Shona

Romani: New Testament

Hosea

5

1Inzwai shoko iri, imwi vapristi, teererai imwi imba yaIsiraeri, rerekerai nzeve dzenyu, imwi imba yamambo; nekuti ndimi munotongwa; nekuti makanga muri musungo paMizipa, nomumbure wakadzikwa paRabhori.
2Vakandimukira vakapinda kwazvo pakuora, asi ndichavatuka vose.
3Ndinoziva Efuremu, Isiraeri havana kuvanzika pamberi pangu; nekuti zvino iwe Efuremu, wakapata, Isiraeri vakasvibiswa.
4Zvavakaita hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo; nekuti mweya wokufeva uri mukati mavo, havazivi Jehovha.
5Kuzvikudza kwaIsiraeri kunovapupurira pachena; saka Isiraeri naEfuremu vachagumburwa pazvakaipa zvavo, Judha vachagumburwawo pamwechete navo.
6Vachaenda namakwai avo nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, asi havangamuwani; akaenda kure navo.
7Vakanyengera Jehovha, nekuti vakabereka vana vasati vari vavo; zvino mutambo wokugara komwedzi uchavapedza pamwechete neminda yavo.
8Ridzai mumanzi paGibhiyoni, nehwamanda paRama; ridzai mhere paBhetiavheni; vari shure kwako, iwe Bhenjamini!
9Nyika yaEfuremu ichaitwa matongo nezuva rokutukwa; ndakazivisa pakati paIsiraeri zvichazovapo zvirokwazvo.
10Machinda aJudha akafanana navanobvisa chiratidzo chemiganho; ndichadurura kutsamwa kwangu pamusoro pawo semvura.
11Efuremu wakamanikidzwa wakapwanyiwa nokutongwa, nekuti akanga achitenda kutevera murayiro wavanhu.
12Naizvozvo ndichava kuna Efuremu sechipfunho, uye sokuora kuimba yaJudha.
13Efuremu akati achiona kurwara kwake, naJudha vanga rake, Efuremu akaenda Asiria, akatuma nhume kuna mambo Jarebhi; asi iye haagoni kukuporesai, kana kuporesa vanga renyu.
14nekuti ndichava seshumba kuna Efuremu, uye seshumba duku kuimba yaJudha; ini, iyeni, ndichabvambura ndokuenda; ndichavatapa, hakuna angavarwira.
15Ndichaenda ndichidzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vatenda kutadza kwavo, vakatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.