Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

23

1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe;
3ivo vakapata muEgipita, vakapata vachiri vaduku; mazamu avo akabatwa ipapo, minyato yohumhandara hwavo yakabatwa-batwapo.
4Mazita avo akanga ari Ohora, mukuru, naOhoribha munin'ina wake; ivo vakazova vangu, vakabereka vanakomana navanasikana. Zvino kana ari mazita avo, Samaria ndiOhora, Jerusaremu ndiOhoribha.
5Ohora wakapata, ari wangu, akadana navadikamwi vake, ivo vaAsiria vaigara pedo naye,
6vaifuka micheka mitema, vaiva vabati namadzishe, ose ari majaya anodikamwa, vatasvi vaifamba namabhiza.
7Iye akapata navo, ivo varume vakatsaurwa vose pakati pevana vaAsiria, zvino waizvisvibisa nezvifananidzo zvavose vaidikamwa naye.
8Uye haana kuzorega kupata kwake kwaakabva nako Egipita; nekuti varume vakavata naye achiri muduku, vakabatabata minyato yohumhandara hwake, vakadurura hupombwe hwavo pamusoro pake.
9Naizvozvo ndakamuisa mumaoko avadikamwi vake, mumaoko avaAsiria, vaakadana navo.
10Ivo vakafukura kunyadza kwake, vakatora vanakomana navanasikana vake, vakamuuraya iye nomunondo, zita rake rikazosekwa pakati pavakadzi; nekuti vakamutonga.
11Zvino munin'ina wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakange akanyanya pakudana kwake navadikamwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata komukuru wake.
12Iye akadana navaAsiria, vaiva vabati namadzishe, vaigara pedo naye, vakafuka zvakaisvonaka kwazvo, vari vatasvi vanofamba namabhiza, ose ari majaya anodikamwa.
13Zvino ndakaona kuti wasvibiswa; ivo vose vakafamba nenzira imwe.
14Akawedzera kupata kwake; nekuti wakaona zvifananidzo zvavarume vakavezwa pamadziro, zviri zvifananidzo zvaKaradhea, zvakavezwa nomuti mutsvuku,
15vakasunga zviuno zvavo nebhanhire, vane ngowani dzemicheka pamisoro yavo, vose vakaita samachinda kana vachionekwa, vakafanana navaBhabhironi paKaradhea, iyo nyika yokuberekwa kwavo.
16Zvino wakati achivaona, akavada kwazvo, akatuma nhume kwavari paKaradhea.
17VaBhabhironi vakauya kwaari ari panhovo dzorudo, vakamusvibisa nohupombwe hwavo, iye akasvibiswa pamwechete navo, mweya wake ukazorambana navo.
18Zvino wakati afukura kupata kwake, nokufukura kunyadza kwake, mweya wangu ukarambana naye, mweya wangu sezvawakarambana nomukuru wake.
19Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeEgipita.
20Akadana zvikuru navadikamwi vake, vane nyama yakaita senyama yembongoro, zvinodhachwa navo zvakaita sezvinodhachwa namabhiza.
21Zvino ukayeudzwa zvakashata zvohuduku hwako, panguva yawakabatwa-batwa minyato yako navaEgipita nokuda kwamazamu ohumhandara hwako.
22Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikamwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
23vanoti, vaBhabhironi, navaKaradhea vose, Pekodhi naShoa naKoa, navaAsiria pamwechete navo, iwo majaya anodikamwa, vose vari vabati namadzishe, machinda navarume vane mbiri, vose vakatasva mabhiza.
24Vachauya kuzorwa newe nenhumbi dzokurwa, nengoro, nezvinofamba namakumbo engoro, neboka ravanhu vazhinji; vachazvirongedza kuzorwa newe nenhovo huru nenhovo duku nengowani kumativi ose; ini ndichavapa simba rokutonga, vakutonge nokutonga kwavo.
25Ndichamutsa godo rangu kuzorwa newe, ivo vakuitire hasha; vachabvisa mhino dzako nenzeve dzako, vakasara kwauri vachaurawa nomunondo, vachatora vanakomana vako navanasikana vako; vakasara kwauri vachapera nomoto.
26Vachakubvisirawo nguvo dzako, nokukutorera hukomba hwako hwakanaka.
27Saizvozvo ndichakugumisira zvakashata zvako nokupata kwako kwawakabva nako kunyika yeEgipita, kuti urege kuzozvitarirazve nameso ako, kana kuzorangarira Egipita.
28nekuti zvanzi naIshe Jehovha, ndichakuisa mumaoko avaunovenga, mumaoko aivo vakarambwa nomweya wako;
29ivo vachakuitira ruvengo, vachakutorera zvose zvawakabatira, vakakurega usina chawakafuka wakashama; kunyadza kokupata kwako kuchafukurwa, zvakaipa zvako pamwechete nokupata kwako.
30Uchaitirwa zvinhu izvi nemhaka yokuti wakapata namarudzi avanhu, uye nemhaka yokuti wakasvibiswa nezvifananidzo zvavo.
31Iwe wakafamba nenzira yomukuru wako; saka ndichaisa mukombe wake muruoko rwako.
32Zvanzi naIshe Jehovha, Uchamwira pamukombe womukuru wako, wakadzika mukuru; uchasekwa nokudadirwa, nekuti iwe une zvizhinji zvirimo.
33Uchazara nokubatwa nokuchema; mukombe womukuru wako Samaria mukombe wokushamiswa nokuparadzwa.
34Uchaumwa nokuupedza chose, uchatsenga zvaenga zvawo, nokudzura mazamu ako; nekuti ndini ndakataura izvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
35Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Zvawakandikangamwa, ukandirasira shure kwako, naizvozvo chiva nemhosva yezvakashata zvako, neyokupata kwako.
36Jehovha akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, chitonga Ohora naOhoribha, uvazivise zvinonyangadza zvavo.
37nekuti wakafeva, ropa riri pamaoko avo; wakafeva nezvifananidzo zvavo; vakapinzawo vanakomana vavo vavakandiberekera mumoto, kuti zvidyiwe nazvo.
38Vakandiitirawo chinhu ichi, vakasvibisawo nzvimbo yangu tsvene nezuva iro, vakamhura masabata angu.
39nekuti vakati vabayira zvifananidzo zvavo vana vavo, vakapinda nezuva iro munzvimbo yangu tsvene kuti vaimhure; tarirai, ndizvo zvavakaita mukati meimba yangu.
40Makatumawo nhume kundodana varume vanobva kure nhume yakatumwako kwavari ivo vakauya, iwe ukazvishamba nokuda kwavo, ukazodza meso ako nomuti, nokuzvishongedza nezvishongo,
41ukagara panhovo dzakaisvonaka, dzakanga dzakagadzirirwa tafura pamberi padzo, pawakagadzika zvinonhuhwira zvangu namafuta angu.
42Inzwi ravazhinji vakanga vachifara rakanga rinaye; zvino pamwechete navarume vakabva kuvazhinji, vakauya nevakariri vedoro, vaibva kurenje, vakaisa zvishongo pamaoko avo, nekorona dzakanaka pamisoro yavo.
43Zvino ndakati kuna iye akanga apera nokufeva kwake, Zvino vachaita hupombwe naye, naiye navo.
44Ipapo vakapinda kwaari, sezvavanopinda kuchifeve; saizvozvo vakapinda kuna Ohora naOhoribha, ivo vakadzi vakashata.
45Naizvozvo varume vakarurama vachavatonga sezvinotongwa zvifeve, sezvinotongwa vakadzi vakateura ropa, nekuti zvifeve, ropa riri pamaoko avo.
46nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Ndichauyisa boka ravarwi kuzorwa navo, ndichavaregera kuti vadzungaidzwe kose-kose vapambwe.
47Boka iro richavataka namabwe, nokuvabaya neminondo yavo; vachauraya vanakomana vavo navanasikana vavo, nokupisa dzimba dzavo nomoto.
48Saizvozvo ndichagumisa zvakashata panyika, kuti vakadzi vose vadzidziswe kuti varege kutevera zvakashata zvenyu.
49Vachakutsivirai zvakashata zvenyu, imwi muchava nezvivi zvezvifananidzo zvenyu, zvino muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha.