1Ivai vateveri vangu, seniwo ndiri waKristu.
1SED imitadores de mí, así como yo de Cristo.
2Zvino ndinokurumbidzai hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengetedza zvimiso, sezvandakakumikidza kwamuri.
2Y os alabo, hermanos, que en todo os acordáis de mi, y retenéis las instrucciones mías, de la manera que os enseñé.
3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro womukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.
3Mas quiero que sepáis, que Cristo es la cabeza de todo varón; y el varón es la cabeza de la mujer; y Dios la cabeza de Cristo.
4Murume umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita ane musoro wakafukidzwa unozvidza musoro wake.
4Todo varón que ora ó profetiza cubierta la cabeza, afrenta su cabeza.
5Asi mukadzi umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita nemusoro usina kufukidzwa, unozvidza musoro wake; nekuti ndizvo zvimwe nokuveurwa.
5Mas toda mujer que ora ó profetiza no cubierta su cabeza, afrenta su cabeza; porque lo mismo es que si se rayese.
6Nekuti kana mukadzi asingafukidzwi ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kuti mukadzi agerwe kana kuveurwa, ngaafukidzwe.
6Porque si la mujer no se cubre, trasquílese también: y si es deshonesto á la mujer trasquilarse ó raerse, cúbrase.
7Nekuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.
7Porque el varón no ha de cubrir la cabeza, porque es imagen y gloria de Dios: mas la mujer es gloria del varón.
8Nekuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;
8Porque el varón no es de la mujer, sino la mujer del varón.
9kana murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi murume;
9Porque tampoco el varón fué criado por causa de la mujer, sino la mujer por causa del varón.
10nekuda kweizvozvi mukadzi unofanira kuva nesimba pamusoro wake, nekuda kwevatumwa.
10Por lo cual, la mujer debe tener señal de potestad sobre su cabeza, por causa de los ángeles.
11Kunyange zvakadaro murume haazi kunze kwemukadzi nemukadzi haazi kunze kwemurume muna Ishe.
11Mas ni el varón sin la mujer, ni la mujer sin el varón, en el Señor.
12Nekuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo unobva kumukadzi, asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.
12Porque como la mujer es del varón, así también el varón es por la mujer: empero todo de Dios.
13Zvienzanisei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?
13Juzgad vosotros mismos: ¿es honesto orar la mujer á Dios no cubierta?
14Kunyange chisikigo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?
14La misma naturaleza ¿no os enseña que al hombre sea deshonesto criar cabello?
15Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari; nekuti vhudzi rakapiwa kwaari chive chifukidzo.
15Por el contrario, á la mujer criar el cabello le es honroso; porque en lugar de velo le es dado el cabello.
16Zvino kana mumwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange kereke dzaMwari.
16Con todo eso, si alguno parece ser contencioso, nosotros no tenemos tal costumbre, ni las iglesias de Dios.
17Zvino mukuraira uku handirumbidzi, nekuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi zvakaipisisa.
17Esto empero os denuncio, que no alabo, que no por mejor sino por peor os juntáis.
18Nekuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; pamwe ndinozvitenda.
18Porque lo primero, cuando os juntáis en la iglesia, oigo que hay entre vosotros disensiones; y en parte lo creo.
19Nekuti kupatsanuka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.
19Porque preciso es que haya entre vosotros aun herejías, para que los que son probados se manifiesten entre vosotros.
20Naizvozvo kana muchiungana panzvimbo imwe, uku hakusi kudya chirayiro chaIshe;
20Cuando pues os juntáis en uno, esto no es comer la cena del Señor.
21Nekuti pakudya umwe neumwe unotanga kutora chirayiro chake; uye umwe une nzara, uye umwe wakadhakwa.
21Porque cada uno toma antes para comer su propia cena; y el uno tiene hambre, y el otro está embriagado.
22Ko hamuna dzimba dzekudyira nekumwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidziyi.
22Pues qué, ¿no tenéis casas en que comáis y bebáis? ¿ó menospreciáis la iglesia de Dios, y avergonzáis á los que no tienen? ¿Qué os diré? ¿os alabaré? En esto no os alabo.
23Nekuti ini ndakagamuchira kuna Ishe ichowo chandakagamuchidza kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,
23Porque yo recibí del Señor lo que también os he enseñado: Que el Señor Jesús, la noche que fué entregado, tomó pan;
24zvino wakati avonga akamedura, akati: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.
24Y habiendo dado gracias, lo partió, y dijo: Tomad, comed: esto es mi cuerpo que por vosotros es partido: haced esto en memoria de mí.
25Nenzira imwecheteyo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzose kana muchimwa mukundirangarira.
25Asimismo tomó también la copa, después de haber cenado, diciendo: Esta copa es el nuevo pacto en mi sangre: haced esto todas las veces que bebiereis, en memoria de mí.
26Nekuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nekumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.
26Porque todas las veces que comiereis este pan, y bebiereis esta copa, la muerte del Señor anunciáis hasta que venga.
27Naizvozvo ani nani unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waIshe zvisakafanira, uchava nemhosva yemuviri neropa raIshe.
27De manera que, cualquiera que comiere este pan ó bebiere esta copa del Señor indignamente, será culpado del cuerpo y de la sangre del Señor.
28Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvo ngaadye zvechingwa nekumwa zvemukombe.
28Por tanto, pruébese cada uno á sí mismo, y coma así de aquel pan, y beba de aquella copa.
29Nekuti unodya nokumwa zvisakafanira, unozvidyira nekuzvimwira kutongwa zvaasingatsauri muviri waIshe.
29Porque el que come y bebe indignamente, juicio come y bebe para sí, no discerniendo el cuerpo del Señor.
30Nemhaka iyi vazhinji pakati penyu indonda nevarwere, nevazhinji varere.
30Por lo cual hay muchos enfermos y debilitados entre vosotros; y muchos duermen.
31Nekuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa.
31Que si nos examinásemos á nosotros mismos, cierto no seríamos juzgados.
32Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.
32Mas siendo juzgados, somos castigados del Señor, para que no seamos condenados con el mundo.
33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.
33Así, que, hermanos míos, cuando os juntáis á comer, esperaos unos á otros.
34Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Zvasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.
34Si alguno tuviere hambre, coma en su casa, porque no os juntéis para juicio. Las demás cosas ordenaré cuando llegare.