Shona

Romani: New Testament

Ezekiel

4

1Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chitinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu.
2Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa.
3Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri.
4Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo.
5nekuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri.
6Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore.
7Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro.
8Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako.
9Zvino utorewo gorosi nebhari nemarendiri* nenyemba namapfunde nesipereti uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe.
10Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva.
11Unofanira kumwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchaimwa nguva nenguva.
12Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu.
13Jehovha akati, Saizvozvo vana valsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakanora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.
14Ipapo ndikati, Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nekuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurawa nezvikara, nenyama yakanora haina kumbopinda mumuromo mangu.
15Ipapo akati kwandiri, Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo.
16Akatiwo kwandiri, Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachamwa mvura yakayerwa, vachivhunduka;
17kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vavore muzvakaipa zvavo.