Shona

Russian 1876

2 Chronicles

20

1Shure kwaizvozvo vana vaMoabhu, navana vaAmoni, navamwe vasiri vaAmoni pamwechete navo, vakasvika kuzorwa naJehoshafati.
1После сего Моавитяне и Аммонитяне, а с ними некоторые из страны Маонитской, пошли войною на Иосафата.
2Ipapo vamwe vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti, Vanhu vazhinji vanouya, vachibva Siria mhiri kwegungwa, kuzorwa nemi; tarirai, vari paHazazonitamari (ndiro Enigedi).
2И пришли, и донесли Иосафату, говоря: идет на тебямножество великое из-за моря, от Сирии, и вот они в Хацацон-Фамаре, то есть в Енгедди.
3Ipapo Jehoshafati akatya, akashingaira kundobvunza Jehovha; akatara zuva rokutsanya panyika yose yavaJudha.
3И убоялся Иосафат, и обратил лице свое взыскать Господа, и объявил пост по всей Иудее.
4VaJudha vakaungana kuzotsvaka rubatsiro kuna Jehovha; vakabva kumaguta ose aJudha kuzotsvaka Jehovha.
4И собрались Иудеи просить помощи у Господа; из всех городов Иудиных пришли они умолять Господа.
5Jehoshafati akasimuka paungano yavaJudha navanhu veJerusaremu, mumba maJehovha, pamberi poruvazhe rutsva;
5И стал Иосафат в собрании Иудеев и Иерусалимлян в доме Господнем, пред новым двором,
6akati, Haiwa, Jehovha Mwari wamadzibaba edu, imwi hamuzi Mwari ari kudenga here? Imwi hamuzi mubati woushe hwose bwendudzi here? Paruoko rwenyu pane simba noushe, naizvozvo hapano munhu angakudzivisai.
6и сказал: Господи Боже отцов наших! Не Ты ли Бог на небе? И Ты владычествуешь над всеми царствами народов, и в Твоей руке сила и крепость, и никто не устоит противТебя!
7Imi Mwari wedu, hamuna kudzinga here vaigara panyika ino pamberi pavanhu venyu vaIsiraeri, mukaipa vana vaAbhurahamu shamwari yenyu nokusingaperi?
7Не Ты ли, Боже наш, изгнал жителей земли сей пред лицем народа ТвоегоИзраиля и отдал ее семени Авраама, друга Твоего, навек?
8Vakagaramo, vakakuvakiraimo imba tsvene yezita renyu, vachiti,
8И они поселились на ней и построили Тебе на ней святилище во имя Твое, говоря:
9Kana tikawirwa nezvakaipa, kana munondo wokutonga, kana denda, kana nzara, tichamira pamberi peimba ino napamberi penyu (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigochema kwamuri tiri pakutambudzika kwedu; ipapo muchatinzwa nokutirwira,
9если придет на нас бедствие: меч наказующий, или язва, или голод, то мы станем пред домом сим и пред лицем Твоим, ибо имя Твое в доме сем;и воззовем к Тебе в тесноте нашей, и Ты услышишь и спасешь.
10Zvino tarirai vana vaAmoni navaMoabhu navapagomo reSeiri, vamusina kutendera vaIsiraeri kupinda pakati pavo nguva yavakabva panyika yeEgipita, asi vakavarega, vakasavaparadza;
10И ныне вот Аммонитяне и Моавитяне и обитатели горы Сеира, чрез земли которых Ты не позволил пройти Израильтянам, когда они шли из земли Египетской, а потому они миновали их и не истребили их, –
11tarirai votitsiva, vachiuya kuzotidzinga panyika yenyu, yamakatipa ive nhaka yedu.
11вот они платят нам тем , что пришли выгнать нас из наследственного владения Твоего, которое Ты отдал нам.
12Haiwa, Mwari wedu, hamungavatongi here? nekuti hatine simba rokurwa navazhinji ava vanouya kuzorwa nesu; hatizivi chatingaita, asi meso edu akatarira kwamuri.
12Боже наш! Ты суди их. Ибо нет в нас силы против множества сего великого, пришедшего на нас, и мы не знаем, что делать, но к Тебе очи наши!
13Ipapo vaJudha vose vakamira pamberi paJehovha, pamwechete nepwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo.
13И все Иудеи стояли пред лицем Господним, и малые дети их, жены их и сыновья их.
14Mweya waJehovha ukauya pamusoro paJahazieri, mwanakomana waZekariya, mwanakomana waBhenaya, mwanakomana waJeieri, mwanakomana waMatanya, muRevhi, wavanakomana vaAsafi, pakati peungano;
14Тогда на Иозиила, сына Захарии, сына Ванеи, сына Иеиела, сынаМатфании, левита из сынов Асафовых, сошел Дух Господень среди собрания
15iye akati, Teererai, imwi vaJudha mose, nemwi mugere paJerusaremu, nemwi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri: Nemwi musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji, nekuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari.
15и сказал он: слушайте, все Иудеи и жители Иерусалима и царь Иосафат! Так говорит Господь к вам: не бойтесь и не ужасайтесь множества сего великого, ибо не ваша война, а Божия.
16Burukai mangwana mundorwa navo; tarirai vanokwira napamukwidza weRizi; muchavawana pakuguma komupata, pamberi perenje reJerueri.
16Завтра выступите против них: вот они всходят на возвышенность Циц, и вы найдете их на конце долины, пред пустынею Иеруилом.
17imwi hamungafaniri henyu kurwapo; zvigadzireipo, murambe mumire henyu, muone kurwirwa kwenyu naJehovha, imwi vaJudha naveJerusaremu; musatya kana kuvhunduswa; budai mangwana mundorwa navo, nekuti Jehovha anemi.
17Не вам сражаться на сей раз; вы станьте, стойте и смотрите на спасение Господне, посылаемое вам. Иуда и Иерусалим! не бойтесь и не ужасайтесь. Завтра выступите навстречу им, и Господь будет с вами.
18Ipapo Jehoshafati akakotamisa musoro wake, chiso chakatarira pasi; vaJudha vose navakanga vagere Jerusaremu vakawira pasi pamberi paJehovha, vakanamata Jehovha.
18И преклонился Иосафат лицем до земли, и все Иудеи и жители Иерусалима пали пред Господом, чтобы поклониться Господу.
19NavaRevhi vavana vavaKohati, navana vavaKora, vakasimuka vakarumbidza Jehovha Mwari waIsiraeri nenzwi guru kwazvo.
19И встали левиты из сынов Каафовых и из сынов Кореевых – хвалить Господа Бога Израилева, голосом весьма громким.
20Vakamuka mangwanani, ndokubudira kurenje reTekoa; zvino vakati vachibuda, Jehoshafati akamira, akati, Chindinzwai imwi vaJudha nemwi mugere Jerusaremu; tendai Jehovha Mwari wenyu, mugosimbiswa; tendai vaporofita vake, mugokunda.
20И встали они рано утром, и выступили к пустыне Фекойской; и когда они выступили, стал Иосафат и сказал: послушайте меня, Иудеи и жители Иерусалима! Верьте Господу Богу вашему,и будьте тверды; верьте пророкам Его, и будет успех вам.
21Zvino akati arangana navanhu, akagadza vaifanira kuimbira Jehovha, nokumurumbidza nenguvo tsvene, vakafamba pamberi pehondo, vachiti, Vongai Jehovha, nekuti nyasha dzake hadziperi.
21И совещался он с народом, и поставил певцов Господу, чтобы они вблаголепии святыни, выступая впереди вооруженных, славословили и говорили: славьте Господа, ибо вовек милость Его!
22Zvino vakati vachitanga kuimba nokurumbidza, Jehovha akaisa vavandiri kuzorwa navana vaAmoni, navaMoabhu, navapagomo reSeiri, ivo vakanga vauya kuzorwa navaJudha; vakakundwa.
22И в то время, как они стали восклицать и славословить, Господь возбудил несогласие между Аммонитянами, Моавитянами и обитателями горы Сеира, пришедшими на Иудею, и были они поражены:
23Nekuti vana vaAmoni nevaMoabhu vakamukira vakanga vagere pagomo reSeiri kuti vavauraye nokuvaparadza chose; zvino vakati vapedza avo vakanga vagere paSeiri, mumwe nomumwe ndokubatsira pakuurayana.
23ибо восстали Аммонитяне и Моавитяне на обитателей горы Сеира, побивая и истребляя их , а когда покончили с жителями Сеира, тогда стали истреблять друг друга.
24Zvino vaJudha vakati vachisvika kurusvingo rwenharirire rwokurenje, vakatarira vanhu vazhinji, ndokuona zvava zvitunha zvawira pasi, kwakanga kusina akapukunyuka.
24И когда Иудеи пришли на возвышенность к пустыне и взглянули на то многолюдство, и вот – трупы, лежащие на земле, и нет уцелевшего.
25Zvino Jehoshafati navanhu vake vakati vachisvika kuzotora zvavakanga vapamba, vakawana pakati pavo zvizhinji: zvipfeko, nezvinhu zvinokosha, vakazvitorera izvo, asi vakakoniwa kuzvitakura zvose nokuwanda kwazvo; vakaita mazuva matatu vachitora mhambara, nokuda kokuwanda kwazvo.
25И пришел Иосафат и народ его забирать добычу, и нашли у них во множестве и имущество, и одежды, и драгоценные вещи, и набрали себе столько, что не могли нести. И три дня они забирали добычу; так велика была она!
26Zvino pazuva rechina vakaungana pamupata weBheraka; nekuti vakandokudza Jehovha ipapo; naizvozvo zita renzvimbo iyo rakatumidzwa Mupata weBheraka kusvikira zuva ranhasi.
26А в четвертый день собрались на долину благословения, так как там они благословили Господа. Посему и называют то место долиною благословения до сего дня.
27Ipapo vanhu vose vaJudha naveJerusaremu vakadzoka, Jehoshafati akavatungamirira, vakadzokera Jerusaremu nomufaro; nekuti Jehovha akanga avafadza pamusoro pavavengi vavo.
27И пошли назад все Иудеи и Иерусалимляне и Иосафат во главе их, чтобы возвратиться в Иерусалим с веселием, потому что далим Господь торжество над врагами их.
28Vakasvika Jerusaremu nemitengeramwa, nembira, nehwamanda, kusvikira paimba yaJehovha.
28И пришли в Иерусалим с псалтирями, и цитрами, и трубами, к дому Господню.
29Ipapo ushe hwose bwenyika iyo hwakatya Mwari kwazvo, pakunzwa kwavo kuti Jehovha akarwa navavengi vaIsiraeri.
29И был страх Божий на всех царствах земных, когда они услышали, что Сам Господь воевал против врагов Израиля.
30Zvino ushe hwaJehoshafati hwakava norugare; nekuti Mwari wake akamuzorodza pamativi ose.
30И спокойно стало царство Иосафатово, и дал ему Бог его покой со всех сторон.
31Jehoshafati akabata ushe hwaJudha; akanga asvika makore makumi matatu namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namashanu; zita ramai vake rakanga riri Azubha, mukunda waShirihi.
31Так царствовал Иосафат над Иудеею: тридцати пяти лет он был , когда воцарился, и двадцать пять лет царствовал в Иерусалиме. Имя матери его Азува, дочь Салаила.
32Akafamba nenzira yababa vake Asa; haana kutsauka pairi, akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.
32И ходил он путем отца своего Асы и не уклонился от него, делая угодное в очах Господних.
33Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, navanhu vakanga vachigere kutevera Mwari wamadzibaba avo nomoyo wose.
33Только высоты не были отменены, и народ еще не обратил твердо сердца своего к Богу отцов своих.
34Zvino mamwe mabasa aJehoshafati, okutanga nookupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu, mwanakomana waHanani, akaiswa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri.
34Прочие деяния Иосафата, первые и последние, описаны в записях Ииуя, сына Ананиева, которые внесены в книгу царей Израилевых.
35Shure kwaizvozvi Jehoshafati mambo waJudha wakasungana naAhazia mambo waIsiraeri; iye aifamba nenzira yakaipa kwazvo;
35Но после того вступил Иосафат, царь Иудейский в общение с Охозиею, царем Израильским, который поступал беззаконно,
36akasungana naye pakuvaka zvikepe zvaienda Tarishishi; vakavaka zvikepe paEZiyonigebheri.
36и соединился с ним, чтобы построить корабли для отправления в Фарсис; и построили они корабли в Ецион-Гавере.
37Ipapo Eriezeri mwanakomana waDhodhavhahu weMaresha akaporofita pamusoro paJehoshafati, akati, Zvawasungana naAhazia, Jehovha waparadza mabasa ako. Zvikepe zvikaputsika, zvikakoniwa kuenda Tarishishi.
37И изрек тогда Елиезер, сын Додавы из Мареши, пророчество на Иосафата, говоря: так как ты вступил в общение с Охозиею, то разрушил Господь дело твое. – И разбились корабли, и не могли идти в Фарсис.