1Zvichakadaro makumi ezvuru zvevanhu akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yevaFarisi, inova unyepedzeri.
1Между тем, когда собрались тысячи народа, так что теснили друг друга, Он начал говорить сперва ученикамСвоим: берегитесь закваски фарисейской, которая есть лицемерие.
2Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, kana chakavigwa, chisingazozikamwi.
2Нет ничего сокровенного, что не открылось бы, и тайного, чего не узнали бы.
3Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.
3Посему, что вы сказали в темноте, то услышится во свете; и что говорили на ухо внутри дома, то будет провозглашено на кровлях.
4Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.
4Говорю же вам, друзьям Моим: не бойтесь убивающих тело и потом не могущих ничего более сделать;
5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye unoti shure kwekuuraya une simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.
5но скажу вам, кого бояться: бойтесь того, кто, по убиении, может ввергнуть в геенну: ей,говорю вам, того бойтесь.
6Ko dhimba shanu hadzitengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
6Не пять ли малых птиц продаются за два ассария? и ни одна из них не забыта у Бога.
7Asi kunyangwe nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munopfuura dhimba zhinji.
7А у вас и волосы на голове все сочтены. Итак не бойтесь: вы дороже многих малых птиц.
8Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe unondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu uchamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;
8Сказываю же вам: всякого, кто исповедает Меня пред человеками, и Сын Человеческий исповедает пред Ангелами Божиими;
9asi unondiramba pamberi pevanhu, ucharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.
9а кто отвергнется Меня пред человеками, тот отвержен будет пред Ангелами Божиими.
10Uye umwe neumwe unoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, uchakangamwirwa; asi uyo unonyomba Mweya Mutsvene haazokangamwirwi.
10И всякому, кто скажет слово на Сына Человеческого,прощено будет; а кто скажет хулу на Святаго Духа, тому не простится.
11Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindurei kana sei, kana muchataurei;
11Когда же приведут вас в синагоги, к начальствам ивластям, не заботьтесь, как или что отвечать, или что говорить,
12nekuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.
12ибо Святый Дух научит вас в тот час, что должно говорить.
13Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.
13Некто из народа сказал Ему: Учитель! скажи брату моему, чтобы он разделил со мною наследство.
14Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?
14Он же сказал человеку тому: кто поставил Меня судить или делить вас?
15Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nekuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.
15При этом сказал им: смотрите, берегитесь любостяжания, ибо жизнь человека не зависит от изобилияего имения.
16Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;
16И сказал им притчу: у одного богатого человека был хороший урожай в поле;
17akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nekuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.
17и он рассуждал сам с собою: что мне делать? некуда мне собрать плодов моих?
18Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvose ipapo, nenhumbi dzangu,
18И сказал: вот что сделаю: сломаю житницы мои и построю большие, и соберу тудавесь хлеб мой и все добро мое,
19ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, imwa, fara.
19и скажу душе моей: душа! много добра лежит у тебя на многие годы: покойся,ешь, пей, веселись.
20Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku hwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?
20Но Бог сказал ему: безумный! в сию ночь душу твою возьмут у тебя; кому же достанется то, что ты заготовил?
21Zvakadaro kune unozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.
21Так бывает с тем , кто собирает сокровища для себя, а не в Бога богатеет.
22Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.
22И сказал ученикам Своим: посему говорю вам, – не заботьтесь для души вашей, что вам есть, нидля тела, во что одеться:
23Upenyu hwunopfuura chikafu, nemuviri zvipfeko.
23душа больше пищи, и тело – одежды.
24Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari unoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
24Посмотрите на воронов: они не сеют, не жнут; нет у них ни хранилищ, ни житниц, и Бог питает их; сколько же вы лучше птиц?
25Ndiani kwamuri nekufunganya ungagona kuwedzera mbimbi* imwe paurefu hwake?
25Да и кто из вас, заботясь, может прибавить себе роста хотя на один локоть?
26Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidukusa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?
26Итак, если и малейшего сделать не можете, что заботитесь о прочем?
27Fungai midovatova, kuti inokura sei; haichami, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kupfekedzwa seumwe wawo.
27Посмотрите на лилии, как они растут: не трудятся, не прядут; но говорю вам, что и Соломон во всей славе своей не одевался так, как всякая из них.
28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwuri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo ruduku?
28Если же траву на поле, которая сегодня есть, а завтра будет брошена в печь, Бог так одевает, то кольми паче вас, маловеры!
29Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.
29Итак, не ищите, что вам есть, или что пить, и не беспокойтесь,
30Nekuti zvinhu izvi zvose marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.
30потому что всего этого ищут люди мира сего; ваш же Отец знает, что вы имеете нужду в том;
31Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
31наипаче ищите Царствия Божия, и это все приложится вам.
32Musatya boka duku; nekuti mufaro waBaba venyu kukupai ushe.
32Не бойся, малое стадо! ибо Отец ваш благоволил дать вам Царство.
33Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.
33Продавайте имения ваши и давайте милостыню. Приготовляйте себе влагалища не ветшающие, сокровище неоскудевающее нанебесах, куда вор не приближается и где моль не съедает,
34Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachava nemoyo wenyu.
34ибо где сокровище ваше, там и сердце ваше будет.
35Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.
35Да будут чресла ваши препоясаны и светильники горящи.
36Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
36И вы будьте подобны людям, ожидающим возвращениягосподина своего с брака, дабы, когда придет и постучит,тотчас отворить ему.
37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika unovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.
37Блаженны рабы те, которых господин, придя, найдетбодрствующими; истинно говорю вам, он препояшется и посадит их, и, подходя, станет служить им.
38Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
38И если придет во вторую стражу, и в третью стражу придет, и найдет их так, то блаженны рабы те.
39Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, ungadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.
39Вы знаете, что если бы ведал хозяин дома, в который час придет вор, то бодрствовал бы и не допустил бы подкопать дом свой.
40Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu unouya.
40Будьте же и вы готовы, ибо, в который час не думаете, приидет Сын Человеческий.
41Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vosewo?
41Тогда сказал Ему Петр: Господи! к нам ли притчу сию говоришь, или и ко всем?
42Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri uyu wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wechikafu nenguva yakafanira?
42Господь же сказал: кто верный и благоразумный домоправитель, которого господин поставил над слугами своими раздавать им в свое время меру хлеба?
43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.
43Блажен раб тот, которого господин его, придя, найдет поступающим так.
44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.
44Истинно говорю вам, что над всем имением своим поставит его.
45Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekumwa, nekudhakwa;
45Если же раб тот скажет в сердце своем: не скоро придет господин мой, и начнет бить слуг и служанок, есть и пить и напиваться, –
46ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatarisiri, neawa raasingazivi, akamugura nepakati, akamugovera mugove wake pamwe nevasakatendeka.
46то придет господин раба того в день, в который он не ожидает, и в час, в который не думает, и рассечет его, и подвергнет его одной участи с неверными.
47Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, ucharohwa neshamhu zhinji.
47Раб же тот, который знал волю господина своего, и не был готов, и не делал по воле его, бит будет много;
48Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, ucharohwa neshamhu shoma. Uye wose wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neunobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
48а который не знал, и сделал достойное наказания, бит будет меньше. И от всякого, кому дано много, много и потребуется, и кому много вверено, с того больше взыщут.
49Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?
49Огонь пришел Я низвести на землю, и как желал бы, чтобы он уже возгорелся!
50Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.
50Крещением должен Я креститься; и как Я томлюсь, пока сие совершится!
51Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.
51Думаете ли вы, что Я пришел дать мир земле? Нет, говорю вам, но разделение;
52Nekuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,
52ибо отныне пятеро в одном доме станут разделяться, трое против двух, и двое против трех:
53vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.
53отец будет против сына, и сын против отца; мать против дочери, и дочь против матери; свекровь против невесткисвоей, и невестка против свекрови своей.
54Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.
54Сказал же и народу: когда вы видите облако,поднимающееся с запада, тотчас говорите: дождь будет, и бывает так;
55Uye kana muchiona mhepo yekumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.
55и когда дует южный ветер, говорите: зной будет, и бывает.
56Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?
56Лицемеры! лице земли и неба распознавать умеете, как же времени сего не узнаете?
57Ko munoregerei imwi kuzvitongera mumene zvakarurama?
57Зачем же вы и по самим себе не судите, чему быть должно?
58Nekuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.
58Когда ты идешь с соперником своим к начальству, то на дороге постарайся освободиться от него, чтобы он не привел тебя к судье, а судья не отдал тебя истязателю, а истязатель не вверг тебя в темницу;
59Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.
59Сказываю тебе: не выйдешь оттуда, пока не отдашь и последней полушки.