Shona

Spanish: Reina Valera (1909)

1 Kings

1

1Zvino mambo Dhavhidhi wakange akwegura, ava namakore mazhinji; vakamufukidza namachira, asi haana ku­dziyirwa.
1COMO el rey David era viejo, y entrado en días, cubríanle de vestidos, mas no se calentaba.
2Naizvozvo varanda vake va­kati kwaari, Ishe wangu mambo ngaa­tsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avaonge avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyi­rwe.
2Dijéronle por tanto sus siervos: Busquen á mi señor el rey una moza virgen, para que esté delante del rey, y lo abrigue, y duerma á su lado, y calentará á mi señor el rey.
3Ipapo vakatsvaka musikana waka­naka panyika yose yaIsiraeri, vakawana Abhishagi muShunami, vakamuisa kuna mambo.
3Y buscaron una moza hermosa por todo el término de Israel, y hallaron á Abisag Sunamita, y trajéronla al rey.
4Uyu musikana wakange aka­naka kwazvo, akachengeta mambo, aka­mushandira, asi mambo haana kupinda kwaari.
4Y la moza era hermosa, la cual calentaba al rey, y le servía: mas el rey nunca la conoció.
5Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakazvikudza, akati, Ini ndi­chava mambo; akazvigadzirira ngoro navatasvi vamabhiza, navarume vana ma­kumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
5Entonces Adonía hijo de Haggith se levantó, diciendo: Yo reinaré. E hízose de carros y gente de á caballo, y cincuenta hombres que corriesen delante de él.
6Asi baba vake vakanga vasina kutongomuraira paupenyu hwake hwose, vachiti, Unoitireiko kudaro? wakange ari murume wakanaka kwazvo pamuviri wake; wakange achitevera Abhusaromu pakuzvarwa kwake.
6Y su padre nunca lo entristeció en todos sus días con decirle: ¿Por qué haces así? Y también éste era de hermoso parecer; y habíalo engendrado después de Absalom.
7Akarangana naJoa­bhu, mwanakomana waZeruya, naAbhia­tari mupristi, ivo vakatevera Adhonia, vakamubatsira.
7Y tenía tratos con Joab hijo de Sarvia, y con Abiathar sacerdote, los cuales ayudaban á Adonía.
8Asi Zadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, naNatani muporofita, naShimei, naRei, nemhare dzakanga dzina Dhavhidhi, ha­vana kutevera Adhonia.
8Mas Sadoc sacerdote, y Benaía hijo de Joiada, y Nathán profeta, y Semei, y Reihi, y todos los grandes de David, no seguían á Adonía.
9Adhonia akabaya makwai nenzo­mbe, nemhuru dzakakora, pabwe reZohe­reti, raiva paEni-rogeri, akadana hama dzake dzose ivo vanakomana vamambo, navarume vose vaJudha, varanda vama­mbo;
9Y matando Adonía ovejas y vacas y animales engordados junto á la peña de Zoheleth, que está cerca de la fuente de Rogel, convidó á todos sus hermanos los hijos del rey, y á todos los varones de Judá, siervos del rey:
10asi haana kudana Natani muporo­fita, naBhenaya, nemhare, naSoromoni munin'ina wake.
10Mas no convidó á Nathán profeta, ni á Benaía, ni á los grandes, ni á Salomón su hermano.
11Ipapo Natani akataura naBhati­shebha mai vaSoromoni, akati, Hauna kunzwa here kuti Adhonia mwanako­mana waHagiti, wobata ushe, asi Dhavhi­dhi ishe wedu haazvizivi?
11Y habló Nathán á Bath-sheba madre de Salomón, diciendo: ¿No has oído que reina Adonía hijo de Haggith, sin saberlo David nuestro señor?
12Naizvozvo zvino uya ndikupe zano, kuti urwire upenyu bwako noupenyu bwomwana­komana wako Soromoni.
12Ven pues ahora, y toma mi consejo, para que guardes tu vida, y la vida de tu hijo Salomón.
13Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, Ishe wangu mambo, hamuna kupikira mura­ndakadzi wenyu here, mukati, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adho­nia unobatireiko ushe?
13Ve, y entra al rey David, y dile: Rey señor mío, ¿no has tú jurado á tu sierva, diciendo: Salomón tu hijo reinará después de mí, y él se sentará en mi trono? ¿por qué pues reina Adonía?
14Zvino tarira, iwe uchiri pakutaura namambo, ini ndi­chapindawo shure kwako, ndichisimbisa mashoko ako.
14Y estando tú aún hablando con el rey, yo entraré tras ti, y acabaré tus razones.
15Bhati-shebha akapinda kuna ma­mbo mumba; zvino mambo wakange akwegura kwazvo, Abhishagi muShu­nami waishandira mambo.
15Entonces Bath-sheba entró al rey á la cámara: y el rey era muy viejo; y Abisag Sunamita servía al rey.
16Ipapo Bhati­shebha akakotama, akanamata kuna ma­mbo. Mambo akati, Unoreveiko?
16Y Bath-sheba se inclinó, é hizo reverencia al rey. Y el rey dijo: ¿Qué tienes?
17Iye akati kwaari, Ishe wangu, imwi makapikira murandakadzi wenyu naJeho­vha Mwari wenyu, mukati, Zvirokwa­zvo, Soromoni mwanakomana wako ndiye uchanditevera paushe, ndiye ucha­gara pachigaro changu choushe.
17Y ella le respondió: Señor mío, tú juraste á tu sierva por Jehová tu Dios, diciendo: Salomón tu hijo reinará después de mí, y él se sentará en mi trono;
18Asi zvino tarirai, Adhonia wobata ushe; asi imwi ishe wangu mambo, hamuzvizivi.
18Y he aquí ahora Adonía reina: y tú, mi señor rey, ahora no lo supiste.
19Iye wabaya nzombe, nemhuru dzaka­kora, namakwai mazhinji, akadana vana­komana vose vamambo, naAbhiatari mu­pristi, naJoabhu mukuru wehondo, asi haana kudana Soromoni muranda wenyu.
19Ha matado bueyes, y animales engordados, y muchas ovejas, y ha convidado á todos los hijos del rey, y á Abiathar sacerdote, y á Joab general del ejército; mas á Salomón tu siervo no ha convidado.
20Zvino ishe wangu mambo, meso avaI­siraeri vose anotarira kwamuri, kuti mu­vaudze kuti ndianiko unofanira kukuteve­rai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo.
20Entre tanto, rey señor mío, los ojos de todo Israel están sobre ti, para que les declares quién se ha de sentar en el trono de mi señor el rey después de él.
21Kana musingadaro, kana ishe wangu mambo avata namadzi­baba ake, ini nomwanakomana wangu Soromoni tichaidzwa vatadzi.
21De otra suerte acontecerá, cuando mi señor el rey durmiere con sus padres, que yo y mi hijo Salomón seremos tenidos por culpables.
22Zvino wakati achataura namambo, Natani muporofita akapindawo.
22Y estando aún hablando ella con el rey, he aquí Nathán profeta, que vino.
23Vakau­dza mambo, vakati, Natani muporofita wasvika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
23Y dieron aviso al rey, diciendo: He aquí Nathán profeta: el cual como entró al rey, postróse delante del rey inclinando su rostro á tierra.
24Zvino Natani akati, Ishe wangu, mambo, makareva here kuti Adhonia uchakuteverai paku­bata ushe, uchagara pachigaro chenyu choushe here?
24Y dijo Nathán: Rey señor mío, ¿has tú dicho: Adonía reinará después de mí, y él se sentará en mi trono?
25nekuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanako­mana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya noku­mwa pamberi pake, vachiti, Mambo Adhonia ngaararame
25Porque hoy ha descendido, y ha matado bueyes, y animales engordados, y muchas ovejas, y ha convidado á todos los hijos del rey, y á los capitanes del ejército, y también á Abiathar sacerdote; y he aquí, están comiendo y bebiendo delante de él, y han dicho
26Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
26Mas ni á mí tu siervo, ni á Sadoc sacerdote, ni á Benaía hijo de Joiada, ni á Salomón tu siervo, ha convidado.
27Chi­nhu ichi chinoitwa nashe wangu mambo here, mukasazivisa varanda venyu kuti ndianiko unofanira kukuteverai pakugara pachigaro choushe chashe wangu mambo?
27¿Es este negocio ordenado por mi señor el rey, sin haber declarado á tu siervo quién se había de sentar en el trono de mi señor el rey después de él?
28Ipapo mambo Dhavhidhi akapindura, akati, Ndidanirei Bhati-shebha. Iye akapinda kuna mambo, akamira pamberi pamambo.
28Entonces el rey David respondió, y dijo: Llamadme á Bath-sheba. Y ella entró á la presencia del rey, y púsose delante del rey.
29Zvino mambo akapika, akati, NaJehovha mupenyu, iye wakadzikunura upenyu hwangu panjodzi dzose,
29Y el rey juró, diciendo: Vive Jehová, que ha redimido mi alma de toda angustia,
30zvirokwazvo, sezvandakakupikira naJehovha Mwari waIsiraeri, ndichiti, Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako uchanditevera paushe, uchagara pachigaro changu choushe panzvimbo yangu; zvirokwazvo ndichazviita nhasi.
30Que como yo te he jurado por Jehová Dios de Israel, diciendo: Tu hijo Salomón reinará después de mí, y él se sentará en mi trono en lugar mío; que así lo haré hoy.
31Ipapo Bhati-shebha akakotamira pasi nechiso chake, akapfugamira mambo, akati, Ishe wangu mambo Dhavhidhi ngaararame nokusingaperi.
31Entonces Bath-sheba se inclinó al rey, su rostro á tierra, y haciendo reverencia al rey, dijo: Viva mi señor el rey David para siempre.
32Mambo Dhavhidhi akati, Ndidanirei Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha. Ivo vakapinda kuna mambo.
32Y el rey David dijo: Llamadme á Sadoc sacerdote, y á Nathán profeta, y á Benaía hijo de Joiada. Y ellos entraron á la presencia del rey.
33Mambo akati kwavari, Endai navaranda vashe wenyu, mutasvise Soromoni mwanakomana wangu pahesera rangu, mumuburusire Gihoni;
33Y el rey les dijo: Tomad con vosotros los siervos de vuestro señor, y haced subir á Salomón mi hijo en mi mula, y llevadlo á Gihón:
34Zadhoki mupristi naNatani muporofita vamuzodze ipapo, ave mambo waIsiraeri; muridze hwamanda, muchiti, Mambo Soromoni ngaararame.
34Y allí lo ungirán Sadoc sacerdote y Nathán profeta por rey sobre Israel; y tocaréis trompeta, diciendo: ­Viva el rey Salomón!
35Zvino mukwire muchimutevera, iye auye kuzogara pachigaro choushe, nekuti uchava mambo panzvimbo yangu; ini ndakaraira kuti ave muchinda waIsiraeri nowaJudha.
35Después iréis vosotros detrás de él, y vendrá y se sentará en mi trono, y él reinará por mí; porque á él he ordenado para que sea príncipe sobre Israel y sobre Judá.
36Ipapo Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, akapindura mambo, akati, Ameni! Jehovha, Mwari washe wangu mambo, unodarowo.
36Entonces Benaía hijo de Joiada respondió al rey, y dijo: Amén. Así lo diga Jehová, Dios de mi señor el rey.
37Jehovha sezvaaiva nashe wangu mambo, saizvozvowo ngaave naSoromoni, akurise chigaro chake choushe, chipfuure chigaro choushe chashe wangu mambo Dhavhidhi.
37De la manera que Jehová ha sido con mi señor el rey, así sea con Salomón; y él haga mayor su trono que el trono de mi señor el rey David.
38Ipapo Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Dhavhidhi, vakamuisa Gihoni.
38Y descendió Sadoc sacerdote, y Nathán profeta, y Benaía hijo de Joiada, y los Ceretheos y los Peletheos, é hicieron subir á Salomón en la mula del rey David, y lleváronlo á Gihón.
39Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, Mambo Soromoni ngaararame!
39Y tomando Sadoc sacerdote el cuerno del aceite del tabernáculo, ungió á Salomón: y tocaron trompeta, y dijo todo el pueblo: ­Viva el rey Salomón!
40Zvino vanhu vose vakakwira, vakamutevera; vanhu vakaridza nyere, vakafara nomufaro mukuru; naizvozvo nyika ikaunga nenzwi radzo.
40Después subió todo el pueblo en pos de él, y cantaba la gente con flautas, y hacían grandes alegrías, que parecía que la tierra se hundía con el clamor de ellos.
41Zvino Adhonia navose vakanga vakokwa naye, vakazvinzwa, vapedza kudya. Ipapo Joabhu wakati achinzwa inzwi rehwamanda, akati, Mhere-mhere iyi inoitirweiko muguta, zvaranyonganiswa?
41Y oyólo Adonía, y todos los convidados que con él estaban, cuando ya habían acabado de comer. Y oyendo Joab el sonido de la trompeta, dijo: ¿Por qué se alborota la ciudad con estruendo?
42Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, Pinda, nekuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.
42Estando aún él hablando, he aquí Jonathán hijo de Abiathar sacerdote vino, al cual dijo Adonía: Entra, porque tú eres hombre de esfuerzo, y traerás buenas nuevas.
43Ipapo Jonatani akapindura, akati kuna Adhonia, Zvirokwazvo ishe wedu mambo Dhavhidhi wakagadza Soromoni paushe.
43Y Jonathán respondió, y dijo á Adonía: Ciertamente nuestro señor el rey David ha hecho rey á Salomón:
44Uye mambo wakatuma Zadhoki mupristi, naNatani muporofita, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, navaKereti navaPereti, vakamutasvisa pahesera ramambo;
44Y el rey ha enviado con él á Sadoc sacerdote y á Nathán profeta, y á Benaía hijo de Joiada, y también á los Ceretheos y á los Peletheos, los cuales le hicieron subir en la mula del rey;
45uye Zadhoki mupristi, naNatani muporofita vakamuzodza paGihoni kuti ave mambo; vakabva ipapo, vakakwira nomufaro, naizvozvo guta rinowunga. Ndiyo mhere-mhere yamanzwa.
45Y Sadoc sacerdote y Nathán profeta lo han ungido en Gihón por rey: y de allá han subido con alegrías, y la ciudad está llena de estruendo. Este es el alboroto que habéis oído.
46Zvino Soromoni wogara pachigaro choushe.
46Y también Salomón se ha sentado en el trono del reino.
47Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe; mambo akakotama panhovo dzake.
47Y aun los siervos del rey han venido á bendecir á nuestro señor el rey David, diciendo: Dios haga bueno el nombre de Salomón más que tu nombre, y haga mayor su trono que el tuyo. Y el rey adoró en la cama.
48Uyezve mambo wakataura akati, Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.
48Y también el rey habló así: Bendito sea Jehová Dios de Israel, que ha dado hoy quien se siente en mi trono, viéndolo mis ojos.
49Zvino vose vakanga vakakokwa naAdhonia vakatya, vakasimuka, mumwe nomumwe akaenda hake.
49Ellos entonces se estremecieron, y levantáronse todos los convidados que estaban con Adonía, y fuése cada uno por su camino.
50Adhonia akatya nokuda kwaSoromoni, akasimuka, akandobata nyanga dzeatari.
50Mas Adonía, temiendo de la presencia de Salomón, levantóse y fuése, y cogió los cornijales del altar.
51Zvino Soromoni akaudzwa, zvichinzi, Tarirai, Adhonia unotya mambo Soromoni, nekuti wandobata nyanga dzeatari, akati, Mambo Soromoni ngaandipikire nhasi, kuti haangaurayi muranda wake nomunondo.
51Y fué hecho saber á Salomón, diciendo: He aquí que Adonía tiene miedo del rey Salomón: pues ha cogido los cornijales del altar, diciendo: Júreme hoy el rey Salomón que no matará á cuchillo á su siervo.
52Ipapo Soromoni akati, Kana akazova murume chaiye, ruvhudzi rwake kunyange rumwe harungawiri pasi; asi kana zvakaipa zvikawanikwa maari, uchafa.
52Y Salomón dijo: Si él fuere virtuoso, ni uno de sus cabellos caerá en tierra: mas si se hallare mal en él, morirá.
53Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, Enda kumba kwako.
53Y envió el rey Salomón, y trajéronlo del altar; y él vino, é inclinóse al rey Salomón. Y Salomón le dijo: Vete á tu casa.