1Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza.
2Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen'anga navaroyi navaKaradhea vadamwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo.
3Mambo akati kwavari, Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu.
4Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
5Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
6Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo.
7Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo.
8Mambo akapindura, akati, Ndinoziva kwazvo kuti imwi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nekuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni.
9Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nekuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo.
10VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nekuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n'anga, kana muKaradhea upi noupi.
11Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari ugaro hwavo hahwusi panevenyama.
12Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe.
13Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.
14Ipapo Dhanyeri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi;
15akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, Chirevo ichi chamambo chine chimbichimbi neiko? Ipapo Arioki akazivisa Dhanyeri shoko iro.
16Zvino Dhanyeri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari kuti amutarire nguva, azivise mambo kududzirwa kwazvo.
17Ipapo Dhanyeri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro;
18kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanyeri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi.
19Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanyeri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanyeri akatenda Mwari wokudenga.
20Dhanyeri akapindura, akati, Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi-peri, nekuti uchenjeri nesimba ndezvake.
21Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo;
22ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari.
23Ndinokutendai nokukurumbidzai, imwi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nekuti makatizivisa shoko ramambo.
24Naizvozvo Dhanyeri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
25Ipapo Arioki akaisa Dhanyeri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.
26Mambo akapindura, akati kuna Dhanyeri, ainzi Bheteshazari. Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?
27Dhanyeri akapindura mambo, akati, Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n'anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo;
28asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
29kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhovo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
30Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu.
31Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakakurisisa, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
32Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakange uri wendarama yakaisvo-naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira,
33makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu.
34Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.
35Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.
36Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo.
37imwi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya;
38pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imwi ndimi musoro wendarama.
39Shure kwenyu bwumwe vushe bwuchamuka, vuduku kwamuri; tevere vushe bwechitatu bwendarira; huchabata panyika yose.
40Ushe bwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
41Zvamakaona tsoka nezvigumwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu vokuumba naro.
42zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika.
43Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu.
44Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.
45Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa-putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi.
46Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanyeri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuhwira zvinozipa.
47Mambo akapindura Dhanyeri, akati, Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakavanzika
48Ipapo mambo akaita Dhanyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi.
49Dhanyeri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanyeri akagara pasuwo ramambo.