Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

1 Chronicles

13

1Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,
1ENTONCES David tomó consejo con los capitanes de millares y de cientos, y con todos los jefes.
2Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, Kana imwi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvapristi navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
2Y dijo David á todo el congreso de Israel: Si os parece bien y de Jehová nuestro Dios, enviaremos á todas partes á llamar nuestros hermanos que han quedado en todas las tierras de Israel, y á los sacerdotes y Levitas que están con ellos en sus ciudades y
3tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nekuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro.
3Y traigamos el arca de nuestro Dios á nosotros, porque desde el tiempo de Saúl no hemos hecho caso de ella.
4Ungano yose ikatenda kuzviita; nekuti vanhu vose vakati zvakanaka.
4Y dijo todo el congreso que se hiciese así, porque la cosa parecía bien á todo el pueblo.
5Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweEgipita, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.
5Entonces juntó David á todo Israel, desde Sihor de Egipto hasta entrar en Hamath, para que trajesen el arca de Dios de Chîriath-jearim.
6Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamakerubhi pamusoro pawo, pavanonamata Zita rake.
6Y subió David con todo Israel á Baala de Chîriath-jearim, que es en Judá, para pasar de allí el arca de Jehová Dios que habita entre los querubines, sobre la cual su nombre es invocado.
7Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.
7Y lleváronse el arca de Dios de la casa de Abinadab en un carro nuevo; y Uzza y su hermano guiaban el carro.
8Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.
8Y David y todo Israel hacían alegrías delante de Dios con todas sus fuerzas, con canciones, arpas, salterios, tamboriles, címbalos y trompetas.
9Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nekuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
9Y como llegaron á la era de Chidón, Uzza extendió su mano al arca para tenerla, porque los bueyes se desmandaban.
10Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nekuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.
10Y el furor de Jehová se encendió contra Uzza, é hiriólo, porque había extendido su mano al arca: y murió allí delante de Dios.
11Ipapo Dhavhidhi akaora moyo nekuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
11Y David tuvo pesar, porque Jehová había hecho rotura en Uzza; por lo que llamó aquel lugar Pérez-uzza, hasta hoy.
12Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?
12Y David temió á Dios aquel día, y dijo: ¿Cómo he de traer á mi casa el arca de Dios?
13Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
13Y no trajo David el arca á su casa en la ciudad de David, sino llevóla á casa de Obed-edom Getheo.
14Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.
14Y el arca de Dios estuvo en casa de Obed-edom, en su casa, tres meses: y bendijo Jehová la casa de Obed-edom, y todas las cosas que tenía.