Shona

Russian 1876

Lamentations

3

1Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake.
1Я человек, испытавший горе от жезла гнева Его.
2Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza.
2Он повел меня и ввел во тьму, а не во свет.
3Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake.
3Так, Он обратился на меня и весь день обращает руку Свою;
4Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mafupa angu.
4измождил плоть мою и кожу мою, сокрушил кости мои;
5Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Akandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
5огородил меня и обложил горечью и тяготою;
6Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa.
6посадил меня в темное место, как давно умерших;
7Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngetani dzangu.
7окружил меня стеною, чтобы я не вышел, отяготил оковы мои,
8Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu.
8и когда я взывал и вопиял, задерживал молитву мою;
9Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu.
9каменьями преградил дороги мои, извратил стези мои.
10Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikamwi.
10Он стал для меня как бы медведь в засаде, как бы лев в скрытном месте;
11Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura-bvarura, akandiita renje.
11извратил пути мои и растерзал меня, привел меня в ничто;
12Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
12натянул лук Свой и поставил меня как бы целью для стрел;
13Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
13послал в почки мои стрелы из колчана Своего.
14Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose.
14Я стал посмешищем для всего народа моего, вседневною песнью их.
15Akandigutisa nezvinovava, akandimwisa gavakava.
15Он пресытил меня горечью, напоил меня полынью.
16Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota,
16Сокрушил камнями зубы мои, покрыл меня пеплом.
17Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakangamwa kuti zvakanaka zvakadini.
17И удалился мир от души моей; я забыл о благоденствии,
18Ini ndikati, Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.
18и сказал я: погибла сила моя и надежда моя на Господа.
19Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru.
19Помысли о моем страдании и бедствии моем, о полыни и желчи.
20Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
20Твердо помнит это душа моя и падает во мне.
21Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro.
21Вот что я отвечаю сердцу моему и потому уповаю:
22Nokuda kounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nekuti tsitsi dzake hadziperi.
22по милости Господа мы не исчезли, ибо милосердие Его не истощилось.
23Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru.
23Оно обновляется каждое утро; велика верность Твоя!
24Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye.
24Господь часть моя, говорит душа моя, итак буду надеяться на Него.
25Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka.
25Благ Господь к надеющимся на Него, к душе, ищущей Его.
26Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
26Благо тому, кто терпеливо ожидает спасения от Господа.
27zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku.
27Благо человеку, когда он несет иго в юности своей;
28Ngaagare ari oga anyerere, nekuti ndiye akariisa pamusoro pake.
28сидит уединенно и молчит, ибо Он наложил его на него;
29Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo.
29полагает уста свои в прах, помышляя : „может быть, еще есть надежда";
30Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagute kushorwa.
30подставляет ланиту свою биющему его, пресыщается поношением,
31nekuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
31ибо не навек оставляет Господь.
32nekuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwetsitsi dzake
32Но послал горе, и помилует по великой благости Своей.
33nekuti haatambudzi nomoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.
33Ибо Он не по изволению сердца Своего наказывает и огорчает сынов человеческих.
34Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
34Но, когда попирают ногами своими всех узников земли,
35kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe pamberi peWekumusoro-soro,
35когда неправедно судят человека пред лицем Всевышнего,
36kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake, Ishe haafari naizvozvo.
36когда притесняют человека в деле его: разве не видит Господь?
37Ndianiko angataura, zvikaitika, kana Ishe asingazvirayiri?
37Кто это говорит: „и то бывает, чему Господь не повелел быть"?
38Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi pamuromo weWekumusoro-soro here?
38Не от уст ли Всевышнего происходит бедствие и благополучие?
39Ko munhu mupenyu anonyunyutirei, kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
39Зачем сетует человек живущий? всякий сетуй на грехи свои.
40Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu, titendeukirezve kuna Jehovha.
40Испытаем и исследуем пути свои, и обратимся к Господу.
41Ngatisimudze moyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga.
41Вознесем сердце наше и руки к Богу, сущему на небесах:
42Takadarika nokumumukira simba; imwi hamuna kutikangamwira
42мы отпали и упорствовали; Ты не пощадил.
43Makazvifukidza nokutsamwa, mukadzingana nesu, makauraya, hamuna kunzwira tsitsi.
43Ты покрыл Себя гневом и преследовал нас, умерщвлял, не щадил;
44Makazvifukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungapindapo
44Ты закрыл Себя облаком, чтобы не доходила молитва наша;
45Makatiita marara nezvinorashwa pakati pamarudzi avanhu.
45сором и мерзостью Ты сделал нас среди народов.
46Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
46Разинули на нас пасть свою все враги наши.
47Kutya nehunza zvasvika kwatiri nokupedzwa nokuparadzwa.
47Ужас и яма, опустошение и разорение – доля наша.
48Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura pamusoro pokuparadzwa komukunda wavanhu vangu.
48Потоки вод изливает око мое о гибели дщери народа моего.
49Ziso rangu rinodurura misodzi, hariregi, harigumi,
49Око мое изливается и не перестает, ибо нет облегчения,
50kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
50доколе не призрит и не увидит Господь с небес.
51Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
51Око мое опечаливает душу мою ради всех дщерей моего города.
52Vakadzingana neni zvikuru seshiri, ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
52Всячески усиливались уловить меня, как птичку, враги мои, без всякой причины;
53Vakaparadza upenyu hwangu mugomba, vakakandira ibwe pamusoro pangu.
53повергли жизнь мою в яму и закидали меня камнями.
54Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu; ndakati, Ndapera.
54Воды поднялись до головы моей; я сказал: „погиб я".
55Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
55Я призывал имя Твое, Господи, из ямы глубокой.
56Makanzwa inzwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu.
56Ты слышал голос мой; не закрой уха Твоего от воздыхания моего, от вопля моего.
57Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, Usatya.
57Ты приближался, когда я взывал к Тебе, и говорил: „не бойся".
58Ishe, imwi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikunura upenyu hwangu.
58Ты защищал, Господи, дело души моей; искуплял жизнь мою.
59Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu.
59Ты видишь, Господи, обиду мою; рассуди дело мое.
60Makaona kutsiva kwavo kose, namano avo ose pamusoro pangu.
60Ты видишь всю мстительность их, все замыслы их против меня.
61Makanzwa kushora kwavo, Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
61Ты слышишь, Господи, ругательство их, все замыслы их против меня,
62iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
62речи восстающих на меня и их ухищрения против меня всякий день.
63Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo; ndiri chiimbo chavo.
63Воззри, сидят ли они, встают ли, я для них – песнь.
64imwi muchavatsiva, Jehovha, zvakafanira basa ramaoko avo.
64Воздай им, Господи, по делам рук их;
65Muchavapa kuwoma komoyo, ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
65пошли им помрачение сердца и проклятие Твое на них;
66Muchadzingana navo makatsamwa, nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.
66преследуй их, Господи, гневом, и истреби их из поднебесной.