1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, porofita, uti, zvanzi naIshe Jehovha, Ungudzai! Aiwa, zuva rakaipa sei!
3nekuti zuva rava pedo, izuva ramakore; ichava nguva yamarudzi avanhu.
4Munondo uchauya pamusoro peEgipita, kurwadziwa kukuru kuchavapo paItiopia, kana vakaurawa vachiparadzwa vachabvisa vanhu vayo vazhinji, nenheyo dzayo dzichakoromorwa.
5Itiopia nePuti, neRudhi, navanhu vose vakavhengana, neKubhi, navana venyika vakaita sungano, vachaparadzwa pamwechete navo nomunondo.
6Zvanzi naJehovha, Naivo vanotsigira Egipita vachaparadzwa; kuzvikudza kwesimba rayo kuchaderera; vachaparadzwamo nomunondo kubva paMigidhori kusvikira paSevhene.
7Vachava dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, namaguta ayo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.
8Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndaisa moto vabatsiri vayo vose vaparadzwa.
9Nezuva iro nhume dzichabva kwandiri nezvikepe kundotyisa vaItiopia vasine hanya; vachava nokurwadziwa kukuru, sapazuva reEgipita; nokuti, tarirai, zvinouya.
10Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichagumisawo vanhu vazhinji veEgipita noruoko rwaNebhukadhirezari mambo weBhabhironi.
11Iye navanhu vake vaanavo, vanotyisa zvikuru pakati pamarudzi, vachauyiswamo kuzoparadza nyika; vachavhomorera Egipita minondo yavo, nokuzadza nyika navakaurawa.
12Ndichapwisa mvura yenzizi, nokutengesa nyika mumaoko avanhu vakaipa; nyika ndichaiita dongo, nezvose zvirimo, noruoko rwavatorwa; ini Jehovha, ndakataura izvozvo.
13Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichaparadzawo zvifananidzo, nemifananidzo ndichaigumisa paNofi; hapangazovi nomuchinda kunyika yeEgipita; ndichaisa kutya panyika yeEgipita.
14Patirosi ndichariita dongo, paZoani ndichaisa moto, ndichaita zvandakatonga pamusoro peNo.
15Ndichadurura hasha dzangu pamusoro peSini, iyo nhare yeEgipita; ndichaparadza vanhu vazhinji veNo.
16Ndichaisa moto paEgipita; Sini richabatwa nokurwadziwa kukuru, No richaparadzwa, Nofi richava navavengi masikati.
17Majaya eAvheni neePibhesheti achaurawa nomunondo, maguta awa achatapwa.
18PaTapanesi masikati achaita rima, kana ndichivhunapo majoko kuzvikudza kwesimba raro kuchapera mukati maro; kana riri iro, richafukidzwa negore, vakunda varo vachatapwa.
19Saizvozvo ndichaita zvandakatonga pamusoro zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
20Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wokutanga, nezuva rechinomwe romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
21Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFarao mambo zvino tarira, haruna kupomberwa, kuti rurapwe, nemishonga, ruiswe chiseketo, kuti ruve nesimba rokubata munondo.
22Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka naFarao mambo weEgipita, ndichavhuna maoko ake, irwo rune simba norumwe rwakavhunika; ndichawisa pasi munondo uri paruoko rwake.
23Ndichaparadzira vaEgipita pakati pamarudzi, ndichavadzingira kunyika dzose.
24Asi ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, nokuisa munondo wangu muruoko rwake; asi ndichavhuna maoko aFarao, uchagomera pamberi pake sezvinogomera munhu akakuvadzwa ari pakufa.
25Ndichatsigira maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao acharemberera pasi; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichiisa munondo wangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye akautambanudzira pamusoro penyika
26Ndichaparadzira vaEgipita pakati pamarudzi avanhu, nokuvadzingirira kunyika dzose; zvino vachazoziva kuti ndini Jehovha.