرون شهر جبعه جمع و آماده شدند تا به جنگ اسرائیل بروند.
13Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhiya, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri, asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera inzwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
13 مردم بنیامین در آن روز بیست و شش هزار مرد شمشیرزن و هفتصد نفر از ساکنان جبعه را مجهّز ساختند.
14Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhiya, kuti varwe navana vaIsiraeri.
14 از آن جمله هفتصد نفر چپ دست را انتخاب کردند که هر کدام از آنها مویی را با فلاخن نشانه می‌گرفتند و خطا نمی‌کردند.
15Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhiya havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
15 تعداد سپاهیان اسرائیل به غیراز مردان بنیامین چهارصد هزار نفر و همهٔ مردان شمشیرزن و جنگی بودند.
16Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
16 پیش از شروع جنگ، مردم اسرائیل به بیت‌ئیل رفتند و از خداوند پرسیدند که کدام طایفهٔ اول به جنگ بنیامین برود؟ خداوند در جواب فرمود: «طایفهٔ یهودا.»
17Zvino varume vaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
17 پس سپاه اسرائیل هنگام صبح به راه افتاده روانه جبعه شدند و برای جنگ در مقابل لشکر بنیامین آماده حمله گردیدند.
18Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini? Jehovha akati, Judha ndiye anofanira kutanga.
18 سپاه بنیامین هم برای مقابله آمدند و در آن روز بیست و دو هزار نفر از سپاهیان اسرائیل کشته شدند.
19Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhiya.
19 امّا مردم اسرائیل، جرأت خود را از دست ندادند و بار دیگر برای جنگ صف آراستند و در همان جای سابق اردو زدند.
20Varume vaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume vaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhiya.
20 قبل از جنگ، مردم اسرائیل به حضور خداوند تا به شام گریه کردند و از او پرسیدند که: «آیا دوباره برویم و با برادران بنیامینی خود جنگ کنیم؟» خداوند فرمود: «بلی، بروید.»
21Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
21 پس سپاه اسرائیل، روز دیگر برای جنگ به اردوی بنیامین نزدیک شدند.
22Ipapo vanhu, varume vaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
22 و لشکر بنیامین هم، در همان روز برای مقابلهٔ آنها به جبعه رفت. باز از سپاهیان اسرائیل هجده هزار نفر به قتل رسیدند که همگی مردان شمشیر زن و جنگی بودند.
23(Vana vaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here? Jehovha akati kwavari, Kwirai, mundorwa navo.)
23 بار دیگر مردم اسرائیل با تمام سپاه خود به بیت‌ئیل رفتند و شروع به گریه کردند. آنها به حضور خداوند نشستند و تا غروب روزه گرفتند. و قربانی سوختنی و سلامتی به حضور خداوند تقدیم کردند
24Zvino vana vaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
24 در آن روزها صندوق پیمان خداوند در بیت‌ئیل بود
25VaBhenjamini vakabuda paGibhiya kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
25 و فینحاس پسر العازار نوهٔ هارون هم کاهن آنجا بود. آنها از خداوند سؤال کردند: «آیا به جنگ برادران بنیامینی خود بازگردیم؟» خداوند جواب داد: «بلی، بروید، و من به شما کمک می‌کنم که فردا آنها را شکست بدهید.»
26Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBhei-teri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakatsanya zuva iro kusvikira madekwana, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
26 سپاه اسرائیل در اطراف جبعه کمین کردند.
27Vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
27 در روز سوم به مقابله لشکر بنیامین رفتند و مثل دفعات گذشته در جبعه صف‌آرایی کردند.
28NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here? Jehovha akati, Kwirai, nekuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.
28 لشکر بنیامین هم برای حمله رفت. سپاه اسرائیل عقب‌نشینی کرد و سپاهیان بنیامین در تعقیب ایشان از شهر دور شدند. در شاهراهی که بین بیت‌ئیل و جبعه بود، مانند دفعات پیش شروع به کشتن آنها کردند. در نتیجه در حدود سی نفر از سپاهیان اسرائیلی به قتل رسیدند.
29Valsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhiya kunhivi dzose.
29 مردم بنیامین گفتند: «باز آنها را شکست دادیم.» امّا ‌ سپاه اسرائیل قبلاً نقشه کشیده بودند که از سپاه بنیامین فرار کنند تا آنها بیشتر از شهر دور شوند.
30Vana vaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhiya sapane dzimwe nguva.
30 در عین حال لشکر اصلی اسرائیل هم، به بعل تامار رسیدند و حمله را شروع کردند.
31Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhiya, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
31 و ده هزار سپاهی که در غرب جبعه کمین کرده بودند، از کمینگاه خارج شدند و جنگ سختی شروع شد. سپاهیان بنیامین خبر نداشتند که بلای ناگهانی بر سرشان خواهد آمد.
32Zvino vana vaBhenjamini vakati, Vakundwa nesu sapakutanga. Asi vaIsiraeri vakati, Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta.
32 خداوند به اسرائیل کمک کرد که بنیامین را شکست بدهند و بیست و پنج هزار و صد نفرشان را که همه مردان شمشیرزن بودند، در همان روز به قتل برسانند.
33Varume vose vaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari-tamari; uye vaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare-gebha;
33 سرانجام مردم بنیامین پی بردند که شکست خورده‌اند. پس سپاه اسرائیل عقب‌نشینی کرد تا به سپاهیان خود که در نزدیک جبعه کمین کرده بودند، فرصت بدهند که حمله را شروع کنند.
34vakabuda pakatarisana neGibhiya vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedo.
34 پس آنها از کمینگاه خود بیرون آمده، با یک حمله ناگهانی به داخل شهر رفته، همهٔ ساکنان آن را کشتند و شهر را آتش زدند.
35Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana vaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
35 وقتی‌که دود شهر به آسمان بلند شد، سپاهیان اسرائیل که در بیرون شهر بودند برگشتند و بر لشکر بنیامین حمله کردند. قبلاً قرار گذاشته بودند که بلند شدن دود از شهر، اشاره حمله به شهر است.
36Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nekuti varume vaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nekuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhiya.
36 چون سپاهیان بنیامین به پشت سر نگاه کردند و دود غلیظ را دیدند که به آسمان بلند می‌شود و سپاه اسرائیل بر آنها حمله‌ور شده‌اند، دانستند که بلای بزرگی بر سرشان آمده است.
37Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhiya; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
37 پس از مقابل سپاه اسرائیل فرار کرده، به بیابان گریختند. امّا سپاهیان اسرائیل آنها را تعقیب کردند. آنهایی که در داخل شهر بودند، بیرون آمدند و از پشت سر همه را کشتند.
38Zvino varume valsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
38 باقیماندهٔ سپاه بنیامین را محاصره و تعقیب نموده از منوحه تا نزدیک جبعه در شرق آنها را پایمال کردند.
39Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nekuti vakati, Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kokutanga.
39 و هجده هزار سپاهی بنیامین، که همه مردان جنگی و دلاور بودند به قتل رسیدند.
40Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
40 آنهایی که زنده ماندند، به بیابان به طرف صخر‌هٔ رِمون گریختند. امّا پنج هزار نفرشان در راه فرار و دو هزار نفر در جدعوم، که همگی مردان جنگی بودند، کشته شدند.
41Varume vaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nekuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
41 در همان روز تعداد سپاهیان بنیامین، که همگی مردان جنگی بودند و به دست سپاه اسرائیل کشته شدند، بیست و پنج هزار نفر بود.
42Ipapo vakatiza pamberi pavarume vaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
42 امّا تنها ششصد نفر توانستند، به بیابان فرار کرده، خود را به صخرهٔ رِمون برسانند. آنها مدّت چهار ماه در آنجا ماندند. بعد سپاه اسرائیل برگشته، تمام مردم بنیامین و اطفال و حیوانات طایفهٔ بنیامین را کشتند و همهٔ شهرهای آنها را به آتش کشیدند.
43Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhiya kumabvazuva.
43 بعد سپاه اسرائیل برگشته، تمام مردم بنیامین و اطفال و حیوانات طایفهٔ بنیامین را کشتند و همهٔ شهرهای آنها را به آتش کشیدند.
44Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurawa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
45Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
46Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurawa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
47Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
48Varume vaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.