1Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose.
1Demais, quando repartirdes a terra por sortes em herança, separareis uma oferta para o Senhor, uma santa porção da terra; o seu comprimento será de vinte e cinco mil canas, e a largura de dez mil. Esta será santa em todo o seu termo ao redor.
2Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubhiti makumi mashanu.
2Desta porção o santuário ocupará quinhentas canas de comprimento, e quinhentas de largura, em quadrado, e terá em redor um espaço vazio de cinqüenta côvados.
3Zvino pamugove wakaganhurwa unofanira kuyera nzvimbo inosvika zviyero zviuru zvine makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviyero zviuru zvine gumi paupamhi; imomo ndimo munofanira kuva nenzvimbo tsvene, iyo nzvimbo tsvene-tsvene.
3Desta área santa medirás um comprimento de vinte e cinco mil côvados, e uma largura de dez mil; e ali será o santuário, que é santíssimo.
4Uyu unofanira kuva mugove mutsvene wenyika, uchava kuva wavapristi, ivo vanoshumira panzvimbo tsvene, vanoswedera kuna Jehovha kumushumira; inofanira kuva nzvimbo yedzimba dzavo, nenzvimbo tsvene yenzvimbo tsvene.
4É ela uma porção santa da terra; será para os sacerdotes, ministros do santuário, que se aproximam do Senhor para o servir; e lhes servirá de lugar para suas casas, e de lugar santo para o santuário.
5Nzvimbo inosvika zviyero zvinezviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nezviuru zvine gumi paupamhi, inofanira kuva yavaRevhi, ivo vanoshumira paimba, ive nhaka yavo, pavangavaka maguta okugaramo.
5Também os levitas, ministros da casa, terão vinte e cinco mil canas de comprimento, e dez mil de largura, para possessão sua, para vinte câmaras.
6Nhaka yavo paguta munofanira kuiganhura, iite zviyero zvine zviuru zvishanu pahupamhi, nezvuiru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, parutivi rwechipo chomugove mutsvene; iyo inofanira kuva yeimba yose yaIsiraeri.
6E para possessão da cidade, de largura dareis cinco mil canas, e de comprimento vinte e cinco mil, ao lado da área santa; o que será para toda a casa de Israel.
7Muchinda unofanira kuva nemugove kurutivi rumwe nokune rumwe rwechipo chedunhu dzvene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pechipo chitsvene, napamberi penhaka iri muguta, kubva kurutivi rwamavirazuva zvichienda kumavirazuva, nokurutivi rwamabvazuva zvichienda kumabvazuva; pakureba unofanira kuenzana nomugove mumwe, kubva kumuganhu wokumavirazuva kusvikira kumuganhu wokumabvazuva.
7O príncipe, porém, terá a sua parte deste lado e do outro da área santa e da possessão da cidade, defronte da área santa e defronte da possessão da cidade, tanto ao lado ocidental, como ao lado oriental; e de comprimento corresponderá a uma das porções, desde o termo ocidental até o termo oriental.
8Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.
8E esta terra será a sua possessão em Israel; e os meus príncipes não oprimirão mais o meu povo; mas distribuirão a terra pela casa de Israel, conforme as suas tribos.
9Zvanzi naIshe Jehovha, Chiringaniswai nazvo, imwi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Assim diz o Senhor Deus: Baste-vos, ó príncipes de Israel; afastai a violência e a opressão e praticai a retidão e a justiça; aliviai o meu povo das vossas exações, diz o Senhor Deus.
10Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.
10Tereis balanças justas, efa justa, e bato justo.
11Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.
11A efa e o bato serão duma mesma medida, de maneira que o bato contenha a décima parte do hômer, e a efa a décima parte do hômer; o hômer será a medida padrão.
12Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.
12E o siclo será de vinte jeiras; cinco siclos serão cinco siclos, e dez siclos serão dez; a vossa mina será de cinqüenta siclos.
13Ichi ndicho chipo chamunofanira kuuya nacho: Mugove wechitanhatu weefa pahomeri imwe yezviyo; uye munofanira kupa mugove wechitanhatu cheefa pahomeri yebhari;
13Esta será a oferta que haveis de fazer: a sexta parte duma efa de cada hômer de trigo; também dareis a sexta parte duma efa de cada hômer de cevada;
14uye mugove wakatarwa wamafuta, webhati ramafuta, unofanira kuva mugove wegumi webhati wakatorwa pakori, ndiwo mabhati ane gumi, ndiyo homeri
14quanto � porção fixa do azeite, de cada bato de azeite oferecereis a décima parte do bato tirado dum coro, que é dez batos, a saber, um hômer; pois dez batos fazem um hômer;
15uye gwayana rimwe paboka ramakwai ana mazana maviri, ari pamafuro akanyatsodiridzwa avaIsiraeri; zvive chipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuvayananisira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15e um cordeiro do rebanho, de cada duzentos, de todas as famílias de Israel, para oferta de cereais, e para holocausto, e para oferta pacífica, para que façam expiação por eles, diz o Senhor Deus.
16Vanhu vose venyika vanofanira kuvigira muchinda waIsiraeri chipo ichi.
16Todo o povo da terra fará esta contribuição ao príncipe de Israel.
17Muchinda ndiye anofanira kuisa zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvinomwiwa pamitambo napakugara komwedzi, napamasabata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsiraeri; iye anofanira kugadzira chipiriso chezvivi, nechipiriso choupfu, nechipiriso chinopiswa, nechipiriso chokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsiraeri.
17Tocará ao príncipe dar os holocaustos, as ofertas de cereais e as libações, nas festas, nas luas novas e nos sábados, em todas as festas fixas da casa de Israel. Ele proverá a oferta pelo pecado, a oferta de cereais, o holocausto e as ofertas pacíficas, para fazer expiação pela casa de Israel.
18Zvanzi naIshe Jehovha, Nomwedzi wokutanga, nezuva rokutanga rwomwedzi, munofanira kutora nzombe duku isina mhosva, ndokunatsa nzvimbo tsvene.
18Assim diz o Senhor Deus: No primeiro mês, no primeiro dia do mês, tomarás um bezerro sem mancha, e purificarás o santuário.
19Zvino mupristi anofanira kutora ropa rechipiriso chezvivi, ndokuriisa pambiru dzemikova yeimba, napamakona mana omusara wearitari, napambiru dzesuwo roruvanze rwomukati.
19O sacerdote tomará do sangue da oferta pelo pecado, e pô-lo- á nas ombreiras da casa, e nos quatro cantos da saliência do altar e nas ombreiras da porta do átrio interior.
20Munofanira kuitawo saizvozvo nezuva rechinomwe romwedzi pamusoro pomumwe nomumwe anotadza, napamusoro pebenzi; saizvozvo munofanira kuyananisira imba.
20Assim também farás no sétimo dia do mês, pelos errados e pelos insensatos; assim fareis expiação pelo templo.
21Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kuita Pasika, uye mutambo wamazuva manomwe; chingwa chisina mbiriso chinofanira kudyiwa.
21No primeiro mês, no dia catorze de mês, tereis a páscoa, uma festa de sete dias; pão ázimo se comerá.
22Nezuva iro muchinda anofanira kuzvigadzirira iye, navanhu vose venyika, nzombe chive chipiriso chezvivi.
22E no mesmo dia o príncipe proverá, por si e por todo o povo da terra, um novilho como oferta pelo pecado.
23Namazuva manomwe omutambo anofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa, zvinoti nzombe nomwe namakondobwe manomwe zvisina mhosva, zuva rimwe nerimwe kwemazuva manomwe; uye nhongo imwe zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chezvivi.
23E nos sete dias da festa proverá um holocausto ao Senhor, de sete novilhos e sete carneiros sem mancha, cada dia durante os sete dias; e um bode cada dia como oferta pelo pecado.
24Uye anofanira kugadzira chipiriso choupfu, efa imwe panzombe imwe neimwe, neefa imwe pahondobwe rimwe nerimwe, nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
24Também proverá uma oferta de cereais, uma efa para cada novilho, e uma efa para cada carneiro, e um e him de azeite para cada efa.
25Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namashanu romwedzi, pamutambo, anofanira kuita saizvozvo namazuva iwayo manomwe, sezvaakarayirwa pamusoro pechipiriso chezvivi, napamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pechipiriso choupfu, napamusoro pamafuta.
25No sétimo mês, no dia quinze do mês, na festa, fará o mesmo por sete dias, segundo a oferta pelo pecado, segundo o holocausto, segundo a oferta de cereais, e segundo o azeite.