Shona

Slovakian

Isaiah

48

1Inzwai izvi, imwi imba yaJakoobho, makatumidzwa zita raIsiraeri, makabuda kumvura zhinji, yaJudha; imi, munopika nezita raJehovha, muchirumbidza Mwari walsiraeri, musingazviiti nechokwadi kana nokururama.
1Počujte toto, dome Jakobov, ktorí sa nazývate menom Izraelovým a pošli ste z vôd Júdových, ktorí prisaháte na meno Hospodinovo a pripomínate Boha Izraelovho, ale nie v pravde ani nie v spravedlivosti!
2(Nokuti vanozvidza veguta dzvene, vachisendama kuna Mwari waIsiraeri, zita rake ndiJehovha wehondo).
2Lebo sa nazývajú od svätého mesta a spoliehajú sa na Boha Izraelovho, ktorého meno je Hospodin Zástupov.
3Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
3Oznámil som drievne veci od dávna, a keď vyšli z mojich úst, ohlasoval som ich; náhle som ich činieval, a dostanovily sa.
4nekuti ndaiziva kuti moyo wako mukukutu, nomutsipa wako runda rwedare, nehuma yako ndarira;
4Pretože som vedel, že si ty urputný, a že tvoja šija železná húžva a tvoje čelo z medi,
5naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.
5preto som ti oznamoval od dávna; prv ako sa niektoré dostanovilo, ohlásil som ti to, aby si nepovedal: Moja modla to učinila, a: Moja rytina a sliatina to rozkázala.
6Wakazvinzwa; tarira izvi zvose; zvino imwi hamungazviparidzi here? Ndakakuzivisa zvinhu zvakavanzwa, zvawakanga usingazivi.
6Počul si, hľaď, všetko to, a vy, či nemusíte vyznať to isté? Už teraz ti ohlasujem nové veci a strážené tajné, ktorých si neznal.
7Zvasikwa zvino, zvakanga zvisipo kare; hauna kumbozvinzwa zuva rino risati rasvika; kuti urege kuti, Tarirai, ndaizviziva.
7Teraz sú stvorené a nie od dávna, a nepočul si o nich predo dňom, aby si nepovedal: Hľa, vedel som to.
8Zvirokwazvo, hauna kunzwa, zvirokwazvo, hauna kuziva; zvirokwazvo, nzeve dzako dzakanga dzisina kudziurwa kubva panguva yakare; nekuti ndakaziva kuti wakaita nokunyengera, ukanzi mudariki kubva pachizvaro.
8Lebo veď ani si nepočul ani si nevedel, ani sa ti to od dávna nedostalo do uší, lebo som vedel, že budeš príliš neverne robiť a že sa voláš priestupníkom od života matky.
9Ndichanonotsa kutsamwa kwangu nokuda kwezita rangu, ndichazvidzora pamusoro pako nokuda kokurumbidzwa kwangu, kuti ndirege kukuparadza.
9Pre svoje meno zhovievam zdŕžajúc svoj hnev a pre svoju chválu ho krotím tebe na dobré, aby som ťa nevyplienil.
10Tarira, ndakakunatsa, asi handina kuzviita sesirivha; ndakakuidza mumvuto yokutambudzika.
10Hľa, prepálim ťa, ale nie ako striebro, preberiem ťa v peci súženia.
11Nokuda kwangu, nokuda kwangu, ndichazviita; nekuti zita rangu ringamhurwa sei? Handingapi mumwe kukudzwa kwangu.
11Pre seba, pre seba to učiním, lebo jako by mohlo byť poškvrnené moje meno? A svojej slávy inému nedám.
12Nditeerere, iwe Jakove, newe Isiraeri wandakadana ndini iye, ndini wokutanga, ndini wokupedzisirawo.
12Počuj ma, Jakobe, a Izraelu, môj povolaný: Ja som to; ja som prvý a ja som i posledný.
13Zvirokwazvo, ruoko rwangu rwakateya nheyo dzenyika ruoko rwangu rworudyi rwakatatamura denga rose; kana ndichizvidana, zvinosimuka pamwechete.
13Veď moja ruka založila zem, a moja pravica rozpäla nebesia; len čo som zavolal na ne, hneď sa postavily všetky dovedna.
14Unganai imwi mose, munzwe; ndianiko pakati pavo akaparidza zvinhu izvi? Iye anodikamwa naJehovha, achaita kuda kwake pamusoro peBhabhironi, ruoko rwake ruchava pamusoro pavaKaradhea.
14Shromaždite sa všetci, koľko vás je, a počujte! Kto z nich oznámil kedy tieto veci? Ten, ktorého miluje Hospodin, vykoná jeho vôľu na Babylone a jeho rameno na Chaldejoch.
15Ini, iyeni, ndini ndakataura izvozvo; zvirokwazvo, ndakamudana, ndakamuuyisa, achafambiswa panzira yakanaka.
15Ja, ja som hovoril, aj ho povolám; dovediem ho, a jeho cesta sa mu vydarí.
16Swederai kwandiri, munzwe chinhu ichi; kubva pakutanga handina kutaura chinyararire; kubva panguva yokuitika kwazvo,ndiripo: akandituma, noMweya wake.
16Pristúpte ku mne, počujte to: Od počiatku som nehovoril skryte; od času, v ktorom sa to dialo, tam som ja. - A teraz, Pán Hospodin ma poslal a jeho Duch.
17Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wako, Mutsvene walsiraeri: Ndini Jehovha Mwari wako, anokudzidzisa zvinokubatsira, anokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo.
17Takto hovorí Hospodin, tvoj vykupiteľ, Svätý Izraelov: Ja Hospodin, tvoj Bôh, ťa učím prospievať a vediem ťa cestou, ktorou máš ísť.
18Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!
18Oj, aby si bol pozoroval na moje prikázania, bol by tvoj pokoj ako rieka a tvoja spravedlivosť ako vlny mora!
19Vana vako vaiva sejecha, nezvibereko zvomuviri wako setsanga dzaro; zita rake harizaibviswa kana kuparadzwa pamberi pangu.
19A tvojho semena by bolo jako piesku a plodu tvojho života jako jeho zŕn; nebolo by vyťaté ani vyhladené jeho meno zpred mojej tvári!
20Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, Jehovha akadzikunura muranda wake Jakove.
20Vyjdite z Babylona! Utečte od Chaldejov! Zvestujte hlasom plesania, ohlasujte to, rozneste to až na koniec sveta! Povedzte: Hospodin vykúpil svojho služobníka Jakoba!
21Havana kunzwa nyota nguva yaakavafambisa mumarenje; akavayereresa mvura ichibva padombo, akatsemurawo dombo, mvura zhinji ikadzutuka.
21A nebudú žízniť, keď ich povedie po pustinách, dá, aby im tiekly vody zo skaly a roztrhne skalu, a budú sa liať vody!
22Zvanzi naJehovha, Vakaipa havana rugare.
22Nemajú pokoja, hovorí Hospodin, bezbožní.