1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2Mwanakomana womunhu, porofita pamusoro pavafudzi vaIsiraeri, porofita, uti kwavari, kuna ivo vafudzi, zvanzi nalshe Jehovha, Vane nhamo ivo vafudzi vaIsiraeri vanozvifudza! Ko vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
3Munodya mafuta munofuka makushe awo, munobaya akakora asi, hamufudzi makwai.
4Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarasika, asi makaabata nesimba nehasha.
5Akapararira, nekuti akanga asina mufudzi, akava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, akapararira.
6Makwai angu akadzungaira pamakomo ose, napachikomo chimwe nechimwe chakakwirira, zvirokwazvo makwai angu akapararira pasi pose, hakuna akaaronda nokuatsvaka.
7Naizvozvo imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
8Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha zvirokwazvo, makwai angu zvaakapambwa, zvaakava zvokudya zvezvikara zvose zvokusango, nekuti kwakanga kusino mufudzi, navafudzi vangu zvavasina kuronda makwai angu, asi vafudzi vangu vakazvifudza ivo, vakasafudza makwai angu;
9naizvozvo, imwi vafudzi, inzwai shoko raJehovha.
10Zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ndine mhaka navafudzi, ndichabvunza makwai angu pamaoko avo, nokuvadzivisa kuzofudza makwai, uye vafudzi havangazozvifudzi ivo; ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, kuti arege kuzova zvokudya zvavo.
11nekuti zvanzi naIshe Jehovha, Tarirai, ini, ini ndimene, ndicharonda makwai angu nokuatsvaka.
12Mufudzi sezvaanotsvaka boka rake, nezuva raari pakati pemakwai ake akapararira kose, saizvozvo ndichatsvaka makwai angu, ndichaasunungure panzvimbo dzose kwaakapararira nezuva ramakore nererima.
13Ndichaabudisa pakati pamarudzi avanhu, nokuaunganidza kunyika dzose, ndiasvitse kunyika yawo, ndichaafudza pamakomo aIsiraeri, pahova napanzvimbo dzose dzenyika dzakagarwa navanhu.
14Ndichaafudza namafuro akakora, danga rawo richava pamakomo akakwirira aIsiraeri; achavata ipapo pasi mudanga rakanaka, achafura pamafuro emakamera mumakomo alsiraeri.
15Ini ndimene ndichava mufudzi wamakwai angu, ndichaavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
16Ndichatsvaka akarasika, ndichadzosa akadzingwa, ndichapombera akavhunika, ndichasimbisa anorwara; asi akakora naane simba ndichaaparadza; ndichaafudza zvakarurama.
17Kana murimi boka rangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarirai ndinotonga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobwe nenhongo.
18Ko chinhu chiduku here zvamakafura pamafuro akanaka, zvino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara?
19Kana ari makwai angu, anodya zvamakatsika netsoka dzenyu, nokumwa zvamakabvongodza netsoka dzenyu.
20Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha kwavari, Tarirai, ini, iyeni, ndichatonga pakati pamakwai akakora namakwai akaonda.
21Zvamunosunda norutivi nefudzi, muchitunga asine simba nenyanga dzenyu, kusvikira maaparadzira kose,
22naizvozvo ndichaponesa boka rangu, kuti arege kuzopambwa; ndichatonga pakati pamakwai namakwai.
23Ndichaamutsira mufudzi mumwe woga, iye achaafudza, iye muranda wangu Dhavhidhi; iye uchaafudza, iye achava mufudzi wawo.
24Ini Jehovha ndichava Mwari wavo, nomuranda wangu Dhavhidhi achava muchinda pakati pavo; ini Jehovha ndakataura izvozvo.
25Ndichaita navo sungano yorugare, ndichapedza zvikara panyika yavo, vachagara zvakanaka murenje, nokuvata mumatondo.
26Ndichavaita ropafadzo ivo nenzvimbo dzakapoteredza chikomo changu; ndichapfunhisa mvura nenguva yayo, mashoko anoropafadza achavapo.
27Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo, vachagara zvakanaka panyika yavo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinovhuna matanda ejoko ravo, nokuvarwira pamaoko avaivabatisa.
28Havangazovi chinhu chinopambwa namarudzi avanhu, nezvikara zvenyika hazvingavaparadzi; asi vachagara zvakanaka, hakuna angavatyisa.
29Ndichavameresera miti inorumbidzwa, havangazofa nenzara munyika yavo, kana kuzoshorwa namarudzi avanhu.
30Zvino vachaziva kuti ini Jehovha Mwari wavo ndinavo, uye kuti ivo, iyo imba yaIsiraeri, ndivo vanhu vangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
31Asi imi, makwai angu, makwai anofudzwa neni, muri vanhu, neni ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.