1Zvino negore rechinomwe, nomwedzi wechishanu, nezuva regumi romwedzi, vamwe vakuru vaIsiraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu.
2Shoko raJehovha rikasvika kwandiri, richiti,
3Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
4Chivatonga, Mwanakomana womunhu, chivatonga! Chivazivisa zvinonyangadza zvamadzibaba avo;
5uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakove ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeEgipita, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu, ndichiti, Ndini Jehovha Mwari wenyu;
6nezuva iroro ndakavasimudzira ruoko rwangu, kuti ndichavabudisa munyika yeEgipita ndivaise kunyika yandakavatsvakira, kunoyerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba bwenyika dzose.
7Ndikati kwavari, Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.
8Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza zvameso avo, havana kusiya zvifananidzo zveEgipita. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeEgipita.
9Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi avanhu, mavakanga vagere, vandakazvizivisa kwavari pamberi pavo, ndichivabudisa munyika
10Naizvozvo ndakavabudisa munyika ndikavaisa kurenje.
11Ndikavapa mitemo yangu, nokuvaratidza zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizviita ararame nazvo.
12Ndakavapawo masabata angu, chive chiratidzo pakati pangu navo, kuti vazive kuti ndini Jehovha, ndinovaita vatsvene.
13Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru masabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
14Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi andakavabudisa pamberi pawo.
15Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba bwenyika dzose;
16nekuti vakaramba zvandakavarayira, vakasafamba nemitemo yangu, vakamhura masabata angu; nekuti moyo yavo yakatevera zvifananidzo zvavo.
17Kunyange zvakadaro ziso rangu rakavapembedza, ndikasavaparadza, kana kuvapedza chose murenje.
18Ndikati kuvana vavo murenje, Regai kufamba nemitemo yamadzibaba enyu, kana kuchengeta zvavakarayira, kana kuzvisvibisa nezvifananidzo zvenyu.
19Ndini Jehovha Mwari wenyu; fambai nemitemo yangu, muchengete zvandakarayira, muzviite;
20masabata angu ngaave matsvene kwamuri; zvigova chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
21Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura masabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
22Kunyange zvakadaro ndakadzosa ruoko rwangu, ndikaita nokuda kwezita rangu,kuti rirege kumhurwa pamberi pamarudzi, andakavabudisa pamberi pawo.
23Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti ndichavaparadzira pakati pamarudzi nokuvadzingira kunyika dzose;
24nekuti havana kuita zvandakavarayira, asi vakaramba mitemo yangu, nokumhura masabata angu, meso avo akatarira zvifananidzo zvamadzibaba avo.
25Ndakavapawo mitemo yakanga isina kunaka, nezvakarayirwa zvavakanga vasingagoni kurarama nazvo;
26ndikavasvibisa nezvipo zvavo, zvavakapinza mumoto zvose zvinotanga kuzarura chizvaro, kuti ndivaparadze, vagoziva kuti ndini Jehovha.
27Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.
28nekuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita bwema hwavo hunonhuhwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
29Ipapo ndikati kwavari, Ko nzvimbo yakakwirira kwamunoenda, inoti kudiniko? Naizvozvo zita rayo rinonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.
30Naizvozvo chiti kuimba yaIsiraeri, Zvanzi naIshe Jehovha, ko munozvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here? Munopata muchitevera zvinonyangadza zvavo here?
31Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemwi here, imwi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
32izvo zvinopinda mumirangariro yenyu hazvingatongoitiki chose, zvamunoti, Tinoda kufanana namamwe marudzi, navanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namabwe.
33Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Zvirokwazvo ndichava mambo wenyu nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa.
34Ndichakubudisai pakati pamarudzi, nokukuwunganidzai kunyika kwamakanga makaparadzirwa, nechanza chine simba noruoko rwakatambanudzwa, uye nehasha dzakadururwa;
35ndichakuisai kurenje ramarudzi avanhu, ndigokutongaipo, tichionana nameso.
36Sezvandakatonga madzibaba enyu murenje renyika yeEgipita, saizvozvo ndichakutongai imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
37Ndichakuverengai netsvimbo yomufudzi, nokukuisai muchisungo chesungano;
38ndichabvisa pakati penyu vakandimukira simba navakandidarikira, ndichavabudisa panyika pavagere vari vatorwa, asi havangapindi munyika yaIsiraeri; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
39Kana murimi, imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha endai imwi mundoshumira mumwe nomumwe zvifananidzo zvake, asi pashure muchanditeerera; hamuchazomhuri zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvifananidzo zvenyu.
40nekuti pagomo rangu dzvene, pagomo rakakwirira raIsiraeri, ndipo pandichashumirwa munyika neimba yose yaIsiraeri, ivo vose; ndipo pandichavagamuchira, ndipo pandichareva zvibayiro zvenyu, nezvitsva zvezvipo zvenyu, pamwechete nezvinhu zvenyu zvose zvitsvene.
41Ndichakugamuchirai sobwema hunonhuhwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
42Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuisai munyika yaIsiraeri, kunyika yandakasimudzira madzibaba enyu ruoko rwangu ndichiti ndichavapa iyo.
43Zvino mucharangarirapo nzira dzenyu, nezvose zvamakaita, zvamakazvisvibisa nazvo; muchazvisema pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose zvamakaita.
44Zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichikuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu, ndisingaiti zvakafanira nzira dzenyu dzakaipa kana zvakafanira zvakaora zvamakaita, imwi imba yaIsiraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
45Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
46Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rwezasi, udonhedze shoko rako kurutivi rwezasi, uporofite pamusoro pedondo romusango kurutivi rwezasi;
47uti kudondo kurutivi rwezasi, Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
48Vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha ndini ndakaubatidza; haungadzimwi.
49Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Vanoti pamusoro pangu, Ko haazi mutauri wemifananidzo here?