Shona

Romani: New Testament

Daniel

6

1Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose;
2pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanyeri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa.
3Zvino Dhanyeri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nekuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose.
4Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanyeri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nekuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.
5Zvino varume ava vakati, Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanyeri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.
6Ipapo vakuru ava namachinda vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kwaari, Mambo Dhariusi, raramai nokusingaperi.
7Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imwi mambo, awisirwe mugomba reshumba.
8Zvino chitemai chirevo, imwi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.
9Naizvozvo mambo Dhariusi akaisa zita rake parunyoro nechirevo.
10Zvino Dhanyeri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mahwindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisimboita.
11Ipapo varume avo vakaungana vari vazhinji, vakawana Dhanyeri achikumbira nokunyengetera Mwari wake.
12Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imwi mambo, awisirwe mugomba reshumba here? Mambo akataura, akati, Ishoko rechokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi.
13Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, Uya Dhanyeri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imwi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.
14Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanyeri akarwisa kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
15Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, Zivai imwi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.
16Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanyeri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.
17Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanyeri chingashandurwa.
18Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achitsanya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
19Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba.
20Akati achiswedera kugomba kuna Dhanyeri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, Nhai Dhanyeri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?
21Ipapo Dhanyeri akati kuna mambo, Imi mambo, raramai nokusingaperi.
22Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nekuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imwi mambo, hakune chakaipa chandakaita.
23Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanyeri mugomba. Naizvozvo Dhanyeri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nekuti wakange avimba naMwari wake.
24Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanyeri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna-vhuna mafupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.
25Ipapo Dhariusi akanyorera vanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere munyika yose, akati, Rugare ngaruwanzwe kwamuri.
26Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanyeri; nekuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
27Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanyeri pasimba reshumba.
28Saizvozvo Dhanyeri uyu akagara zvakanaka pakubata ushe kwaDhariusi napakubata ushe kwaKoreshi muPeresia.