Shona

Polish

1 Samuel

28

1Zvino namazuva iwayo vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuzorwa navaIsiraeri. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Ziva kwazvo kuti unofanira kuenda neni nehondo, iwe navanhu vako.
1Tedy zebrali Filistynowie wszystkie wojska swe do Afeku; a Izraelczycy położyli się obozem nad źródłem, które było w Jezreelu.
2Dhavhidhi akati kuna Akishi, Naizvozvo muchaziva muranda wenyu zvaanogona kuita. Akishi akati kuna Dhavhidhi, Naizvozvo ndichakuita muchengeti womusoro wangu nokusingaperi.
2A książęta Filistyóskie ciągnęli stami i tysiącami, a Dawid i mężowie jego ciągnęli pozad z Achisem.
3Samueri zvino wakange afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki.
3I rzekły książęta Filistyóskie: Cóż tu czynią ci Hebrejczycy? I rzekł Achis do książąt Filistyóskich: Azaż nie to jest Dawid, sługa Saula, króla Izraelskiego, który był przy mnie przez te dni, owszem przez te lata? I nie doświadczyłem go w niczem od onego dnia, jako zbiegł do mnie, aż do dnia tego?
4Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa.
4I rozgniewały się naó książęta Filistyóskie, i rzekły mu książęta Filistyóskie: Odpraw tego męża, a niech się wróci do miejsca swego, na któremeś go postawił; niech nie chodzi z nami na wojnę, aby się nam nie stawił nieprzyjacielem w bitwie. Bo jakoż inaczej może przyjść do łaski pana swego, jedno przez głowy tych mężów?
5Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, moyo wake ukadedera kwazvo.
5Azaż nie ten jest Dawid, któremu śpiewano hufcami, mówiąc: Poraził Saul swój tysiąc, ale Dawid swoich dziesięć tysięcy?
6Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana nendimi, kana navaporofita.
6A tak wezwał Achis Dawida, i rzekł mu: Jako żywy Pan, żeś ty szczery i dobry jest w oczach moich, a podoba mi się wyjście twoje, i wejście twoje ze mną do obozu, bom nie znalazł w tobie nic złego ode dnia, któregoś przyszedł do mnie, aż do dnia te go; tylko w oczach książąt nie masz łaski.
7Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Varanda vake vakati kwaari, Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.
7Przetoż teraz wróć się, a idź w pokoju i nie czyó nic, coby było przeciwnego w oczach książąt Filistyóskich.
8Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguvo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.
8I rzekł Dawid do Achisa: Cóżem wżdy uczynił? a coś znalazł w słudze twym ode dnia, któregom był przy tobie, aż do dnia tego, abym nie szedł i nie walczył przeciwko nieprzyjaciołom króla, pana mego?
9Mukadzi akati kwaari, Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?
9A odpowiadając Achis, rzekł Dawidowi: Wiem, iżeś ty dobry w oczach moich, jako Anioł Boży; ale książęta Filistyóskie rzekły: Niech nie chodzi z nami na wojnę.
10Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.
10A przetoż wstaó bardzo rano, i słudzy pana twego, którzy z tobą przyszli, a wstawszy rano, skoro pocznie świtać, odejdźcie.
11Zvino mukadzi akati, Ndokukwidzira aniko? Akati, Ndikwidzire Samueri.
11Wstał tedy Dawid, sam i mężowie jego, aby odszedł tem raniej, i nawrócił się do ziemi Filistyóskiej, a Filistynowie ciągnęli do Jezreel.
12Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, Mandinyengerereiko? nekuti ndimi Sauro?
13Mambo akati kwaari, Usatya hako, asi unowoneiko? Mukadzi akati kuna Sauro, Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.
14Akati kwaari, Wakadiniko? Akati, Kunomutana unokwira, akafuka nguvo. Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari.
15Samueri akati kuna Sauro, Wanditambudzireiko uchindikwidza? Sauro akapindura akati, Ndinotambudzika kwazvo; nekuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange., navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.
16Samueri akati, Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako?
17Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi.
18Nekuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi.
19Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.
20Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nekuti wakange asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose.
21Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera inzwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza.
22Naizvozvo zvino, chiteereraiwo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.
23Asi iye wakaramba, akati, Handidi hangu kudya. Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera manzwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhovo.
24Zvino mukadzi wakange ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa;
25akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.