1Nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndichava Mwari wamarudzi ose aIsiraeri, naivo vachava vanhu vangu.
2Vanhu vakapukunyuka pamunondo, ivo vaIsiraeri, vakawana nyasha murenje, panguva yandakandovazorodza.
3Jehovha wakazviratidza kwandiri ari kure, akati, Zvirokwazvo, ndakabuda norudo rusingaperi, naizvozvo ndakakukweva nohunyoro.
4Ndichakuvakazve, ipapo uchava wakavakwa, iwe mhandara yaIsiraeri; uchashongedzazve ngoma dzako, uchabuda kundotamba navanofara.
5Uchasimazve minda yemizambiringa pamakomo eSamaria; vasimi vachasima nokudya zvibereko zvayo.
6nekuti zuva richasvika, naro nharirire dzichadana pamakomo aEfuremu, dzichiti, Simukai imi, tikwire Ziyoni kuna Jehovha Mwari wedu.
7nekuti zvanzi naJehovha, Imbirai Jakove nomufaro, pururudzirai mukuru wamarudzi; paridzirai, rumbidzai muti, Jehovha, ponesai vanhu venyu, ivo vakasara vaIsiraeri
8Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, nemhetamakumbo, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
9Vachauya vachichema, ndichavaperekedza vachinyengetera; ndichivafambisa panzizi dzemvura zhinji, nenzira yakarurama, pavasingazogumburwi; nekuti ndiri baba kuna Isiraeri, Efuremu idangwe rangu.
10Inzwai shoko raJehovha, imwi marudzi, muriparidzire pazviwi zviri kure, muti, Wakaparadzira Isiraeri, ndiye uchavaunganidza, nokuvachengeta, sezvinoita mufudzi boka rake.
11nekuti Jehovha wakadzikunura Jakove, akamurwira muruoko rwounopfuura nesimba.
12Vachauya vachiimba panzvimbo yakakwirira yeZiyoni, vachayerera semvura kune zvakanaka zvaJehovha, kuzviyo, nokuwaini itsva, nokumafuta, nokuzvibereko zvamakwai nemombe; mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.
13Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nekuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
14Ndichagutisa mweya yavapristi namafuta, uye vanhu vangu vachaguta nezvakanaka zvangu ndizvo zvinotaura Jehovha.
15Zvanzi naJehovha, Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nekuti havachipo.
16Zvanzi naJehovha, Dzora inzwi rako pakuchema, nameso ako pamisodzi, nekuti basa rako richaripirwa mubayiro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vachadzokazve vachibva kunyika yavavengi vavo.
17Mugumo wako une tariro, ndizvo zvinotaura Jehovha; vana vako vachadzokerazve kumiganho yavo.
18Zvirokwazvo ndakanzwa Efuremu achizvichema, achiti, Imi makandirova, ndikarohwa semhuru isina kupingudzwa; ndidzoserei imi, ipapo ndichadzoka, nekuti imwi muri Jehovha Mwari wangu.
19Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nekuti ndakatakura kushoorwa kohuduku hwangu.
20Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikamwa here? Ndiye mwana unondifadza here? nekuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
21Zvimisirei shongwe dzenzira, zviitirei zvino; rerekerai moyo yenyu kunzira huru, iyo nzira yamakafamba nayo; dzokazve, mhandara yaIsiraeri, dzokerazve kumaguta ako awa.
22Ucharamba uchifambiramo kusvikira rinhiko, iwe mukunda wokudzokera shure? nekuti Jehovha wakasika chinhu chitsva panyika, chokuti mukadzi uchambundikira murume.
23Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, Vachataurazve shoko iri munyika yaJudha nomumaguta ayo, kana ndichidzosazve kutapwa kwavo, vachiti, Jehovha ngaakuropafadze, iwe hugaro hwokururama, iwe gomo rohutsvene.
24Judha namaguta avo ose vachagaramo pamwechete, varimi navanofamba namapoka avo.
25nekuti ndakagutsa mweya wakaneta, nomweya mumwe nomumwe, unokusuwa, ndakausimbisa.
26Ipapo ndakamuka, ndikaona; hope dzangu dzingandizipira.
27Zvanzi naJehovha, Tarirai, mazuva anouya, andichadzvara paimba yaIsiraeri napaimba yaJudha mbeu dzavanhu nembeu dzezvipfuwo.
28Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.
29Namazuva awo havangazoti, Madzibaba akadya mazambiringa anovava; meno avana ndokurwadzira.
30Asi mumwe nomumwe uchafira zvakaipa zvake; mumwe nomumwe, unodya mazambiringa anovava, meno ake achabwadzira.
31Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha.
32Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeEgipita, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
33Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
34Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, Ziva Jehovha; nekuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nekuti ndichakangamwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.
35Zvanzi naJehovha, iye unopa zuva rive chiedza masikati, nemirairo yomwedzi neyenyeredzi zvive chiedza vusiku, iye unomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire, Jehovha wehondo ndiro zita rake.
36Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
37Zvanzi naJehovha, Kana denga kumusoro richibvira kuyerwa, nenheyo dzenyika pasi dzichibvira kunzverwa, ipapo neniwo ndicharasha vana vose vaIsiraeri nokuda kwezvose zvavakaita, ndizvo zvinotaura Jehovha.
38Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, achavakirwa Jehovha guta kubva pashongwe yaHananeri kusvikira kusuwo rekona.
39Uye rwonzi rwokuyera narwo ruchapfuura ruchiruramira kuchikomo cheGarebhi, ndokudzoka kusvikira paGoa.
40Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuwo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.