Shona

Russian 1876

Lamentations

1

1Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamoyo pakati penyika, rovigira mutero.
1Как одиноко сидит город, некогда многолюдный! он стал, как вдова; великий между народами, князь над областями сделался данником.
2Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikamwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
2Горько плачет он ночью, и слезы его на ланитах его. Нет у него утешителя из всех, любивших его; все друзья его изменили ему, сделались врагами ему.
3Judha aenda kuutapwa nokuda kokutambudzika, nokuda kokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi haavane zororo, vose vaidzingana navo vakamubata pakamanikana.
3Иуда переселился по причине бедствия и тяжкого рабства, поселилсясреди язычников, и не нашел покоя; все, преследовавшие его, настигли его в тесных местах.
4Nzira dzeZiyoni dzinochema, nekuti hakuna anouya kumutambo, masuwo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
4Пути Сиона сетуют, потому что нет идущих на праздник; все ворота его опустели; священники его вздыхают, девицы его печальны, горько иему самому.
5Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nekuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
5Враги его стали во главе, неприятели его благоденствуют, потому что Господь наслал на него горе за множество беззаконий его; дети его пошли в плен впереди врага.
6Kunaka kwake kose kwakabva pamukunda weZiyoni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
6И отошло от дщери Сиона все ее великолепие; князья ее – как олени, не находящие пажити; обессиленные они пошли вперед погонщика.
7Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
7Вспомнил Иерусалим, во дни бедствия своего и страданий своих, о всех драгоценностяхсвоих, какие были у него в прежние дни, тогда как народ его пал от руки врага, и никто не помогает ему; неприятели смотрят на него и смеются над его субботами.
8Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nekuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
8Тяжко согрешил Иерусалим, за то и сделался отвратительным; все,прославлявшие его, смотрят на него с презрением, потому что увидели наготу его; и сам он вздыхает и отворачивается назад.
9Tsvina yaro yakanga iri panguvo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nekuti muvengi wazvikudza.
9На подоле у него была нечистота, но он не помышлял о будущности своей, и поэтому необыкновенно унизился, и нет у него утешителя. „Воззри, Господи, на бедствие мое, ибо враг возвеличился!"
10Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nekuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
10Враг простер руку свою на все самое драгоценное его; он видит, как язычники входят во святилище его, о котором Ты заповедал, чтобы они не вступали в собрание Твое.
11Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nekuti ndaitwa wakazvidzwa.
11Весь народ его вздыхает, ища хлеба, отдает драгоценности свои за пищу, чтобы подкрепить душу. „Воззри, Господи, ипосмотри, как я унижен!"
12Nhai, imwi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
12Да не будет этого с вами, все проходящие путем! взгляните и посмотрите, есть ли болезнь, как моя болезнь, какая постигла меня, какую наслал на меня Господь в день пламенного гнева Своего?
13Akatuma moto mumafupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
13Свыше послал Он огонь в кости мои, и он овладел ими; раскинул сеть для ног моих, опрокинул меня, сделал меня бедным итомящимся всякий день.
14Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
14Ярмо беззаконий моих связано в руке Его; они сплетены и поднялись на шею мою; Он ослабил силы мои. Господь отдал меня в руки, из которыхне могу подняться.
15Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
15Всех сильных моих Господь низложил среди меня, созвал против меня собрание, чтобы истребить юношей моих; как в точиле, истоптал Господь деву, дочь Иуды.
16Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nekuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vava nhoronhondo, nekuti muvengi akunda.
16Об этом плачу я; око мое, око мое изливает воды, ибо далеко от меня утешитель, который оживил бы душу мою; дети мои разорены, потому чтовраг превозмог.
17Ziyoni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakove, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
17Сион простирает руки свои, но утешителя нет ему. Господь дал повеление о Иакове врагам его окружить его; Иерусалим сделался мерзостью среди них.
18Jehovha akarurama, nekuti ndakamukira murayiro wake; doteererai imwi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
18Праведен Господь, ибо я непокорен был слову Его.Послушайте, все народы, и взгляните на болезнь мою: девы мои и юноши мои пошли в плен.
19Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapristi vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
19Зову друзей моих, но они обманули меня; священники мои и старцы моииздыхают в городе, ища пищи себе, чтобы подкрепить душу свою.
20Tarirai, Jehovha, nekuti ndiri panjodzi, moyo wangu unotambudzika; moyo wangu washanduka mukati mangu, nekuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
20Воззри, Господи, ибо мне тесно, волнуется во мне внутренность,сердце мое перевернулось во мне за то, что я упорно противился Тебе; отвне обесчадил меня меч, а дома – как смерть.
21Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara ipapo vachafanana neni.
21Услышали, что я стенаю, а утешителя у меня нет; услышали все враги мои о бедствии моем и обрадовались, что Ты соделал это: о, если бы Ты повелел наступить дню, предреченному Тобою, и они стали бы подобными мне!
22Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kokudarika kwangu kose; nekuti kugomera kwangu kuzhinji, moyo wangu washaiwa simba.
22Да предстанет пред лице Твое вся злоба их; и поступи с ними так же, как Ты поступил со мною за все грехи мои, ибо тяжки стоны мои, и сердце мое изнемогает.