1Zvino Mozisi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose,
2akati kwavari, Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, Iwe haungayambuki Joridhani urwu.
3Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.
4Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza.
5Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemwi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai.
6Simbai, mutsunge moyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nekuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusii.
7Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nekuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
8Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusii; usatya kana kuvhunduswa.
9Zvino Mozisi akanyora murayiro uyu, akaupa vapristi navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri.
10Mozisi akavaraira, akati, Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa,
11kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe.
12Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuwo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;
13uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Joridhani kwairi, kuti ive yenyu.
14Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye. Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
15Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende.
16Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
17Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nekuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?
18Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.
19Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.
20nekuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
21Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nekuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nekuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira.
22Naizvozvo Mozisi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana vaIsiraeri.
23Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, Simba, utsunge moyo, nekuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe.
24Zvino Mozisi wakati apedza kunyora mashoko omurayiro uyu mubhuku, kusvikira apera,
25Mozisi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati,
26Torai bhuku iyi yomurayiro, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo.
27nekuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
28Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire.
29Nekuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nekuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu.
30Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa.