Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

1 Chronicles

20

1Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Joabhu akaenda nehondo ine simba, akaparadza nyika yavana vaAmoni, akandokomba Rabha. Asi Dhavhidhi akasara Jerusaremu. Joabhu akakunda Rabha, akariputsa.
1Y ACONTECIO á la vuelta del año, en el tiempo que suelen los reyes salir á la guerra, que Joab sacó las fuerzas del ejército, y destruyó la tierra de los hijos de Ammón, y vino y cercó á Rabba. Mas David estaba en Jerusalem: y Joab batió á Rabba, y destru
2Dhavhidhi akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake, akawana kuti inosvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha ikaiswa pamusoro waDhavhidhi; akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro.
2Y tomó David la corona de su rey de encima de su cabeza, y hallóla de peso de un talento de oro, y había en ella piedras preciosas; y fué puesta sobre la cabeza de David. Y Además de esto sacó de la ciudad un muy gran despojo.
3Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavacheka namajeko, nembambo dzamatare, uye namasanhu. Dhavhidhi akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
3Sacó también al pueblo que estaba en ella, y cortólos con sierras, y con trillos de hierro, y segures. Lo mismo hizo David á todas las ciudades de los hijos de Ammón. Y volvióse David con todo el pueblo á Jerusalem.
4Zvino shure kwaizvozvo kurwa kukazomuka paGezeri navaFirisitia; Shibhekai muHushati, akauraya Sipai, mumwe wavanakomana vaRafa.
4Después de esto aconteció que se levantó guerra en Gezer con los Filisteos; é hirió Sibbecai Husathita á Sippai, del linaje de los gigantes; y fueron humillados.
5Vakarwazve navaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami munin'ina waGoriati muGiti, rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki.
5Y volvióse á levantar guerra con los Filisteos; é hirió Elhanán hijo de Jair á Lahmi, hermano de Goliath Getheo, el asta de cuya lanza era como un enjullo de tejedores.
6Vakarwazve paGati, pakanga pano munhu murefu kwazvo, akanga ane mimwe nezvigumwe zvose zvina makumi maviri nezvina, mitanhatu paruoko rumwe norumwe, nezvitanhatu parutsoka rumwe norumwe; naiyewo akanga akaberekerwa Rafa.
6Y volvió á haber guerra en Gath, donde hubo un hombre de grande estatura, el cual tenía seis dedos en pies y manos, en todos veinticuatro: y también era hijo de Rapha.
7Zvino akati achishora vaIsiraeri, Jonatani mwanakomana waShimea, munin'ina waDhavhidhi akamuuraya.
7Denostó él á Israel, mas hiriólo Jonathán, hijo de Sima hermano de David.
8Ndivo vakaberekerwa Rafa paGati; vakaurawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.
8Estos fueron hijos de Rapha en Gath, los cuales cayeron por mano de David y de sus siervos.