1Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nekuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeEgipita.
2Zvino kana moswedera pakurwa, mupristi anofanira kuuya kuzotaura navanhu,
3achiti kwavari, Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
4nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.
5Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
6Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo.
7Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.
8Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.
9Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu.
10Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare.
11Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuwo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
12Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba;
13kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza;
14asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako.
15Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi.
16Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu;
17asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKanani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako;
18kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu.
19Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nekuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe?
20Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa.