Shona

Russian 1876

Isaiah

38

1Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, akasvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Chirayira nhaka yako, nekuti uchafa, haungararami.
1В те дни Езекия заболел смертельно. И пришел к нему пророк Исаия, сын Амосов, и сказал ему: так говорит Господь: сделай завещание для дома твоего, ибо ты умрешь, не выздоровеешь.
2Ipapo Hezekia akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha,
2Тогда Езекия отворотился лицем к стене и молился Господу, говоря:
3akati, Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nechokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu. Hezekia akachema kwazvo.
3„о, Господи! вспомни, что я ходил пред лицем Твоим верно и с преданным Тебе сердцем и делал угодное в очах Твоих". И заплакал Езекия сильно.
4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Isaya, richiti,
4И было слово Господне к Исаии, и сказано:
5Enda undoti kuna Hezekia, zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.
5пойди и скажи Езекии: так говорит Господь, БогДавида, отца твоего: Я услышал молитву твою, увидел слезы твои, и вот, Я прибавлю к дням твоим пятнадцать лет,
6Ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria; uye ndichadzivirira guta rino.
6и от руки царя Ассирийского спасу тебя и город сей и защищу городсей.
7Hechi chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha achaita chinhu ichi chaakataura.
7И вот тебе знамение от Господа, что Господь исполнит слово, которое Он изрек.
8Tarira, ndichadzosa mumvuri pamitaro, yakanga yakadzira nezuva pachikati chaAhazi, udzoke mitaro ine gumi. Naizvozvo zuva rakadzoka mitaro ine gumi pachikati chaAhazi, pawakanga wadzikira.
8Вот, я возвращу назад на десять ступеней солнечную тень, которая прошла по ступеням Ахазовым. И возвратилось солнце на десять ступеней по ступеням, по которым оно сходило.
9Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake.
9Молитва Езекии, царя Иудейского, когда он болен был и выздоровел от болезни:
10Ndakati, ndichapinda pamasuwo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara.
10„Я сказал в себе: в преполовение дней моих должен я идти во врата преисподней; я лишен остатка лет моих.
11Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika.
11Я говорил: не увижу я Господа, Господа на земле живых; не увижу больше человека между живущими в мире;
12Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
12жилище мое снимается с места иуносится от меня, как шалаш пастушеский; я должен отрезать подобно ткачу жизнь мою; Он отрежет меня от основы; день и ночь я ждал, что Ты пошлешь мне кончину.
13Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mafupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana.
13Я ждал до утра; подобно льву, Он сокрушал все кости мои; день иночь я ждал, что Ты пошлешь мне кончину.
14Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiririri wangu imi.
14Как журавль, как ласточка издавал я звуки, тосковал как голубь; уныло смотрели глаза мои к небу: Господи! тесно мне; спаси меня.
15Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanyasa kufamba makore angu ose, nokuda kokurwadziwa komoyo wangu.
15Что скажу я? Он сказал мне, Он и сделал. Тихо буду проводить все годы жизни моей, помня горесть души моей.
16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise.
16Господи! так живут, и во всем этом жизнь моего духа; Ты исцелишь меня, даруешь мне жизнь.
17Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; nekuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.
17Вот, во благо мне была сильная горесть, и Ты избавил душу мою от рва погибели, бросил все грехи мои за хребет Свой.
18nekuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu.
18Ибо не преисподняя славит Тебя, не смерть восхваляет Тебя, не нисшедшие в могилу уповают на истину Твою.
19Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuvongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu.
19Живой, только живой прославит Тебя, как я ныне: отец возвестит детям истину Твою.
20Jehovha akazvigadzirira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeramwa Mazuva ose oupenyu bwedu mumba maJehovha.
20Господь спасет меня; и мы во все дни жизни нашей со звуками струн моих будем воспевать песни в доме Господнем".
21Zvino Isaya akanga ati, Ngavatore bundu, ramawonde varinamire pamota, ipapo achapora.
21И сказал Исаия: пусть принесут пласт смокв и обложат им нарыв; и он выздоровеет.
22Hezekiawo akanga ati, Chiratidzo ndechipi kuti ndichakwira kuimba yaJehovha?
22А Езекия сказал: какое знамение, что я буду ходить в дом Господень?