1Zvino negore regumi namaviri, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,
2Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weEgipita mariro, uti kwaari, Iwe wakange wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakadhuka munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.
3Zvanzi naIshe Jehovha, Ndichakanda mumbure wangu pamusoro pako neboka ravanhu vazhinji, ivo vachakubata nomumbure wangu.
4Ndichakusiya panyika, ndichakurasira kusango pakachena, ndichamharisa shiri dzose dzokudenga pamusoro pako, ndichagutisa zvikara zvenyika dzose newe.
5Ndichayanika nyama yako pamusoro pamakomo, nokuzadza mipata nokukwirira kwako.
6Ndichadiridzawo nyika neropa rako rinoerera richibva kwauri, kusvikira kumakomo; hova dzichazadzwa newe.
7Kana ndichikudzima, ndichafukidza denga, nokudzima nyeredzi dzaro; ndichafukidza zuva negore, nomwedzi haungabudisi chiedza chawo.
8Zviedza zvose zvedenga, zvinopenya, ndichazvidzima pamusoro pako, ndichiisa rima panyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
9Ndichavodzawo moyo yamarudzi mazhinji avanhu, kana ndichisvitsa kuparadzwa kwako pakati pamarudzi, nokunyika dzawakanga usingazivi iwe.
10Zvirokwazvo, ndichashamisa marudzi mazhinji avanhu pamusoro pako, madzimambo avo achamira vhudzi kwazvo, kana ndichitambisa munondo wangu pamberi pavo; vachadedera nguva dzose, mumwe nomumwe achadedera nokuda koupenyu hwake, nezuva rokuparadzwa kwako.
11nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Munondo wamambo waBhabhironi uchauya pamusoro pako.
12Ndicharayira minondo yavanesimba kuparadza vanhu vako vazhinji; ivo vose ndivo vanotyisa pakati pamarudzi, vachaparadza kuzvikudza kweEgipita, navanhu vayo vazhinji vachaparadzwa.
13Ndichaparadzawo zvipfuwo zvayo zvose zviri kunhivi dzemvura zhinji, hakungazovi norutsoka rwomunhu ruchabvongodza, kana mahwanda ezvipfuwo angazoibvongodza.
14Ipapo ndichanyudza mvura yavo, nokuyeredza nzizi dzavo samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15Zvino nenguva yandichaita nyika yeEgipita dongo rakaparadzwa, nyika yakatorerwa zvayakanga izere nazvo, nenguva yandicharova vose vageremo, nenguva iyo vachaziva kuti ndini Jehovha.
16Awa ndiwo mariro avachachema nawo; vakunda vamarudzi vachachema nawo; vachachema nawo pamusoro peEgipita navanhu vose vayo vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
17Zvino negore regumi namaviri, nezuva regumi namashanu rwomwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
18Mwanakomana womunhu, ungudza pamusoro pavanhu vazhinji veEgipita, uvawisire pasi, iyo nyika navakunda vamarudzi ane mbiri, kusvikira kunzvimbo dziri pasi penyika, pamwechete navanoburukira kugomba.
19Unopfuura aniko pakunaka? Buruka, ugondoradzikwa kuna vasina kudzingiswa.
20Vachawa pakati pavakaurawa nomunondo; Egipita yakatemerwa munondo, chiikweverai pasi, iyo navanhu vayo vazhinji.
21Vane simba pakati pemhare vachataura naye navanomubatsira, vari pakati peSheori; vaburukirako, vavete vanyerere, ivo vasina kudzingiswa, vaurawa nomunondo.
22Ashuri riripo neboka raro rose; marinda aro akarikomberedza, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo.
23marinda aro akaiswa kumicheto yegomba, boka raro rakakomberedza rinda raro; vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vaityisa munyika yavapenyu.
24Eramu riripo navanhu varo vazhinji vose vakakomberedza rinda raro, vose vakaurawa, vakawiswa pasi nomunondo, ivo vakaburukira kunzvimbo dzapasi dzenyika vasina kudzingiswa, ivo vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba.
25Rakaisirwa nhovo pakati pavakaurawa pamwechete navanhu varo vazhinji vose, marinda aro akarikomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurayiwa nomunondo; nekuti vaityisa munyika yavapenyu, vakava nemhosva yezvinonyadzisa zvavo, pamwechete navanoburukira kugomba, rakaiswa pakati pavakaurawa.
26Mesheki neTubhari aripo navanhu vavo vose vazhinji; marinda awo akakomberedza; vose havana kudzingiswa, vakaurawa nomunondo, nekuti vaityisa munyika yavapenyu.
27Havangavati pakati pemhare dzakaurawa dzavasina kudzingiswa, vakaburukira kuSheori vane nhumbi dzavo dzokurwa, vakaisa minondo yavo pasi pemisoro yavo, zvakaipa zvavo zviri pamusoro pamafupa avo; nekuti vaityisa mhare munyika yavapenyu.
28Asi iwe uchaputswa pakati pavasina kudzingiswa, uchavata pakati pavakaurayiwa nomunondo.
29Edhomu riripo, namadzimambo aro namachinda aro ose, akaradzikwa pakati pavakaurayiwa nomunondo, kunyange aiva nesimba; vachavata pakati pavasina kudzingiswa, uye pamwechete navanoburukira kugomba.
30Machinda okurutivi rwokumusoro aripo, iwo ose, navaSidhoni vose vakaburukira pasi pamwechete navakaurayiwa; vakanyadziswa nokuda kokutyisa kwakabva pasimba ravo, vavete, vasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo, vane mhosva yezvinonyadzisa zvavo pamwechete navanoburukira kugomba.
31Farao achavaona, ndokunyaradzwa pamusoro pavanhu vake vose vazhinji, iye Farao nehondo yake yose, yakaurayiwa nomunondo , ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
32nekuti ndakaisa kutyisa kwake panyika yavapenyu; iye acharadzikwa pakati pavasina kudzingiswa, pakati pavakaurayiwa nomunondo, iye Farao navanhu vake vose vazhinji, Ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.